Shona

Coptic: New Testament

Isaiah

58

1Danidzira kwazvo, usarega, danidzira nenzwi rako sehwamanda, uparidzire vanhu vangu kudarika kwavo, neimba yaJakove zvivi zvavo.
2Kunyange zvakadaro, vanonditsvaka zuva rimwe nerimwe, vachifarira kuziva nzira dzangu; vanokumbira kwandiri mirayiro yakarurama, sorudzi runoita zvakarurama, rusingasii zvakarayirwa naMwari wavo; vanofarira kuswedera kuna Mwari.
3Vanoti, Takazvinyimireiko zvoku dya, imwi mukasazviona? Takatambudzireiko mweya yedu, imwi mukasazviziva? Taurirai, pazuva rokutsanya munotsvaka kuzvifadza henyu nokubata mabasa enyu ose.
4Tarirai, munotsanya, kuti murwe nokukakavara, nokurova netsiva yezvakaipa, hamuzvinyimi zvokudya nhasi, kuti inzwi renyu rinzwike kumusoro.
5Ndikoko kutsanya kwandakasanangura here? Izuva rokuti munhu atambudze mweya wake here? Ndiko kukotamisa musoro wake senhokwe, nokuwarira makudza namadota pasi pake here? Izvozvo ungazviti ndiko kutsanya, nezuva rinodikamwa naJehovha here?
6Ko kutsanya kwandakasanangura hakuzakadai here, kuti musunungure zvisungo zvezvakaipa, nokubvisa makashu ejoko, kuti akamanikidzwa aende hake, uye kuti muvhune majoko ose here?
7Hakuzi kuti ugovane zvokudya zvako neanenzara, uye kuti udane varombo vakadzingwa vapinde mumba mako kuti kana uchiona munhu wakashama umufukidze, uye kuti urege kuvanda venyama yako here?
8Ipapo chiedza chako chichabuda sechamambakwedza, kuporeswa kwako kuchabukira nokukurumidza, kururama kwako kuchakutungamirira, nokubwinya kwaJehovha kuchakurindira mumashure.
9Ipapo uchadana, Jehovha uchakupindura; achadanidzira iwe, iye achati, Ndiripano. Kana uchibvisa pakati pako joko, nokutendeka nomumwe, nokutaura zvakaipa;
10kana mweya wako ukava nehanya navane nzara, nokugutisa mweya woanotambudzika; ipapo chiedza chako chichabuda murima, kusvibirwa kwako kuchaita samasikati;
11Jehovha achakufambisa nguva dzose, achagutisa mweya wako panzvimbo dzakaoma, nokusimbisa mafupa ako; uchava somunda wakadiridzwa, uye setsime remvura, risingapwi mvura yaro.
12Vachaberekwa newe vachavakazve matongo akare; uchamutsa nheyo dzamarudzi mazhinji, uye uchatumidzwa, Mugadziri wopakakoromoka, muvandudzi wenzira, kuti vanhu vagone kugarapo.
13Kana uchidzora gumbo rako pazuva resabata, kuti urege kuita zvaunoda pazuva rangu dzvene, uchiti, sabata izuva rinofadza, nezuva dzvene raJehovha rinofanira kukudzwa, uchirikudza, usingaiti zvaunoda, kana kutsvaka zvinokufadza, kana kutaura mashoko ako.,
14Ipapo uchafarira Jehovha kwazvo; neni ndichakufambisa panzvimbo dzakakwirira dzenyika ndichakugutisa nenhaka yababa vako Jakove, nekuti muromo waJehovha wakataura izvozvo.