Shona

Coptic: New Testament

Isaiah

52

1Muka, muka, iwe Ziyoni, uzvifukidze nesimba rako; pfeka nguvo dzako dzakaisvonaka, iwe Jerusaremu, guta dzvene; nekuti kubva zvino hakuna angapinda mukati mako asina kudzingiswa nousakanaka.
2Zvizunze ubve muguruva; simuka, ugare kwazvo, iwe Jerusaremu; zvisunungura pazvisungo zviri pamutsipa wako, iwe mukunda wakatapwa weZiyoni.
3nekuti zvanzi naJehovha Makazvitengesa kusina mutengo; muchadzikunurwa kusina mari.
4nekuti zvanzi naIshe Jehovha, Vanhu vangu vakaburukira Egipita kare kundogarako, muAsiria akavamanikidza pasina mhosva.
5Ko zvino ndinoonei pano; ndizvo zvinotaura Jehovha; vanhu vangu zvavabviswa pasina? Vanovabata ushe vanopopota, zita rangu rinongomhurwa zuva rose, ndizvo zvinotaura Jehovha.
6Saka vanhu vangu vachaziva zita rangu; saka vachaziva nezuva iro kuti ndini iye anotaura; tarirai, ndini.
7Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzoanouya namashoko akanaka, anoparidza rugare, anouya namashoko akanaka ezvinhu zvakanaka, anoparidza ruponeso, anoti kuZiyoni, Mwari wako anobata ushe!
8Chinzwa inzwi renharirire dzako! Dzinodana namanzwi, dzinoimba pamwechete; nekuti dzichaonana zviso zvakatarisana, kana Jehovha achidzokera Ziyoni.
9Pemberai nomufaro, imbai pamwechete, imwi matongo eJerusaremu, nekuti Jehovha wakanyaradza vanhu vake, wakadzikunura Jerusaremu.
10Jehovha akafukura ruoko rwake rutsvene pamberi pamarudzi ose; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu.
11Ibvai, ibvai, budai ipapo, musabata chinhu chine tsvina; budai pakati paro; zvinatsei, imwi munotakura nhumbi dzaJehovha.
12nekuti hamungabudi muchikurumidza, kana kuenda muchitiza; nekuti Jehovha achakutungamirirai; Mwari waIsiraeri achakurindirai mumashure.
13Tarirai, muranda wangu achaita nokuchenjera, achakwiridzwa nokusimudzwa, nokukwirira kwazvo.
14Vazhinji sezvavakashamiswa pamusoro pako (chiso chake chakanga chakakuvadzwa kupfuura chavamwe vanhu, nechimiro chake kupfuura chavanakomana vavanhu),
15saizvozvo achavhundusa marudzi mazhinji; madzimambo achapfumbira miromo yawo pamusoro pake, nekuti vachaona zvavasina kumboudzwa; vachanzwisisa zvavasina kumbonzwa.