Shona

Coptic: New Testament

Isaiah

61

1Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu; nekuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidzire vanyoro mashoko akanaka; akandituma kuti ndirape vanemoyo yakaputsika, kuti ndiparidzire vakatapwa kusunungurwa, nokuna vakasungwa kuti vachazarurirwa;
2kuti ndiparidzire gore retsitsi dzaJehovha, nezuva rokutsiva raMwari wedu; kuti ndinyaradze vose vanochema;
3kuti ndigadzire vanochema paZiyoni vapiwe korona panzvimbo yamadota, mafuta omufaro panzvimbo yokuchema, nenguvo yokurumbidza panzvimbo yomweya waziya; kuti vanzi miti yokururama, chakasimwa chaJehovha, kuti iye akudzwe.
4Ipapo vachavaka matongo akare, vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa dzokutanga, vachagadzira maguta akanga aitwa matongo, nezvose zvakaparadzwa zvamarudzi namarudzi.
5Vatorwa vachamira vachifudza mapoka enyu amakwai, navaeni vachava varimi venyu navagadziri vemizambiringa yenyu.
6Asi imwi muchanzi vaPristi vaJehovha vanhu vachakutumidzai Vashumiri vaMwari wedu; muchadya fuma yamarudzi avanhu, muchazvirumbidza nokukudzwa kwawo.
7Panzvimbo yokunyadziswa kwenyu, muchapiwa migove miviri; panzvimbo yokushorwa vachafarira mugove wavo; naizvozvo panyika yavo vachava nemigove miviri, vachava nomufaro usingaperi.
8nekuti ini Jehovha ndinoda zvakarurama, ndinovenga kupamba pamwechete nezvakaipa; ndichavaripira zvirokwazvo, uye ndichaita sungano isingaperi navo.
9Vana vavo vachazikamwa pakati pamarudzi, nezvibereko zvavo pakati pavanhu; vose vanovaona vachavaziva kuti ndirwo rudzi rwakaropafadzwa naJehovha.
10Ndichafarira Jehovha kwazvo, mweya wangu uchava nomufaro munaMwari wangu; nekuti akandifukidza nguvo dzoruponeso, akandipfekedza chokufuka chokururama, somuwani anoshonga korona, uye somwenga unozvishongedza noukomba hwake.
11nekuti nyika sezvainobudisa miti yayo, nomunda sezvaunomeresa zvakadzvarwamo, saizvozvo Ishe Jehovha achameresa kururama nokurumbidzwa pamberi pamarudzi ose.