1Zvino pamazuva aDhavhidhi kwakanga kune nzara makore matatu akatevedzana; Dhavhidhi akabvunza Jehovha. Jehovha akati, Imhaka yaSauro neyeimba yake yeropa, nekuti vakauraya vaGibhiyoni.
2Mambo akadana vaGibhiyoni, akati kwavari; Zvino vaGibhiyoni vakanga vasi vavana vaIsiraeri, asi ndivo vakanga vasara kuvaAmori, ndivo vakanga vapikirwa navaIsiraeri; asi Sauro wakatsvaka kuvauraya nokushingairira kwake vana vaIsiraeri navaJudha;
3Dhavhidhi akati kuva Gibhiyoni, Ndingakuitirai chinyi? Ndingayananisa neiko, kuti muropafadze nhaka yaJehovha?
4VaGibhiyoni vakati kwaari, Haizi mhosva yesirivha kana yendarama pakati pedu naSauro neimba yake, nesu hatingafaniri kuuraya munhu pakati paIsiraeri. Iye akati, Chamunoreva ndichakuitirai icho.
5Ivo vakati kuna mambo, Iye munhu, wakatipedza, wakatifungira mano akaipa kuti tiparadzwe, tirege kugara panyika yose yalsiraeri,
6varume vanomwe vavana vake ngavapiwesu, tivasungirire pamberi paJehovha paGibhiya raSauro, mutsaurwa waJehovha. Mambo akati, Ndichakupai ivo.
7Asi mambo wakarega Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, nokuda kokupika kwakanga kuri pakati pavo pamberi paJehovha, pakati paDhavhidhi naJonatani mwanakomana waSauro.
8Asi mambo wakatora vana vaviri vaRizipa, mukunda waAya, vaakanga aberekera Sauro, Amoni naMefibhosheti, navana vashanu vaMikari mukunda waSauro, vaakanga aberekera Adhirieri mwanakomana waBharizirai muMehorati;
9akavaisa mumaoko avaGibhiyoni, ivo vakavasungirira pagomo pamberi paJehovha, vakafa vari vanomwe; vakaurawa pamazuva okukohwa, pamazuva okutanga, pakutanga kokukohwa bhari.
10Zvino Rizipa mukunda waAya wakatora makudza, akazviwarira iwo pamusoro pedombo, kubva pakutanga kokukohwa kusvikira aniwa nemvura yakabva kudenga; haana kutendera shiri dzokudenga kumhara pamusoro pawo masikati, kana zvikara zvesango usiku.
11Zvino Dhavhidhi akaudzwa zvakanga zvaitwa naRizipa mukunda waAya, murongo waSauro;
12Dhavhidhi akandotora mafupa aSauro namafupa aJonatani mwanakomana wake kuvarume veJabheshiGiriyadhi, vakanga vaaba panzira yeBhetishani, pavakanga vaturikwa navaFirisitia, pazuva rokuurawa kwaSauro navaFirisitia paGiribhoa.
13Akatorapo mafupa aSauro namafupa aJonatani mwanakomana wake, vakaunganidza mafupa avakanga vaturikwapo.
14Vakaviga mafupa aSauro naaJonatani mwanakomana wake panyika yavaBhenjamini paZera, pahwiro hwababa vake; vakaita zvose zvavakanga varairwa namambo. Shure kwaizvozvo Mwari akanzwira nyika tsitsi.
15Zvino vaFirisitia vakarwazve navaIsiraeri; Dhavhidhi akaburuka navaranda vake kundorwa navaFirisitia; Dhavhidhi akaneta.
16Zvino Ishibhibhenobhi, mumwe wavanakomana vaRafa, waiva nepfumo rakasvika pamashekeri ana mazana matatu endarira pakurema kwaro, iye wakange akashonga munondo mutsva, akafunga kuuraya Dhavhidhi.
17Asi Abhishai mwanakomana waZeruya wakamubatsira, akabaya muFirisitia, akamuuraya. Ipapo varume vaDhavhidhi vakapika kwaari, vakati, Hamufaniri kuzoendazve nesu kundorwa, kuti murege kuzodzima mwenje waIsiraeri.
18Zvino shure kwaizvozvo kurwa kwazovapozve navaFirisitia paGobhi; Sibekai, muHushati, akauraya Safi, mumwe wavanakomana vaRafa.
19Vakarwazve navaFirisitia paGobhi, Erihanani mwanakomana waJaarioregimi weBheterehemu akauraya Goriati muGiti, rwiriko rwepfumo rake rwakaga rwakaita sedanda romuruki.
20Vakarwazve paGati, paiva nomunhu murefu kwazvo, waiva nemimwe mitanhatu paruoko rumwe norumwe, nezvigumwe zvitanhatu parutsoka rumwe norumwe, zvaisvika makumi maviri nezvina pakuverengwa kwazvo; naiyewo wakange akaberekerwa Rafa.
21Zvino wakati achishora vaIsiraeri, Jonatani mwanakomana waShimei, munin'ina waDhavhidhi akamuuraya.
22Ava vana vakanga vakaberekerwa Rafa paGati; vakaurawa naDhavhidhi, uye navaranda vake.