Shona

Coptic: New Testament

Isaiah

57

1Akarurama anoparara, asi hakuna munhu ane hanya nazvo; navanoda Mwari vanobviswa, kusina munhu anorangarira kuti vakarurama vanobviswa pazvakaipa.
2Asi vakaipa vakafanana negungwa rakabvongodzwa; nekuti harigoni kuzorora, asi mvura yaro inobudisa matope namarara.
3Asi swederai pano, imwi vanakomana vomuroyi, zvibereko zvemhombwe nechifeve.
4Munofara pamusoro paani? Munoshamisira ani muromo wenyu, nokubudisa rurimi rwenyu? Ko hamuzi vana vokudarika, zvibereko zvenhema,
5iyemi, munozvimutsa pakati pemiouki, napasi pomuti mumwe nomumwe mutema, imwi munobaya vana mumipata, pasi pemikaha yamatombo?
6Pakati pamabwe anotedza omupata ndipo panomugove wako; iwo, iwo ndizvo zvawakagoverwa; ndizvo zvawakadururira chipiriso chinodururwa, zvawakavigira chipo. Ko ini ndichayananiswa naizvozvo here?
7Wakawadza nhovo dzako pamusoro pegomo rakareba rakakwirira; ndiko kwawakakwira kundobayira zvibayiro.
8Wakaisa chirangaridzo chako shure kwemikova nezvivivo, nekuti wakazvifukurira mumwe, asati ari ini, ukakwira; wakakurisa nhovo dzako, ukaita sungano navo; wakada nhovo dzavo kwawakadziwana.
9Ukaenda kuna mambo namafuta, ukawedzera zvinonhuhwira zvako, ukatuma nhume dzako kure, ukazvininipisa kusvikira paSheori.
10Wakaneta norwendo rwako rukuru; kunyange zvakadaro hauna kuti, Hazvina maturo; wakawana simba rako richivandudzwa, naizvozvo hauna kupera simba.
11Wakatya nokuvhunduka aniko, zvawareva nhema, ukasandirangarira, nokuva nehanya? Ko ini handina kuramba ndinyerere nguva refu, ukasanditya here?
12Ndichaparidza kururama kwako; kana ari mabasa ako, haangakubatsiri.
13Kana uchidanidzira, avo vawakaunganidza, ngavakurwire; asi mhepo ichavatora, mweya uchavabvisa vose; asi anovimba neni, nyika ichava yake, achagara nhaka yegomo rangu dzvene.
14Zvichanzi, Tutirai, tutirai, gadzirai nzira, bvisa chigumbuso panzira yavanhu vangu.
15nekuti zvanzi nowakakwirira Arikumusoro, anogara mukusingaperi, ane zita rinonzi Dzvene, Ndinogara pakakwirira napanzvimbo tsvene, uye nowane mweya wakapwanyika anozvininipisa, kuti ndiponesezve mweya woanozvininipisa, ndiponesezve moyo wowakapwanyika.
16nekuti handingarwisi nokusingaperi, uye handingatsamwi nguva dzose; nekuti mweya unofanira kupera simba pamberi pangu, nemweya yandakaita.
17Nokuda kokuipa kokunyengera kwake, ndakatsamwisisa ndikamurova; ndakazvivanza, ndikatsamwisisa; akaenderera mberi nenzira yemoyo wake.
18Ndaona nzira dzake, asi ndichamuporesa, ndichamutungamirirawo, nokudzosa nyaradzo kwaari navanomuchema.
19Ndinosika zvibereko zvemiromo; Rugare, rugare kunowari kure nokunowari pedo, ndizvo zvinotaura Jehovha, uye ndichamuporesa.
20Asi vakaipa vakafanana negungwa rakabvongodzwa; nekuti harigoni kuzorora, asi mvura yaro inobudisa matope namarara.
21Zvanzi naMwari wangu, Vakaipa havana rugare.