Shona

Coptic: New Testament

Jeremiah

8

1Nenguva iyo ndizvo zvinotaura Jehovha uchabvisa pamahwiro avo mafupa amadzimambo avaJudha, namafupa amachinda avo, namafupa avapristi, namafupa avaporofita, namafupa avaigara paJerusaremu;
2vachaaparadzira panopenya zuva nomwedzi nehondo yose yokudenga izvo zvavaida, nezvavaishumira, nezvavaitevera, nezvavaivinga, nezvavainamata; haangaunganidzwi, kana kuvigwa, asi achava mupfudze panyika.
3Rufu ruchasanangurwa kupfuura hupenyu navose vakasara panzvimbo dzose kwandakavadzingira ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
4Zvino unofanira kuti kwavari, Zvanzi naJehovha, Ko vanhu vangawa, vakasazomukazve here? Munhu ungatsauka, akasazodzoka here?
5Zvino vanhu ava veJerusaremu vakadzokereiko nokudzokera kusingatongoperi? Vanonamatira kunyengera, vanoramba kudzoka.
6Ndakateerera, ndikanzwa, asi havana kutaura zvakarurama; hakuna munhu unochema kuipa kwake, achiti, Ndaiteiko? Mumwe nomumwe unotsauka nenzira yake, sebhiza rinomhanya kwazvo pakurwa.
7Zvirokwazvo, zimudo, riri kudenga, rinoziva nguva dzaro dzakatarwa, nenjiva nenyenganyenga nekondo dzinorangarira nguva yokuuya kwadzo, asi vanhu vangu havazivi murayiro waJehovha.
8Munoreva seiko, muchiti, Takachenjera, murayiro waJehovha tinawo? Asi tarirai, peni yenhema yavanyori inonyengera.
9Vanhu vakachenjera vakanyadziswa, vakavhunduka nokubatwa; tarirai, vakaramba shoko raJehovha, zvino vane njere dzakadiniko?
10Naizvozvo ndichapa vamwe vakadzi vavo, neminda yavo ndichaipa vamwe vachaiita yavo; nekuti mumwe nomumwe wavo, kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru, mumwe nomumwe unokarira fuma; kubva kuvaporofita kusvikira kuvapristi mumwe nomumwe unoita nokunyengera.
11Vakangopodza vanga romukunda wavanhu vangu zvishoma, vachiti, Rugare, rugare! Izvo hakuna rugare.
12Ko vakanyadziswa nguva yavakaita zvinonyangadza here? Kwete, havana kutongonyara, vakakoniwa kucheneruka; naizvozvo vachawa pakati pavanowa; panguva yokurohwa kwavo vachagumburwa ndizvo zvinotaura Jehovha.
13Ndichavapedza chose, ndizvo zvinotaura Jehovha; Hakungavi namazambiringa pamuzambiringa, kana maonde pamuonde, namashizha achaoma ndakaraira vachavakukura.
14Tinogarireiko pasi? Unganai, tipinde mumaguta akakomberedzwa, tifirepo; nekuti Jehovha Mwari wedu wakatiuraya, akatipa mvura inouraya kuti tiimwe; nekuti takatadzira Jehovha.
15Takanga takatarira rugare, asi hakuna chakanaka chakasvika; takanga takatarira nguva yokuporeswa, asi tarirai, takavhunduswa.
16Kufembedza kwamabhiza ake kwakanzwika achiri paDhani; nyika yose yakadedera nenzwi rokurira kwaane simba ake; nekuti asvika, apedza nyika nezvose zvirimo, neguta navose vageremo.
17nekuti tarirai, ndichatuma pakati penyu nyoka nemvumbi, dzicharamba kuroyiwa; dzichakurumai, ndizvo zvinotaura Jehovha.
18Haiwa, dai ndaigona hangu kuzvinyaradza pakuchema kwangu ! moyo wangu waziya mukati mangu.
19Inzwai, inzwi rokuchema komukunda wavanhu vangu, rinobva kunyika iri kure-kure, richiti, Ko Jehovha haazi muZiyoni here? Mambo waro haazi mukati maro here? Vakanditsamwisireiko nezvifananidzo zvavo zvakavezwa, nezvavatorwa zvisina maturo?
20kukohwa kwapera, zhizha rapfuura, asi tigere kuponeswa.
21ini ndinokuvadzwa nokuda kokukuvadzwa komukunda wavanhu vangu; ndinochema, ndabatwa nokuvhunduswa.
22Ko hakuna muti webharisami muGiriyadhi here? Hakune n'angako here? nekuti mukunda wavanhu vangu wakagoregerei kupodzwa?