Shona

Coptic: New Testament

Jeremiah

2

1Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
2Enda, undodana munzeve dzaveJerusaremu, uti zvanzi naJehovha, Ndakarangarira pamusoro pako hunyoro hwohuduku hwako norudo rwenguva yokuwanikwa kwako, kuti wakanditevera murenje, munyika yakanga isina kudzvarwa.
3Isiraeri vakanga vari rudzi rutsvene kuna Jehovha, zvibereko zvitsva zvaakazviwanira; vose vanomudya vachava nemhosva; vachawirwa nezvakaipa ndizvo zvinotaura Jehovha.
4Inzwai shoko raJehovha, imwi imba yaJakove, nemhuri dzose dzeimba yaIsiraeri,
5Zvanzi naJehovha, Madzibaba enyu akawana zvisakarurama zvipiko kwandiri, zvavakaenda kure neni, zvavakatevera zvisina maturo, ivo vamene vakava vasina maturo?
6Uye havana kureva, vachiti, Uripiko Jehovha wakatibudisa panyika yeEgipita, akatifambisa murenje, munyika ina masango namakomba, munyika yakaoma neyomumvuri worufu, munyika isingafambi nomunhu achipfuurapo, musingagari munhu?
7Ndakakusvitsai munyika ineminda yakaorera, kuti mudye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo; asi makati mapinda, mukasvibisa nyika yangu, mukaita nhaka yangu chinhu chinonyangadza.
8Vapristi havana kuti, Jehovha uripiko? Vaifambisa mirairo vakanga vasingandizivi, vafudzi vaindidarikira, vaporofita vaiporofitira Bhaari, vachitevera zvinhu zvisingabatsiri.
9Saka zvanzi naJehovha, Ndicharamba ndichikakavara nemi, ndichakakavara navana vavana venyu.
10nekuti yambukirai kuzviwi zveKitimi, muone; tumai vanhu Kedhari, mufungisise zvakanaka, muone kana kwakambovapo chinhu chakadai.
11Ko rudzi ruripo rwakatsinhanhisa vamwari varwo, ivo vasati vari vamwari here? Asi vanhu vangu vakatsinhanisa kukudzwa kwavo nezvinhu zvisingabatsiri.
12Shamiswa nechinhu ichi, iwe denga rose, utye zvikuru, uvhunduswe kwazvo ndizvo zvinotaura Jehovha.
13nekuti vanhu vangu vakaita zvinhu zviviri zvakaipa. Vakandisiya, ini tsime remvura mhenyu, vakazvicherera mativi, mativi akaputsika, asingagoni kuchengeta mvura.
14Isiraeri muranda here? Ko ndiye muranda wakaberekerwa mumba matenzi wake here? Ko zvino wapambwa seiko?
15Vana veshumba vakamuombera, vakarira, nokuparadza nyika yake; maguta ake akapiswa, hakuna unogaramo.
16Vana veNofi naveTapanesi vakapedza vhudzi romusoro wako.
17Ko hauna kuzvitsvaira izvozvo, zvawakasiya Jehovha Mwari wako panguva yaakakufambisa panzira yake here?
18Zvino unondotsvakei panzira inoenda Egipita, kundomwa mvura yeSihori here? Unondotsvakei panzira inoenda Asiria, kundomwa mvura yoRwizi here?
19Zvakaipa zvako zvinokurova, kudzokera kwako shure kunokutuka; naizvozvo zvanzi nalshe Jehovha wehondo, Ziva, uone kuti chinhu chakaipa chinovava kuti wakasiya Jehovha Mwari wako, uye kuti haundityi.
20nekuti yatova nguva huru yawakavhuna joko nokudambura zvisungo zvako ukati,handidi kubatira;nokuti wakafugama pachikomo chipi nechipi chakakwirira pasi pomuti upi noupi mutema uchifeva.
21kunyange zvakadaro ndakanga ndakusima uri muzambiringa wakaisvonaka, mbeu kwayo yazvokwadi; zvino wandishandukira sei ukava matavi akaipa omuzambiringa worumwe rudzi?
22nekuti kunyange ukashamba nesoda, ukatora sipo zhinji, kunyange zvakadaro zvakaipa zvako zvakaita segwapa pamberi pangu; ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
23Ungareva seiko, uchiti, Handina kusvibiswa, handina kutevera vaBhaari? Cherekedza nzira yako pamupata, uzive chawakaita; uri hadzi yekamera inomhanya, inofamba nenzira dzayo;
24uri hadzi yembizi yakarovera renje, inofembedza mhepo nokushuva kwayo; ndiani ungaidzora pakuviga kwayo? Dzose, dzinoitsvaka, hadzinganeti; pamwedzi wayo dzinoiwana.
25Usatendera rutsoka rwako kufamba usina shangu, nehuro dzako kuva nenyota. Asi iwe wakati, Hazvina maturo; kwete, nekuti ndakada vatorwa, ndivo vandichatevera.
26Mbavha sezvainonyadziswa kana yaonekwa, saizvozvo imba yaIsiraeri yanyadziswa, ivo, namadzimambo avo, namachinda avo, navapristi vavo, navaporofita vavo;
27ivo, vanoti kudanda, Uri baba vangu; nokubwe, Ndiwe wakandibereka; nekuti vakandifuratira, havana kunditarira nezviso zvavo; asi panguva yokutambudzika kwavo vachati, Simukai, mutiponese.
28Zvino varipiko vamwari venyu vamakazviitira? Ngavasimuke kana vachigona kukuponesai panguva yokutambudzika; nekuti kuwanda kwavamwari vako, iwe Jakove, kwakaenzana namaguta ako.
29Munokakavara neni neiko? imwi mose makandidarikira ndizvo zvinotaura Jehovha.
30Ndakarova vana venyu pasina, havana kuteerera kurangwa; munondo wenyu ndiwo wakauraya vaporofita venyu, seshumba inoparadza.
31Haiwa, imwi rudzi rwakadai! Wonai shoko raJehovha. Ko ini ndakanga ndiri renje kuna Isiraeri here? Kana nyika yerima guru here? Vanhu vangu vanorevereiko vachiti, Tinongomberereka hedu, hatichazouyizve kwamuri?
32mhandara ingakangamwa zvishongo zvayo, kana mwenga mukonde wake here? Asi vanhu vangu vakandikangamwa mazuva asingaverengwi.
33Haiwa, unoziva zvakanaka sei kunatsa nzira yako, kuti utsvake kudikamwa! Saka wakadzidzisa navakadzi vakaipawo nzira dzako.
34Pamipendero yenguvo dzako pakawanikwawo ropa ravarombo vasina mhaka; handina kuvawana vachipaza, asi pane zvizvi zvose.
35Kunyange zvakadaro iwe wakati, Handina mhaka; zvirokwazvo kutsamwa kwake kwakadzorwa kwandiri. Tarira, ndichakutonga, zvaunoti, Handina kutadza.
36Unofambireiko pose-pose, uchishandura nzira yako? Uchanyadziswa neEgipita, sezvawakanyadziswa neAsiria.
37Naipapowo uchabva wakaisa maoko ako pamusoro wako; nekuti Jehovha wakaramba vaunovimba navo, newe haungabatsirwi navo.