1Haiwa, dai musoro wangu waiva nemvura zhinji, nameso angu riri tsime remisodzi, ndingadai ndaichema masikati novusiku nokuda kwavakaurawa vomukunda wavanhu vangu!
2Haiwa, dai ndaiva nedumba rinosigarwa navafambi murenje, ndingadai ndaisiya vanhu vangu, ndikabva kwavari! nekuti vose imhombwe, iungano yavanhu vanonyengera.
3Vanokunga marimi avo, sezvavanoita huta hwavo, kuzoreva nhema; vasimba panyika, asi havaiti nezvokwadi; nekuti vanoramba vachingoita zvakaipa, havandizivi, ndizvo zvinotaura Jehovha.
4Mumwe nomumwe ngaachenjerere wokwake, murege kutenda hama ipi neipi; nekuti hama imwe neimwe ichanyengera, nowokwake mumwe nomumwe uchapota-pota ana makuhwa.
5Mumwe nomumwe uchanyengera wokwake, haangarevi zvokwadi; vakadzidzisa marimi avo kureva nhema, vanozvinetsa nokuita zvakaipa.
6Hugaro bwenyu huri pakati pokunyengera; vanoramba kundiziva nokunyengera kwavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
7Naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, Tarirai, ndichanyausa nokuvaidza; nekuti ndingaita seiko pamusoro pomukunda wavanhu vangu?
8Marimi avo miseve inouraya, anoreva zvinonyengera; munhu unoreva zvorugare kuno wokwake nomuromo wake, asi mumoyo make unovandira.
9Ko handingavarovi pamusoro pezvinhu izvi here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Ko mweya wangu haungatsihwi parudzi rwakadai here?
10Ndichachema nokuwungudza pamusoro pamakomo, ndichachema pamusoro pamafuro amarenje, nekuti zvatsva, hakuna unopfuura napo; vanhu havagoni kunzwa inzwi rezvipfuwo; shiri dzokudenga nemhuka dzose zvatiza, zvaenda hazvo.
11Ndichaita Jerusaremu mirwi yamabwe, panogara makava; namaguta aJudha ndichaaita matongo, asina unogaramo.
12Munhu wakachenjera, unonzwisisa izvozvi, ndianiko? Muromo waJehovha wakataura naniko, kuti aparidze izvozvi? Nyika yakapedzwa nokupiswa serenje neiko, pasina unopfuura napo?
13Jehovha wakati, Zvavakarasha murayiro wangu wandakaisa pamberi pavo, vakasateerera inzwi rangu, nokufamba nazvo,
14asi vakatevera hukukutu bwemoyo yavo navaBhaari, izvo zvavakadzidziswa namadzibaba avo;
15naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Tarirai, ndichadyisa vanhu ava gavakava, nokuvamwisa mvura yenduru.
16Ndichavaparadzirawo pakati pamarudzi, avakanga vasingazivi ivo kunyange namadzibaba avo; ndichatuma munondo uvatevere, kusvikira ndavapedza.
17Zvanzi naJehovha wehondo, Rangarirai imi, mudane vakadzi vangachema, vauye; tumai mudane vakadzi mhizha, vauye;
18ngavakurumidze vacheme pamusoro pedu, kuti meso edu ayerere misodzi, namafungiro edu adurure mvura.
19nekuti inzwi rokuchema rinonzwika richibva Ziyoni, richiti, Haiwa, takaparadzwa seiko! Takanyadziswa kwazvo, nekuti tabva panyika yedu nekuti vakakoromora dzimba dzedu dzataigara.
20Asi inzwai shoko raJehovha, Imi vakadzi nzeve dzenyu ngadzinzwe shoko romuromo wake; dzidzisai vakunda venyu kuchema, mumwe nomumwe adzidzise wokwake kuwungudza.
21nekuti rufu rwakakwira pamahwindo edu, rwakapinda mudzimba dzamadzimambo edu, kuti rupedze vana vari kunze, namajaya ari panzira dzomuguta.
22Taura, uti, Zvanzi naJehovha, Zvitunha zvavanhu zvichawira pasi somupfudze kubundo, setsama yehura dzinosiiwa nomucheki, dzisina unodziunganidza.
23Zvanzi naJehovha, Munhu wakachenjera ngaarege kuzvirumbidza pamusoro pohuchenjeri hwake, nomunhu wesimba ngaarege kuzvirumbidza pamusoro pesimba rake, nomunhu wakafuma ngaarege kuzvirumbidza pamusoro pefuma yake;
24asi unozvirumbidza, ngaazvirumbidze pamusoro pechinhu ichi, kuti unondinzwisisa nokundiziva ini, kuti ndini Jehovha, unoita hunyoro nokururamisira, nokururama panyika; nekuti ndinofarira zvinhu izvi ndizvo zvinotaura Jehovha.
25Tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha mazuva anouya, andicharova vose vakadzingiswa pakati pokusadzingiswa kwavo;
26vanoti, Egipita, naJudha, naEdhomu, navana vaAmoni, naMoabhu, navose vakakandwa mukona kurenje; nekuti marudzi ose haana kudzingiswa, uye vose veimba yaIsiraeri havana kudzingiswa pamoyo yavo.