Shona

Coptic: New Testament

Isaiah

55

1Nhai, imwi mose mune nyota, uyai kumvura zhinji, nowasina mari, uyai, mutenge mudye; zvirokwazvo, uyai mutenge waini nomukaka, musine mari, pasina mutengo. .
2Munoparadzireiko mari muchitenga zvisati zviri zvokudya, nesimba renyu muchitenga zvisingagutisi? Nditeererei zvakanaka, mudye zvakanaka,uye mweya yenyu ngaizvifadze muzvakakora.
3Rerekai nzeve yenyu, muuye kwandiri; inzwai, mweya yenyu igorarama; ndichaita sungano isingaperi nemwi, nyasha dzazvokwadi dzakapikirwa Dhavhidhi.
4Tarirai, ndakamupa ave chapupu kuvanhu, mutungamiriri nomubati kuvanhu.
5Tarira, uchadana rudzi rwausingazivi, norudzi rwawakanga rusingakuzivi, iwe ruchamhanyira kwauri, nokuda kwaJehovha Mwari wako, nokoMutsvene waIsiraeri; nekuti iye akakurumbidza.
6Tsvakai Jehovha achawanikwa, danai kwaari achiri pedo.
7Akaipa ngaasiye nzira yake, nomunhu asakarurama mirangariro yake; ngaadzokere kuna Jehovha, iye achamunzwira tsitsi, nokuna Mwari wedu, nekuti achakangamwira zvikuru.
8nekuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, nenzira dzenyu hadzizi nzira dzangu ndizvo zvinotaura Jehovha.
9nekuti denga sezvarakakwirira kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.
10nekuti mvura sezvainoburuka, nemagada echando zvichibva kudenga, zvisingazodzokeriko, asi zvinodiridza nyika, zvichiiberekesa nokuitungisa maruva, ichipa mbewu, kumudzvari, nomudyi zvokudya,
11ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina chinhu, asi richapedzisa zvandinoda, richibudirira pane zvandakaritumira.
12nekuti muchabuda nomufaro, nokutungamirirwa norugare; makomo nezvikomo zvichamukira mukuimba nomufaro pamberi penyu; miti yose yokudondo ichauchira.
13Panzvimbo yomunzwa pachamera mufiri*, panzvimbo yorukato pachamera mumirite*; zvichava kuna Jehovha zita, chive chiratidzo chisingaperi, chisingazogurwi.