1Teererai kwandiri, imwi munotevera kururama, imwi munotsvaka Jehovha; cherechedzai dombo pamakatemwa, negomba romugodhi pamakacherwa.
2Tarairai Abhurahamu, baba venyu, naSara akakuberekai; nekuti ndakamudana achiri mumwechete, ndikamuropafadza, ndikamuita vazhinji.
3nekuti Jehovha akanyaradza Ziyoni; akanyaradza matongo aro ose, akashandura renje raro rive seEdheni, negwenga raro rive somunda waJehovha; mufaro nokufarisisa zvichawanikwamo, nokuvonga nenzwi rokuimba.
4Teererai kwandiri, imwi vanhu vangu; rerekai nzeve dzenyu kwandiri, imwi rudzi rwangu; nekuti ndichatema murayiro, zvakarurama zvangu ndichazviita chiedza chavanhu.
5Kururama kwangu kuri pedo, ruponeso rwangu rwabuda, uye maoko angu achatonga vanhu; zvivi zvichandimirira, zvichavimba noruoko rwangu.
6Tarirai kudenga nameso enyu, mucherechedze nyika pasi; nekuti denga rose richanyangarika soutsi, nenyika ichasakara senguvo; vageremo vachafa sohunyunyu; asi ruponeso rwangu ruchava nokusingaperi, kururama kwangu hakungaperi.
7Nditeererei, imwi munoziva kururama; vanhu vanomurayiro wangu pamoyo yenyu; musatya kuzvidza kwavanhu, kana kuvhunduswa nokutuka kwavo.
8nekuti zvipfukuto zvichavadya senguvo, nerukonye guchavadya semvere; asi kururama kwangu kuchavapo nokusingaperi, noruponeso rwangu kusvikira kumarudzi namarudzi.
9Muka, muka zvifukidze nesimba, iwe ruoko rwaJehovha; muka sapamazuva akare, sapamarudzi enguva dzakarekare. Ko hamuzimi makagura Rahabhi, mukakuvadza chikara here?
10Ko hamuzimi makapwisa gungwa, nemvura yakadzika , mukaitawo nzvimbo dzakadzika dzegungwa nzira pangayambuka vakadzikunurwa here?
11Naizvozvo Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachaenda Ziyoni vachiimba; nomufaro usingaperi uchava pamisoro yavo, vachawana mufaro nokufarisisa, kuchema nokugomera kuchatiza.
12Ini, iyeni, ndini ndinokunyaradzai; ndiwe aniko, uchatya munhu anozofa, kana Mwanakomana womunhu, achaitwa souswa;
13uye wakakangamwa Jehovha muiti wako akatatamura matenga ose,nekuteya nheyo dzenyika; ukaramba uchingotya mazuva ose nokuda kwehasha dzomumanikidzi, seakazvigadzira kuparadza here? uye hasha dzomumanikidzi dziripiko?
14Musungwa wakatapwa achakurumidza kusunungurwa,Vuye haangafi nokuburukira mugomba, zvokudya zvake hazvingashaikwi.
15nekuti ndini Jehovha Mwari wako, anoparadzanisa gungwa, rine mafungu anotinhira; Jehovha wehondo ndiro zita rake.
16Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza mumumvuri woruoko rwangu, kuti ndivambe matenga , nokuteya nheyo dzenyika, nditi kuZiyoni, Imi muri vanhu vangu.
17Muka, muka, simuka, iwe Jerusaremu,iwe wakamwa paruoko rwaJehovha mukombe wokutsamwa kwake; wakamwa manzete emukombe wose wokudederesa, ukaapedza kwazvo.
18Hakuna nomumwe pakati pavanakomana vake vose vaakabereka angamutungamirira, hakuna angamubata noruoko pakati pavanakomana vose vaakarera.
19Zvinhu izvi zviviri zvakuwira; ndianiko achakunzwira tsitsi? Kusiiwa nokuparadzwa, nenzara nomunondo; ndingakunyaradza sei?
20Vanakomana vako vaziya, vavete pamigumo yenzira dzomumusha, senzombe yesango yabatwa mumambure; vazadzwa nokutsamwa kwaJehovha nokutuka kwaMwari wako.
21Naizvozvo zvino chinzwa chinhu ichi, iwe unotambudzika, wakabatwa, asi kwete newaini,
22Ndizvo zvinotaura IShe wako Jehovha, naMwari wako,unoreverera vanhu vake, Tarirai, ndakabvisa muruoko rwako mukombe wokudzedzeresa, iwo manzete emukombe wokutsamwa kwangu, haungazoamwizve.
23Asi ndichauisa muruoko rwavanokutambudza, ivo vakati kumweya wako, Kotama,kuti tipfuure napamusoro; iwe ukaita musana wako sapasi, senzira yomumusha yavanopfuura.