1Zvino Ishibhohosheti mwanakomana waSauro, akati anzwa kuti Abhineri wakange afa paHebhuroni, maoko ake akashaiwa simba, navaIsiraeri vose vakavhunduka.
2Zvino mwanakomana waSauro wakange ana varume vaviri vakanga vari vakuru vamapoka; zita romumwe rakanga riri Bhaana, zita romumwe Rekabhu; vaiva vana vaRimoni muBheeroti, wavana vaBhenjamini; (nokuti Bheeroti rakanga richiverengerwawo kuna Bhenjamini;
3vaBheeroti vakatizira Gitaimu, vakava vatorwapo kusvikira nhasi).
4Zvino Jonatani mwanakomana waSauro, wakange ano mwanakomana wakaremara pamakumbo ake. Iye wakange ava namakore mashanu panguva yokusvika kweshoko rokuurawa kwaSauro naJonatani paJezereeri, mureri wake akamusimudza akatiza naye; zvino wakati achikurumidza kutiza, mwana akawa, akaremara. Zita rake rakanga riri Mefibhosheti.
5Vana vaRimoni muBheeroti, vanaRekabhu naBhaana, vakaenda, vakasvika paimba yaIshibhosheti zuva richipisa, iye achizorora masikati.
6Vakapinda mukati meimba, vachiita sokuda kutora gorosi, vakamubaya nomudumbu; Rekabhu naBhaana ndokutiza.
7nekuti vakanga vapinda mumba make mokuvata, vakamubaya, vakamuuraya, vakagura musoro wake, ndokutora musoro wake, vakaenda nenzira yeArabha usiku hwose.
8Vakaisa musoro walshibhosheti kuna Dhavhidhi paHebhuroni, vakati kuna mambo, Hoyo musoro waIshibhosheti mwanakomana waSauro muvengi wenyu, wakange achitsvaka kukuurayai; Jehovha wakatsiva ishe wangu mambo nhasi pamusoro paSauro navana vake.
9Dhavhidhi akapindura Rekabhu naBhaana munin'ina wake, vana vaRimoni muBheeroti, akati kwavari, NaJehovha mupenyu, wakadzikunura mweya wangu panjodzi dzose,
10musi wandakaudzwa nomumwe, achiti, Tarirai, Sauro afa, achifunga kuti wauya neshoko rakanaka, ndakamubata, ndikamuuraya paZikiragi; ndiwo waiva mubayiro wandakamupa pamusoro peshoko rake.
11Ndoda kana vanhu vakaipa vauraya munhu wakarurama hake mumba make, avete panhovo dzake, handingarevi ropa rake pamaoko enyu zvino, ndikakubvisai panyika here?
12Ipapo Dhavhidhi akaraira majaya vakavauraya vakavagura maoko avo netsoka dzavo, vakavaturika kurutivi rwedziva paHebhuroni. Asi vakatora musoro walshibhosheti, vakauviga muhwiro hwaAbhineri paHebhuroni.