Shona

Coptic: New Testament

Isaiah

60

1Simuka, uvheneke, nekuti chiedza chako chasvika, nokubwinya kwaJehovha kwamuka pamusoro pako.
2Nokuti, tarira, rima richafukidza nyika, nerima guru marudzi avanhu; asi Jehovha achabuda pamusoro pako, kubwinya kwake kuchaonekwa pamusoro pako.
3Vahedheni achauya kuchiedza chako, namadzimambo kukubwinya kokubuda kwako
4Simudza meso ako, uone, vose vanoungana pamwechete, vachiuya kwauri; vanakomana vako vachauya vachibva kure, vakunda vako vacharerwa pahudyu .
5Ipapo uchazviona ukapenya nomufaro, moyo wako uchadedera nokufariswa; nekuti zvakawanda zvegungwa zvichaiswa kwauri, fuma yamarudzi avanhu ichauya kwauri.
6Makamera mazhinji-zhinji achakufukidza, nemhuru dzemakamera eMidhiani neEfa; vose veShebha vachauya, vachauya nendarama nezvinonhuhwira, vachaparidza kurumbidzwa kwaJehovha.
7Mapoka ose amakwai eKedhari achaunganidzirwa kwauri, makondobwe eNebhayoti achakushumira; zvichaiswa paaritari yangu ndichizvifarira, ndichashongedza imba yokukudzwa kwangu.
8Ndivana aniko ava vanobhururuka segore, senjiva dzinouya kumahwindo ezvirugu zvadzo?
9Zvirokwazvo, zviwi zvichandimirira, nezvikepe zveTarishishi zvichatungamira zvichiuya navanakomana vako vanobva kure, vachiuya nesirivha yavo nendarama yavo kuzviisa kuzita raJehovha Mwari wako, nokunoMutsvene waIsiraeri, nekuti ndiye wakakushongedza.
10Vatorwa vachavaka masvingo ako, madzimambo avo achakushumira; nekuti ndakakurova nokutsamwa kwangu, asi ndakakunzwira nyasha netsitsi dzangu.
11Masuwo ako achagara akazaruka nguva dzose, haangazarirwi masikati nousiku, kuti vauyise kwauri fuma yamarudzi avanhu namadzimambo avo, akatapwa.
12nekuti rudzi noushe, zvinoramba kukushumira, zvichaparara; zvirokwazvo marudzi iwayo achaparadzwa chose.
13Zvinobwinya zveRebhanoni zvichauya kwauri, misaipuresi, nemipaini nemifiri pamwechete, kuti ndishongedze nzvimbo yeimba yangu tsvene; uye ndichabwinyisa nzvimbo yetsoka dzangu.
14Vanakomana vavatambudzi vako vachauya kwauri vachikotama; vose vaikuzvidza vachazvikotamisa pasi-pasi petsoka dzako; vachakutumidza zita rokuti, Guta raJehovha, Ziyoni roMutsvene waIsiraeri.
15wakange wakasiiwa nokuvengwa, kusisina munhu aipfuura nomukati mako, asi zvino ndichakuita chinhu chinorumbidzwa nokusingaperi, chinofarirwa kusvikira kumarudzi mazhinji.
16Uchamwawo mukaka wamarudzi, uchamwa mazamu amadzimambo; ipapo uchaziva kuti ini Jehovha ndini muponesi wako, noMudzikunuri wako, waMasimbaose waJakove.
17Panzvimbo yendarira ndichauya nendarama, panzvimbo yedare ndichauya nesirivha, panzvimbo yamatanda safuri, napanzvimbo yamabwe dare. Rugare ndicharugadza ruve madzishe ako, noKururama kuve vabati vako.
18Zvinoitwa nesimba hazvichazonzwiki panyika pamiganho yako; asi uchatumidza masvingo ako zita rokuti: Ruponeso, namasuwo ako Rumbidzo.
19Zuva harichazovi chiedza chako masikati, mwedzi haungazokuvhenekeri nokupenya kwawo; asi Jehovha achava kwauri chiedza chisingaperi, naMwari wako kunaka kwako.
20Zuva rako harichazoviri, mwedzi wako haungatapudziki; nekuti Jehovha achava chiedza chako chisingaperi, mazuva okuchema kwako achaguma.
21Vanhu vako vose vachava vakarurama, vachagara nhaka yenyika nokusingaperi, vachava davi randakasima, nebasa ramaoko angu, kuti ndikudzwe.
22Muduku achava chiuru, akadukupa achava rudzi rune simba; ini Jehovha ndichakurumidza kuzviita nenguva yazvo.