Shona

Coptic: New Testament

Jeremiah

3

1Zvinonzi, Kana murume akaramba mukadzi wake, iye akabva kwaari, akandowanikwa nomumwe murume, ko murume ungadzokera kwaarizve here? Ko nyika yakadai haingasvibiswi kwazvo here? Asi iwe wakafeva navadikamwa vako vazhinji; zvino woda kudzokera kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.
2Ringira meso ako kuzvikomo zvisina miti, uone; pavasina kupombora newe ndapapi? Wakavagarira panzira somuArabhia parenje; wasvibisa nyika nokufeva kwako nezvakaipa zvako.
3Naizvozvo wakanyimwa mvura inopfunha, nemvura yokupedzisira yakanga isipo; kunyange zvakadaro wakange une huma yechifeve, ukaramba kunyadziswa.
4Ko haungatangi zvino uchidana kwandiri here, uchiti, baba vangu, ndimi muperekedzi wohuduku hwangu?
5Ko uchagara akatsamwa nokusingaperi here? Uchagara nako kusvikira pakupedzisira here? Tarira, wakataura izvozvo ukaita zvinhu zvakaipa, ukazvipedzisa.
6Zvino Jehovha wakatizve kwandiri, namazuva amambo Josiya, Waona here zvakaitwa naIsiraeri pakudzokera kwavo shure? Vakakwira pagomo rimwe nerimwe rakakwirira nokupinda pasi pomuti mumwe nomumwe mutema, ndokundofevapo.
7Zvino vakati vapedza kuita izvozvo zvose, ini ndakati, vachadzokera kwandiri, asi havana kudzokera; kwandiri nomunin'ina wavo, Judha, wokusatendeka, vakazviona.
8Zvino ndakaona kuti panguva yandakaramba VaIsiraeri, vokudzokera shure, ndikavapa rugwaro rwokuvaramba nemhaka yokufeva kwavo, kunyange zvakadaro munin'ina wavo, ivo vaJudha, vokusatendeka, havana kutya; asi naivo vakandofevawo.
9Zvino nokusarangarira kwavo nyika yakasvibiswa nokufeva kwavo, vakafeva namabwe namatanda.
10Kunyange zvinhu izvi zvakadaro zvose, munin'ina wavo, Judha, havana kudzokera kwandiri nomoyo wavo wose, asi nokunyengera ndizvo zvinotaura Jehovha.
11Zvino Jehovha akati kwandiri, Isiraeri wokudzokera shure, vakaita zvakarurama kukunda Judha wokusatendeka.
12Enda unoparidza mashoko awa kurutivi rwokumusoro, uti, Dzokai, imwi Isiraeri wokudzokera shure ndizvo zvinotaura Jehovha; handingakutaririyi ndakatsamwa, nekuti ndine nyasha, handingarambi ndakatsamwa nokusingaperi ndizvo zvinotaura Jehovha.
13Asi muzive zvakaipa zvenyu chete, kuti makadarikira Jehovha Mwari wenyu, mukafamba-famba muchitevera vatorwa pasi pemiti yose mitema, mukasateerera inzwi rangu ndizvo zvinotaura Jehovha.
14Zvanzi naJehovha, Dzokai imwi vana vokudzokera shure, nekuti ndiri murume wenyu; ndichakutorai, mumwe paguta rimwe, vaviri parudzi rumwe, ndichikuisai Ziyoni.
15Ndichakupai vafudzi vanofadza moyo wangu, vachakufudzai nezivo nenjere.
16Zvino kana mawanda nokuwedzerwa panyika pamazuva iwayo ndizvo zvinotaura Jehovha havangazoti, Areka yesungano yaJehovha; havangaifungi, havangairangariri, havangaitsvaki, havangaiitizve.
17Panguva iyo vachatumidza Jerusaremu chigaro choushe chaJehovha; marudzi ose achaunganidzirwapo, paJerusaremu, nokuda kwezita raJehovha; havachazofambi nohukukutu bwemoyo yavo yakashata.
18Namazuva iwayo imba yaJudha ichafamba pamwechete neimba yaIsiraeri, vachauya pamwechete vachibva kunyika yokumusoro kunyika yandakapa madzibaba enyu ive nhaka yavo.
19Asi ndakati, Ndichakuisai sei pakati pavana vangu, ndikupei nyika inofadza, nhaka yakaisvonaka yamarudzi akawanda, ndikati, Imi muchanditumidza zita rokuti, Baba vangu, hamungazotsauki pakunditevera.
20Zvanzi naJehovha, Zvirokwazvo, mukadzi sezvaanosiya murume wake achinyengera, saizvozvo imwi makandinyengera, imwi imba yaIsiraeri.
21Inzwi rinonzwika kuzvikomo zvisina miti, kuchema nokunyengetera kwavana vaIsiraeri; nekuti vakaminamisa nzira dzavo, vakakangamwa Jehovha Mwari wavo.
22Dzokai, imwi vana vokudzokera shure, ndichapodza kudzokera kwenyu. Tarirai, tauya kwamuri, nekuti imwi muri Jehovha Mwari wedu.
23Zvirokwazvo, zvinobva kuzvikomo nemhere-mhere inobva kumakomo hazvina maturo; zvirokwazvo kuponeswa kwaIsiraeri kuri kuna Jehovha Mwari wedu.
24Asi chinhu chinonyangadza chakaparadza basa ramadzibaba edu kubva pahuduku bwedu, makwai avo nemombe dzavo, vanakomana vavo navanasikana vavo.
25Ngativatei pasi nokunyadziswa kwedu, kunyara kwedu ngakutifukidze; nekuti takatadzira Jehovha Mwari wedu, isu namadzibaba edu, kubva pahuduku bwedu kusvikira pazuva ranhasi; hatina kuteerera inzwi raJehovha Mwari wedu.