Shona

Coptic: New Testament

Isaiah

59

1Tarirai, ruoko rwaJehovha haruna kupfupiswa, kuti rukoniwe kuponesa, nzeve yake haina kuremerwa, kuti ikoniwe kunzwa;
2asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai naMwari wenyu, zvivi zvenyu zvakakuvanzirai chiso chake, kuti arege kunzwa.
3nekuti maoko enyu akasvibiswa neropa, nemimwe yenyu nezvakaipa; miromo yenyu yakareva nhema, rurimi rwenyu runogunin'ina zvakashata.
4Hakuna munhu anokwirira mumwe nokururama, hakuna anoreverera mumwe nezvokwadi; vanovimba nezvisina maturo, vachireva nhema; vanotora pamuviri pezvakashata, ndokubereka zvakaipa.
5Vanochochonya mazai emvumbi, vanoruka dandira rebuve; anodya mazai avo achafa, kana richipwanyika rinobudisa nyoka.
6Matandira avo haangaiti nguvo, havangafuki zvavakaita; mabasa avo mabasa ezvakaipa, kuita nesimba ndizvo zviri pamaoko avo.
7Tsoka dzavo dzinomhanyira zvakaipa, vanokurumidza kuteura ropa risina mhaka; ndangariro dzavo indangariro dzezvakaipa; kuparadza nokuputsanya zviri panzira dzavo.
8Nzira yorugare havaizivi; hakuna kururama pakufamba kwavo; vakazviitira nzira dzakaminama, ani naani anofamba nadzo haazivi rugare.
9Naizvozvo kururamisirwa kuri kure nesu, nokururama hakusvikiri kwatiri; tinotsvaka chiedza, asi, tarirai, rima chete; tinotsvaka kubwinya, asi tinofamba pakasviba.
10Tinotsvangadzira pamadziro samapofu; zvirokwazvo tinotsvangadzira savasina meso; tinogumburwa masikati sezvatinoita kana kosviba; pakati pavapenyu takafanana navakafa.
11Tinoomba tose samapere, tinochema zvikuru senjiva; tinotsvaka kururamisirwa; asi hakuna; tinotsvaka ruponeso, asi ruri kure nesu.
12nekuti kudarika kwedu kwakawanda pamberi penyu, zvivi zvedu zvinotipupurira; nekuti kudarika kwedu kunesu, kana zviri zvakaipa zvedu tinozviziva, zvinoti:
13Kudarikira Jehovha nokumuramba, nokutsauka tisingateveri Mwari wedu, kutaura mashoko okumanikidza nokumukira, kufunga nokutaura mashoko enhema anobva pamoyo.
14Kururamisa kwakadzoswa shure, kururama kumire kure; nekuti chokwadi chakawira pasi panzira yomumusha, kutendeka hakugoni kupinda.
15Zvirokwazvo, chokwadi chinoshaikwa; anotiza zvakaipa anopambwa; Jehovha akazviona, zvikasamufadza kuti kwakanga kusina kururamisa.
16Akaona kuti hakuna munhu, akashamiswa nekuti kwakanga kusina murevereri, naizvozvo ruoko rwake rwakamuvigira ruponeso, kururama kwake kwakamutsigira.
17Akashonga kururama senguvo yendarira, nenguwani yoruponeso pamusoro wake, akafuka nguvo dzokutsiva zvikava zvokufuka zvake, akapfekedzwa nokushingaira sejasi.
18Sezvavakaita, achavaripira saizvozvo, kutsamwa kuvadzivisi vake, nokutsiva kuvavengi vake; zvivi uchazviripira mubayiro wokutsiva.
19Naizvozvo vachatya zita raJehovha kubva kumavirazuva, noumambo hwake kubva kumabvazuva; nekuti achauya sorwizi runodira, runotinhwa nomweya waJehovha.
20Zvino Mudzikunuri achasvika paZiyoni, nokuna vanodzoka pakudarika pakati paJakove, ndizvo zvinotaura Jehovha.
21Zvino kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu navo ndizvo zvinotaura Jehovha, Mweya wangu, uri pamusoro pako, namashoko angu andakaisa mumuromo mako, hazvingabvi mumuromo mako, kana mumiromo yavana vako, kana mumiromo yavana vavana vako, kubva zvino kusvikira nokusingaperi ndizvo zvinotaura Jehovha.