Shona

Coptic: New Testament

Isaiah

50

1Ndizvo zvinotaura Jehovha, Ruripiko rugwaro rwokuramba mai venyu, vandakaramba? Kana ndiyani wandine chikwereti naye, wandakakutengesai kwaari? Tarirai makazvitengesa nokuda kwezvakaipa zvenyu, uye nokuda kokudarika kwenyu, mai venyu vakarashwa.
2Sei pakusvika kwangu kwakanga kusina munhu? Pakudana kwangu kwakanga kusina anopindura? Ko ruoko rwangu rwakatongopfupiswa here?, kuti rukoniwe kudzikunura? Handina simba rokurwira here? Tarirai nokutuka kwangu, ndinopwisa gungwa , Ndinoita nzizi dzive renje; hove dzadzo dzinhuwhe, nekuti hadzina mvura, dzinofa nenyota.
3Ndinofukidza matenga nokusviba, Ndinoita masaga ave chifukidziro chawo.
4Ishe Jehovha akandipa rurimi rwavakadzidza, kuti ndizive kutaura shoko nenguva yakafanira kune vakaneta ; anomuka mangwanani ose, anomutsa nzeve dzangu kuti ndinzwe savanodzidziswa.
5Ishe Mwari wakadziura nzeve dzangu,vuye handina kupanduka kana kudzokera shure.
6Ndakapa musana wangu kuvarovi, namatama angu kuna vakatavura ndebvu dzangu; handina kuvanza chiso changu pakunyadziswa nokupfirwa mate.
7nekuti Ishe Mwari achandibatsira, naizvozvo handina kunyadziswa; naizvozvo ndakaita chiso changu semusarasara,vuye ndinoziva kuti handinganyadziswi.
8Ari pedo iye unondiruramsa; ndiani acharwa neni?Ngatimirisane, Ndiani mudzivisi wangu? Ngaaswedere kwandiri.
9Tarirai, Ishe, Jehovha achandibatsira; ndiani angandipa mhosva? Tarirai, avo vose vachasakara senguvo;zvipfunho. zvichavadya.
10Ndianiko pakati penyu anotya Jehovha, anoteerera inzwi romuranda wake? Anofamba murima,vuye asina chiedza, ngaavimbe nezita raJehovha, asendame kuna Mwari wake.
11Tarirai, imwi mose, munobatidza moto, munozvisunga zviuno nezvitsiga; fambai muchiedza chomoto wenyu, napakati pezvitsiga zvamakabatidza. Muchapiwa izvozvo noruoko rwangu, muchavata pasi muchitambudzika.