1Nokuda kweZiyoni handingarambi ndinyerere, nokuda kweJerusaremu handingazorori, kusvikira kururama kwaro kuchibuda sechiedza, nokuponeswa kwaro somwenje unopfuta.
2Marudzi avanhu achaona kururama kwako, namadzimambo ose kurumbidzwa kwako; uchatumidzwa zita idzva, richarehwa nomuromo waJehovha.
3Iwe uchavawo korona yakanaka muruoko rwaJehovha, noukomba hwoumambo muruoko rwaMwari wako.
4Hauchazonzi, Musiiwa; nenyika yako haichazonzi Dongo; asi iwe uchatumidzwa zita rinonzi Hefiziba, nenyika yako Bheura; nekuti Jehovha anokufarira, nenyika yako ichawanikwa.
5nekuti jaya sezvarinowana mhandara, saizvozvo vanakomana vako vachakuwana; uye muwani sezvaanofarira mukadzi wake, saizvozvo Mwari wako achakufarira.
6Ndakagadza nharirire pamusoro pamasvingo ako, iwe Jerusaremu; havangatongonyarari masikati nousiku; imwi vayeudziri vaJehovha, regai kunyarara,
7uye musamutendera kuzorora, kusvikira asimbisa izvozvo, kusvikira aita Jerusaremu guta rinorumbidzwa panyika.
8Jehovha akapika noruoko rwake rworudyi, uye noruoko rwake rune simba, achiti, Zvirokwazvo handichazopi vavengi vako zviyo zvako, zvive zvokudya zvavo, navatorwa havachazomwi waini yako itsva, yawakatamburira;
9asi vakazvikohwa ndivo vachazvidya, vachirumbidza Jehovha; vakaiunganidza ndivo vachaimwa pamavanze eimba yangu tsvene.
10Pindai, pindai napamusuwo, gadzirai nzira yavanhu; gadzirai, gadzirai mugwagwa, bvisai mabwe, simudzirai vanhu mureza.
11Tarirai, Jehovha anoparidza shoko kusvikira kumugumo wenyika, achiti, Udzai mukunda weZiyoni, muti, Tarira, ruponeso rwako runouya; tarira, mubayiro wake anawo, zvaanoripira zviri pamberi pake.
12Vachavatumidza zita rinonzi Vanhu vatsvene, Vakadzikunurwa naJehovha; newe uchatumidzwa zita rinonzi, Mutsvakwa, Guta risina kusiiwa.