Shona

Coptic: New Testament

Jeremiah

10

1Inzwai shoko rinotaura Jehovha kwamuri, imwi imba yaIsiraeri,
2zvanzi naJehovha, Regai kudzidza tsika dzamarudzi avanhu, musavhunduswa nezviratidzo zvokudenga; nekuti marudzi avanhu anovhunduswa nazvo.
3nekuti tsika dzavanhu hadzina maturo; nekuti mumwe unotema muti mudondo, riri basa ramaoko omunhu unoveza nedemo.
4Vanoushongedza nesirivha nendarama, vanourovera nembambo nenyundo, kuti urege kuzununguka.
5Zvakafanana nemuti wemurara wakapfurwa, zvisingatauri; zvinofanira kutakurwa, nekuti hazvigoni kufamba. Musazvitya, nekuti hazvigoni kuita zvakaipa, kunyange kuita zvakanaka, hazvigoni.
6Hakuna wakafanana nemwi Jehovha; imwi muri mukuru, zita renyu iguru nesimba raro.
7Ndianiko ungarega kukutyai, imwi Mambo wamarudzi avanhu? nekuti makafanira izvozvi; nekuti pakati pavakachenjera vose vamarudzi avanhu, napaushe hwavo hwose, hakuna wakafanana nemi.
8Asi vose pamwechete havane njere, mapenzi; dzidzo yezvifananidzo idanda zvaro.
9Isirivha yakapfurwa ikaita bape, yakatorwa Tarishishi, nendarama inobva Ufazi, riri basa remhizha neramaoko omupfuri wendarama; zvakafukidzwa nguvo dzemicheka mitema nemitsvuku; zvose ibasa ravanhu venjere.
10Asi Jehovha ndiye Mwari wazvokwadi; ndiye Mwari mupenyu, naMambo wokusingaperi; kana iye atsamwa nyika inodedera, marudzi avanhu haagoni kumira pahasha dzake.
11ltiyi kwavari, Vamwari vasina kuita denga nenyika, ndivo vachapera panyika napasi pedenga rose.
12Ndiye wakaita nyika nesimba rake, wakateya nyika nohuchenjeri hwake, wakatatamura denga rose nenjere dzake.
13Kana achibudisa inzwi rake, kunomubvumo wemvura zhinji kudenga; unokwidza makore pamigumo yenyika, unoita mheni kuuyisa mvura, unobudisa mhepo panovigwa fuma yake.
14Munhu mumwe nomumwe wava usina njere, haane zivo; mupfuri mumwe nomumwe wendarama unonyadziswa nechifananidzo chake chaakaveza, nekuti chifananidzo chake chaakaumba, ndechenhema, hakuna mweya mazviri.
15Hazvina maturo, ibasa rinonyengera; panguva yokurohwa kwazvo zvichapera.
16Mugove waJakove haufanani naizvozvo, nekuti ndiye muumbi wazvose; Isiraeri ndirwo rudzi rwenhaka yake; Jehovha wehondo ndiro zita rake.
17Unganidza nhumbi dzako, ubve panyika, iwe unogara wakakombwa.
18nekuti zvanzi naJehovha, Tarirai, nguva ino ndichaposhera kure vanhu vagere munyika ino, ndichavamanikidza, kuti vawanikwe.
19Ndine nhamo nokuda kokurwadziwa kwangu! Vanga rangu rakaipa kwazvo; asi ndakati, Zvirokwazvo ndihwo hurwere hwangu, ndinofanira kuhutakura hangu.
20Tende rangu rakaputswa, mabote angu ose akadamburwa; vana vangu vabva kwandiri, havachiripo; hakuchina ungatatamura tende rangu, kana kumisazve micheka yetende rangu.
21nekuti vafudzi vava vasina njere, havana kubvunza Jehovha; naizvozvo havana kuzofara, namapoka avo ose akapararira.
22Inzwai, mukurumbira! Tarirai, bope guru rinouya richibva kunyika yokumusoro, kushandura maguta aJudha ave matongo, panogara makava.
23Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.
24Haiwa, Jehovha, ndirangei henyu asi muite nokururama; musazviita nokutsamwa kwenyu, kuti murege kundipedza chose.
25Dururirai kutsamwa kwenyu pamusoro pamarudzi avanhu vasingakuziviyi, napamusoro pamarudzi asingadani zita renyu; nekuti vakadya Jakove, zvirokwazvo, vakamudya nokumupedza, vakaparadza hugaro hwake