Shona

Chamorro: Psalms, Gospels, Acts

2 Samuel

6

1Zvino Dhavhidhi wakaunganidzazve varume vose vakanga vakatsaurwa vavaIsiraeri, vakanga vane zviuru zvina makumi matatu.
2Dhavhidhi akasimuka, akaenda navanhu vose vaakanga anavo, vachibva Bhaarijudha, kuti vatorepo areka yaMwari, panodamwa Zita, iro Zita raJehovha wehondo, ugere pamusoro pamakerubhi.
3Vakaisa areka yaMwari pamusoro pengoro itsva, vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu, yakanga iri pachikomo, Uza naAhiyo, vanakomana vaAbhinadhabhu, vakafambisa ngoro itsva.
4Vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu, yakanga iri pachikomo, ine areka yaMwari; Ahiyo akatungamirira areka.
5Dhavhidhi neimba yose yaIsiraeri vakaridza pamberi paJehovha zvinoridzwa zvamarudzi ose, zvomusiperesi, nembira, nemitengeramwa, nengoma, namatare, anoridzwa, namakandira.
6Zvino vakati vachisvika paburiro raNakoni, Uza ndokutambanudzira ruoko rwake kuareka yaMwari, akaibata, nekuti nzombe dzakanga dzogumburwa.
7Kutsamwa kwaJehovha kukamukira Uza, Mwari akamuuraya ipapo, nemhaka yokutadza kwake, iye akafirapo paareka yaMwari.
8Dhavhidhi akagumbuka nekuti Jehovha wakange arova Uza, akatumidza nzvimbo iyo Pereziuza kusvikira zuva ranhasi.
9Dhavhidhi akatya Jehovha zuva iro, akati, Zvino areka yaJehovha ichasvika seiko kwandiri?
10Naizvozvo Dhavhidhi akaramba kuisa areka yaJehovha kwaari muguta raDhavhidhi; asi Dhavhidhi wakaitsausira kumba kwaObhedhi-Edhomu muGiti.
11Areka yaJehovha ikagara mumba maObhedhi-Edhomu muGiti mwedzi mitatu; Jehovha akaropafadza Obhedhi-Edhomu neimba yake yose.
12Zvino vakaudza mambo Dhavhidhi, vachiti, Jehovha wakaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvake nokuda kweareka yaMwari. Ipapo Dhavhidhi akaenda akatora areka yaMwari kumba kwa Obhedhi-Edhomu, akakwira nayo kuguta raDhavhidhi nomufaro.
13Zvino nguva dzose kana ivo, vakatakura areka vachinge vafamba nhambwe nhanhatu, akabaya mombe nemhuru yakakora.
14Dhavhidhi akatamba pamberi paJehovha nesimba rake rose; Dhavhidhi akanga akafuka efodhi yomucheka.
15Naizvozvo Dhavhidhi neimba yose yaIsiraeri vakakwira neareka yaJehovha vachipururudza nokuridza hwamanda.
16Zvino areka yaJehovha yakati ichisvika muguta raDhavhidhi, Mikari mukunda waSauro akatarira napahwindo, akaona mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba pamberi paJehovha, akamushora mumoyo make.
17Vakapinda neareka yaJehovha, vakaiisa panzvimbo yayo pakati petende rayakanga yadzikirwa naDhavhidhi; Dhavhidhi akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa pamberi paJehovha.
18Zvino Dhavhidhi wakati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, akaropafadza vanhu nezita raJehovha wehondo.
19Akagovera vanhu vose, ivo vaIsiraeri vazhinji vose, varume navakadzi, mumwe nomumwe bundu rechingwa, nenhindi yenyama, nesumbu ramazambiringa akawomeswa. Zvino vanhu vose vakabva, mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.
20Dhavhidhi akadzoka kuzoropafadza imba yake. Mikari mukunda waSauro akabuda kuzosangana naDhavhidhi, akati, Haiwa, mambo waIsiraeri wazvikudza sei nhasi, zvaakazvifukura pamberi pavarandakadzi vavaranda vake, sokuzvifukura kwebenzi risinganyari!
21Dhavhidhi akati kuna Mikari, Ndakazviita pamberi paJehovha, wakanditsaura pamusoro pababa vako, napamusoro peimba yake yose, kuti andiite mubati wavanhu vaJehovha, ivo vaIsiraeri; naizvozvo ndichatamba hangu pamberi paJehovha.
22Ndichazvidukupisa kupfuura izvozvo, ndichazvininipisa pachangu; asi varandakadzi vawareva, ndichakudzwa navo.
23Mikari mukunda waSauro, wakange asina vana kusvikira zuva rokufa kwake.