Shona

Chamorro: Psalms, Gospels, Acts

2 Samuel

5

1Zvino marudzi ose avaIsiraeri akauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni, akataura akati, Tarirai tiri mafupa enyu nenyama yenyu.
2Kare Sauro achiri mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsiraeri muchibuda navo nokupinda navo; Jehovha akati kwamuri, Iwe uchafudza vanhu vangu vaIsiraeri.
3Naizvozvo vakuru vose vaIsiraeri vakauya kuna mambo paHebhuroni, mambo Dhavhidhi akaita sungano paHebhuroni pamberi paJehovha; ivo vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo waIsiraeri.
4Dhavhidhi wakange ana makore makumi matatu pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe makore makumi mana.
5Akabata ushe paHebhuroni pavaJudha makore manomwe nemwedzi mitanhatu; akabatawo ushe paJerusaremu makore makumi matatu namatatu pavaIsiraeri navaJudha vose.
6lye mambo navanhu vake vakaenda Jerusaremu kundorwa navaJebhusi vakanga vagere panyika iyo; ivo vakataura naDhavhidhi, vakati, Haungapindi pano, mapofu nezvirema vangakudzinga, nekuti vakati, Dhavhidhi haangapindi pano.
7Kunyange zvakadaro Dhavhidhi wakakunda nhare yeZiyoni; ndiro guta raDhavhidhi.
8Dhavhidhi akati nezuva iro, Ani nani unorova vaJebhusi, ngaakwire kumugero wemvura, auraye zvirema namapofu, vanovengwa nomweya waDhavhidhi. Naizvozvo vanoti, Mapofu nezvirema havangapindi mumba.
9Dhavhidhi akagara munhare, akaitumidza guta raDhavhidhi. Dhavhidhi akavaka kunhivi dzose, kubva paMiro, zvichipinda mukati.
10Dhavhidhi akaramba achikura, nekuti Jehovha, Mwari wehondo, wakange anaye.
11Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi namatanda emisidhari, navavezi, navavaki, vakavakira Dhavhidhi imba.
12Zvino Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha wakange amusimbisa kuti ave mambo waIsiraeri, uye kuti wakange akudza ushe hwake nokuda kwavanhu vake Isiraeri.
13Dhavhidhi wakati abva Hebhuroni, akazvitorera vamwe varongo navakadzi paJerusaremu, Dhavhidhi akaberekerwa vanakomana navanasikana.
14Ndiwo mazita avakaberekerwa Jerusaremu: Shamua, naShobhabhu, naNatani, naSoromoni,
15naIbhari, naErishua, naNefegi, naJafia,
16naErishama, naEriadha, naErifereti.
17Zvino vaFirisitia vakati vachinzwa kuti Dhavhidhi wakange azodzwa kuti ave mambo wavaIsiraeri, vaFirisitia vose vakakwira kundotsvaka Dhavhidhi; Dhavhidhi akazvinzwa, akaburukira kunhare.
18VaFirisitia vakanga vasvika, vakapararira pamupata weRefaimu.
19Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akati, Ndokwira kundorwa navaFirisitia here? Muchavaisa mumaoko angu here? Jehovha akati kuna Dhavhidhi, Kwira, nekuti zvirokwazvo ndichaisa vaFirisitia mumaoko ako.
20Dhavhidhi akasvika paBhaari-perazimi, Dhavhidhi akavaparadzapo. Akati, Jehovha wakabudira vavengi vangu pamberi pangu, sokupwanya kwemvura. Naizvozvo akatumidza nzvimbo iyo Bhaari-perazimi.
21Vakasiya zvifananidzo zvavo ipapo, Dhavhidhi navanhu vake vakazvibvisa.
22VaFirisitia vakauyazve, vakapararira pamupata weRefaimu.
23Zvino Dhavhidhi wakati achibvunza Jehovha, iye akati, Usakwira, asi upote shure kwavo, ugovavamba napakatarisana nemiti yemimaribheri.
24Zvino kana uchinzwa kutinhira kokufamba pangara dzemiti yemimaribheri, unofanira kukurumidza, nekuti ndiJehovha wakutungamirira kundoparadza hondo yavaFirisitia.
25Dhavhidhi akaita sezvaakarairwa naJehovha; akaparadza vaFirisitia kubva paGebha kusvikira paGezeri.