1Ndizvo zvinotaura Jehovha, Chengetai mutongo, muite zvakarurama; nekuti ruponeso rwangu rwava pedo kusvika, uye kururama kwangu koratidzwa.
2Akaropafadzwa munhu anoita izvi, noMwanakomana womunhu anozvibatisisa; anochengeta sabata arege kurisvibisa , nokudzora ruoko rwake kuti arege kuita chinhu chipi nechipi chakaipa.
3Usaregawo mwanakomana womutorwa akanamatira Jehovha, achitaura achiti, Zvirokwazvo Jehovha akandiparadzanisa navanhu vake; nowakachekwa ngaarege kuti, Tarirai, ndiri muti wakaoma.
4nekuti zvanzi naJehovha pamusoro pavakachekwa, Vanochengeta masabata angu, nokusanangura zvinondifadza, navanobatisisa sungano yangu.
5Ndichavapavo mumba mangu nomukati mamasvingo angu chiyeudzo nezita rinopfuura ravanakomana navanasikana; ndichavapa zita risingaperi, risingazogurwi.
6Navanakomana vomutorwawo vanozvisanganisa naJehovha, kuti vamushumire, nokuda zita raJehovha, kuti vave varanda vake, vose vanochengeta sabata kuti arege kurisvibisa, nokubatisisa sungano yangu;
7naivavo ndichavauyisa kugomo rangu dzvene, nokuvafadza muimba yangu yokunyengetera; zvipiriso zvavo zvinopiswa nezvibayiro zvavo zvichagamuchirwa paaritari yangu; nekuti imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yavanhu vose.
8Ishe Jehovha, anounganidza vakadzingwa vaIsiraeri,anoti,Ipapo ndichaunganidzazve vamwe kwaari, pamusoro pavake vakaunganidzwa.
9imwi mose zvikara zvokusango, uyai mudye, imwi mose zvikara zvokudondo.
10Nharirire dzake mapofu, vose havane zivo; vose imbwa mbeveve, havagoni kuhukura, dzinovata, dzinotsivama pasi, dzinofarira kutsumaira.
11Zvirokwazvo, imbwa dzinokara, dzisingatongoguti; ava vafudzi, vasingagoni kunzwisisa, mumwe nomumwe wakatsaukira kunzira yake, mumwe nomumwe kufuma yake, vose-vose.
12Vanoti, Uyai, ndichauya newaini, tichaguta nezvinobata, mangwana achaita sezuva ranhasi,zuva guru-guru kwazvo.