1Zvino Dhavhidhi wakataura kuna Jehovha mashoko orwiyo urwu nenguva yaakarwirwa naJehovha pamaoko avavengi vake vose, napamaoko aSauro;
2akati: Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nemununuri wangu, iye ndewangu.
3Mwari wedombo rangu, ndichavimba naye; nhovo yangu, norunyanga rwokuponeswa kwangu, shongwe yangu yakakwirira, noutiziro hwangu. Muponesi wangu, anondiponesa pakumanikidzwa.
4Ndichadana kuna Jehovha, iye anofanira kurumbidzwa; Naizvozvo ndichaponeswa kuna vavengi vangu.
5nekuti mafungu orufu akandikomba, Uye nzizi dzezvakaipa dzakandivhundusa.
6Mabote aSheori akandisunga, Misungo yorufu yakandiwira.
7Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Ndakadana kuna Mwari wangu, Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; Kuchema kwangu kukasvika munzeve dzake.
8Ipapo nyika yakazununguka, ikadedera; Nheyo dzokudenga dzakadengenyeka, Dzikazununguswa, nekuti iye wakange atsamwa.
9Utsi hwakakwira hwuchibva mumhino dzake, Uye moto wakabuda mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akabatidzwa nawo.
10Wakakotamisawo kudenga-denga, akaburuka, Nerima guru rakanga riri pasi petsoka dzake.
11Wakatasva kerubhu, akabhururuka; Zvirokwazvo, wakaonekwa ari pamapapiro emhepo.
12Wakazvipoteredza nerima setende, Mvura yakaunganidzwa, nemvumi dzehore dzedenga.
13Nokupenya, kwakanga kuri pamberi pake, Mazimbe omoto akabatidzwa.
14Jehovha wakatinhira kudenga, Wekumusoro-soro wakataura nenzwi rake.
15Wakatuma miseve, akavaparadza; Akatuma mheni, akavavhundusa.
16Ipapo pasi pegungwa pakaonekwa, Uye nheyo dzenyika dzakaratidzwa pachena, Nokutuka kwaJehovha, Nokufema kwemweya wemhino dzake.
17Wakatambanudza ruoko rwake ari kumusoro, akanditora, Akandinyukura pamvura zhinji;
18Akandirwira pamuvengi wangu ane simba, Nokuna vanondivenga; nekuti vakanga vondikurira.
19Vakandivinga nezuva renjodzi yangu, Asi Jehovha wakange ari mutsigiro wangu.
20Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana, Akandirwira, nekuti wakange achindifarira.
21Jehovha wakandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Akandipa mubayiro wakaenzana nokuchena kwamaoko angu.
22Nekuti ndakachengeta nzira dzaJehovha, Handina kubva kuna Mwari wangu nokunyengera.
23Nekuti zvose zvaakatonga zvakanga zviri pamberi pangu; Kana zviri zvaakatema, handina kutsauka kwazviri.
24Ndakanga ndakarurama kwazvo pamberi pake, Ndakazvichengeta pazvakaipa zvangu.
25Naizvozvo Jehovha wakandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Zvakaenzana nokuchena kwangu pamberi pake.
26Ane tsitsi, munomuitirawo tsitsi; Munhu, wakarurama kwazvo, munomuitirawo zvakarurama;
27Wakanaka, munomuitirawo zvakanaka; Wakatsauka, munomuitira hasha.
28Muchaponesa vanhu vanotambudzika, Asi meso enyu anoona vanozvikudza kuti muvaderedze.
29Nekuti muri mwenje wangu, Jehovha; Jehovha uchavhenekera rima rangu.
30Nekuti nemwi ndichavamba hondo, Kana ndina Mwari wangu ndichadarika rusvingo.
31Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo; Shoko raJehovha rakaidzwa; Ndiye nhovo yavose vanotenda kwaari.
32Nekuti ndiani Mwari, asi iye Jehovha? Ndianiko dombo, asi iye Mwari wedu?
33Mwari ndiye nhare yangu ine simba; Iye unondifambisa nenzira yakarurama.
34Unoita tsoka dzangu setsoka dzenondokadzi, Unondiisa pakakwirira.
35Unodzidzisa maoko angu kurwa; Naizvozvo maoko angu anowembura uta bwendarira.
36Makandipawo nhovo yokuponesa kwenyu, Unyoro bwenyu hwakandikurisa.
37Makandiitira nzvimbo yakafarikana pasi pangu pandingatsika; Tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.
38Ndakateverera vavengi vangu, ndikavaparadza, Handina kudzokazve kusvikira vapedzwa.
39Ndakavapedza, ndakavabaya, havagoni kumuka; Vakawira pasi petsoka dzangu.
40nekuti makandisunga chiwuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa vaindimukira.
41Makatizisa vavengi vangu, Kuti ndiparadze vanondivenga.
42Vakatarira, asi kwakanga kusino muponesi, Kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.
43Ipapo ndakavapwanya seguruva renyika; Ndikavatswa samatope enzira dzomumusha, ndikavaparadzira kure.
44Makandirwirawo pakukakavadzana kwavanhu vangu, Makandichengeta kuti ndive mukuru wendudzi; Vanhu vandakanga ndisingazivi, vachandishumira.
45Vatorwa vachanamata kwandiri; Vachateerera pakarepo kana vachindinzwa.
46Vatorwa vachatorerwa simba, Vachabuda pavaivanda vachidedera.
47Jehovha mupenyu; dombo rangu ngarikudzwe; Mwari, dombo rokuponeswa kwangu, ngaarumbidzwe.
48Ndiye Mwari unonditsivira, Unondikundisa vanhu.
49Unondibvisa kuvavengi vangu; Zvirokwazvo, munondisimudzira kumusoro kwavanondimukira; Munondirwira pamunhu unondimanikidza.
50Naizvozvo ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi, Ndichakudza zita renyu nenziyo;
51Unopa mambo wake kuponeswa kukuru; Unoitira muzodzwa wake unyoro, Kuna Dhavhidhi navana vake nokusingaperi.