Shona

Coptic: New Testament

Jeremiah

1

1Mashoko aJeremiya, mwanakomana waHirikia, waiva worudzi rwavapristi vaiva paAnatoti panyika yaBhenjamini.
2Shoko raJehovha rakauya kwaari pamazuva aJosiya, mwanakomana waAmoni, mambo waJudha, negore regumi namatatu rokubata kwake ushe.
3Rikauyawo pamazuva aJehoiakimu, mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, kusvikira pakupera kwegore regumi nerimwe raZedhekia, mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, kusvikira pakutapwa kwaveJerusaremu nomwedzi wechishanu.
4Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
5Ndakakuziva ndisati ndakuumba mudumbu ramai, ndakakuita mutsvene usati wabuda muchizvaro chamai, ndakakugadza kuti uve muporofita wamarudzi avanhu.
6Ipapo ndakati, Haiwa, Ishe Mwari, tarirai, handigoni kutaura, nekuti ndiri mwanana hangu.
7Asi Jehovha akati kwandiri, Usati ndiri mwanana; nekuti kuna ani naani wandinenge ndichikutuma, unofanira kuenda, nechinhu chipi nechipi chandinenge ndichikuraira, unofanira kuchitaura.
8Usatya nokuda kwavo, nekuti zvanzi naJehovha, ndinewe, kuti ndikurwire.
9Ipapo Jehovha akatambanudza ruoko rwake, akabata muromo wangu; Jehovha akati kwandiri, Tarira, ndaisa mashoko angu mumuromo mako.
10Tarira, ndakugadza zuva ranhasi uve nesimba pamusoro pamarudzi nopoushe, kuti udzure nokukoromora, kuparadza nokuwisira pasi, kuvaka nokurima.
11Ipapo shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti, Jeremiya, unoonei? Ndikati, Ndinoona davi romuamanda.
12Ipapo Jehovha akati kwandiri,Waona zvakanaka; nekuti ndinosvinurira shoko rangu, kuti ndiriite.
13Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri rwechipiri, richiti, Unoonei? Ndikati, Ndinoona gate rinovira, muromo waro unotarira kuno uri kurutivi rwokumusoro.
14Ipapo Jehovha akati kwandiri, Kurutivi rwokumusoro ndiko kuchabuda zvakaipa zvichawira vanhu vose vagere panyika ino.
15nekuti zvanzi naJehovha, Tarirai, ndinodana marudzi ose oushe ari kurutivi rwokumusoro; achauya, rumwe norumwe ruchaisa chigaro charwo choushe pavanopinda pamasuwo eJerusaremu, namasvingo aro kumativi ose napamaguta ose aJudha, kuzorwa nawo.
16Ndichareva zvandakavatongera pamusoro pezvakaipa zvavo zvose, zvavakandirasha, vakapisira vamwe vamwari zvinonhuhwira, vakanamata mabasa amaoko avo.
17Zvino iwe, chizvisunga chiuno, usimuke, uvaparidzire zvose zvandakakuraira; usavhunduka zviso zvavo, kuti ndirege kukuvhundusa pamberi pavo.
18nekuti tarira, ndakakuita zuva ranhasi guta rakakomberedzwa, nembiru yedare, namasvingo endarira, urwe nenyika yose, namadzimambo aJudha, namachinda avo, navapristi vavo, navanhu venyika.
19Vacharwa newe, asi havangakukundi, nekuti ini ndinewe, kuti ndikurwire ndizvo zvinotaura Jehovha.