1Imba, iwe ngomwa, iwe usina kubereka;muka nokuimba , udanidzirise, iwe usina kumbosununguka; nekuti vana vouri oga vazhinji kukunda vana vomukadzi akawanikwa.Ndizvo zvinotaura Jehovha.
2Kurisa nzvimbo yetende rako, ngavatatamure maketeni eugaro hwako; usarega, urebese mabote ako, usimbise mbambo dzako.
3nekuti uchapararira kuruoko rworudyi nokuruboshwe;vana vako vachagara nhaka yavahedheni,vaite matongo agarwe.
4Usatya , nekuti haunganyadziswi;uye usakanganiswa, nekuti haungavi nenyadzi; nekuti uchakangamwa kunyara kohumhandara hwako, haungazorangariri kuzvidzwa kohuchirikadzi hwako.
5nekuti Muiti wako ndiye murume wako, Jehovha wehondo ndiro zita rake; Mudzikunuri wako ndiye Mutsvene waIsiraeri, iye achanzi Mwari wenyika yose.
6nekuti Jehovha akakudana somukadzi, akasiiwa ane shungu pamweya, somukadzi akawanikwa achiri muduku ndokuzorambwa ndizvo zvinotaura Mwari wako.
7Kwechinguvana,ndakakusiya , asi nenyasha huru ndichakuunganidza.
8Nehasha dzakapupuma, ndakakuvanzira chiso changu kwechinguvana ; asi nohunyoro husingaperi ndichakunzwira nyasha , ndizvo zvinotaura Jehovha Mudzikunuri wako.
9nekuti izvi zvakaita semvura yaNowa kwandiri; nekuti sezvandakapika kuti mvura yaNowa haingazodarikizve napanyika, saizvozvo ndakapika kuti handichazokutsamwiri, kana kukutuka.
10nekuti makomo achabva, nezvikomo zvizungunuke, asi hunyoro hwangu haungabvi kwauri, kana sungano yangu yorugare haingazungunuki ndizvo zvinotaura Jehovha ane nyasha newe.
11Haiwa, iwe mutambudziki, wakaposerwa nedutu remhepo, usina kunyaradzwa, tarira, ndichateya mabwe ako namavara akanaka, ndichateya nheyo dzako namabwe esafiri.
12Ndichaita shongwe dzako ne-agati*, namasuwo ako ne-kabhunakeri*, nomuganhu wako wose namabwe anofadza.
13Navana vako vose vachadzidziswa naJehovha,uye ruchava rukuru, rugare rwavana vako.
14Uchasimbiswa mukururama; uchava kure nokumanikidzwa, nekuti haungatyi, uye kure nezvinotyisa, nekuti hakungaswederi kwauri.
15Tarira, vachavungana,asi kwete neni. Ani nani unovungana pamwe kurwa newe uchawa nokuda kwako.
16Tarira, ndakasika mupfuri anopfutidza mazimbe mumoto , ndokuita nhumbi yebasa rake; uye ini ndakasika muparadzi, kuti aparadze.
17Hakuna nhumbi yokurwa inopfurwa kuzorwa newe ingabudirira; rurimi rumwe norumwe runokukwirira pakutongwa ruchapiwa mhosva. Ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, nokururama kwavo ndokwangu ndizvo zvinotaura Jehovha.