1Shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti,
2Mira pasuwo reimba yaJehovha, uparidzirepo shoko iri, uti, Inzwai shoko raJehovha, imwi vaJudha mose munopinda napamusuwo awa kuzonamata Jehovha.
3Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Ruramisai nzira dzenyu nezvamunoita, ndigokugarisai panzvimbo ino.
4Musavimba namashoko enhema, Izvezvi itemberi yaJehovha, temberi yaJehovha, temberi yaJehovha.
5nekuti kana mukaruramisa kwazvo nzira dzenyu nezvamunoita, kana muchiita zvakarurama munhu mumwe nomumwe kunowokwake.
6Kana musingamanikidzi mutorwa, nenherera, nechirikadzi, mukasateura ropa risina mhosva panzvimbo ino, nokusatevera vamwe vamwari, vanokuisai panjodzi;
7ipapo ndichakugarisai panzvimbo ino, panyika yandakapa madzibaba enyu, kubvira panguva yakare kusvikira nokusingaperi.
8Tarirai, munovimba namashoko enhema, asingagoni kubatsira.
9Mungaba, nokuuraya, nokuita hupombwe, nokupika nhema, nokupisira Bhaari zvinonhuhwira, nokutevera vamwe vapirwa vamakanga musingazivi,
10ndokuzouya momira pamberi pangu muimba ino, panodamwa zita rangu, muchiti, Tasunungurwa; kuti mugoita izvi zvose zvinonyangadza here?
11Ko imba ino panodamwa zita rangu rava bako ramakororo pamberi penyu here? Tarirai, ini, ini ndimene ndaona izvozvo ndizvo zvinotaura Jehovha.
12Asi zvino endai kunzvimbo yangu yaiva paShiro, pandakagarisa zita rangu pakutanga, muone zvandakaiitira nokuda kwezvakaipa zvavanhu vangu Isiraeri.
13Zvino, zvamakaita mabasa awa ose ndizvo zvinotaura Jehovha ini ndikataura nemi, ndichifumira mangwanani ndichitaura, imwi mukasanzwa, ndikakudanai, mukasapindura.
14Naizvozvo ndichaitira imba panodamwa zita rangu, yamunovimba nayo, nenzvimbo yandakakupai imwi namadzibaba enyu, sezvandakaitira Shiro.
15Ndichakurashirai kure neni, sezvandakarasha hama dzenyu dzose, irwo rudzi rwose rwaEfuremu.
16Naizvozvo iwe chirega kunyengeterera vanhu ava, usadanidzira nokunyengetera nokuda kwavo, kana kuvakumbira kwandiri; nekuti handingakunzwi.
17Hauoni here zvavanoita mumaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu here?
18Vana vanounganidza huni, madzibaba ndokubatidza moto, vakadzi vanokanya hupfu kuti vabikire vahosi vokudenga zvingwa, uye kuti vadirire vamwe vamwari zvipiriso zvinodururwa, kuti vanditsamwise.
19Vanonditsamwisa here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; havazinozvinetsa havo, vachingozvinyadzisa havo?
20Saka zvanzi naJehovha Mwari, Tarirai, kutsamwa kwangu nehasha dzangu zvichadururirwa panzvimbo ino, pamusoro pavanhu, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro pemiti yokubundo, napamusoro pezvibereko zvenyika; zvichapfuta, zvisingadzimwi.
21Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Wedzerai zvipiriso zvenyu zvinopiswa pazvibayiro zvenyu, mudye nyama yazvo.
22nekuti handina kutaura namadzibaba enyu, kana kuvaraira panguva yandakavabudisa panyika yeEgipita pamusoro pezvipiriso zvinopiswa kana zvibayiro;
23asi ndakavaraira chinhu ichi, ndichiti, teererai inzwi rangu, ndigova Mwari wenyu, nemwi muchaba vanhu vangu; mufambe nenzira yose yandichakurairai, mugova nomufaro.
24Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi vakafamba nokurangarira kwavo nohukukutu bwemoyo yavo vakadzokera sure havana kupfuura mberi.
25Kubvira pazuva rokubuda kwamadzibaba enyu munyika yeEgipita, kusvikira pazuva ranhasi, ndakakutumirai varanda vangu vose vaporofita, ndichifumira mangwanani zuva rimwe nerimwe ndichivatuma;
26kunyange zvakadaro, havana kunditeerera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi vakaomesa mitsipa yavo; vakaita zvakaipa kukunda madzibaba avo.
27Zvino iwe unofanira kuvataurira mashoko awa ose; asi havangakuteereri; unofanira kudanawo kwavari, asi havangakupinduri.
28Zvino iwe uti kwavari, Urwu ndirwo rudzi rusinganzwi shoko raJehovha Mwari wavo, kana kutenda kurangwa; kutendeka kwapera, kwabva chose pamiromo yavo.
29Vevura hukomba hwako, iwe Jerusaremu, uhurashire kure; undochema pazvikomo zvisina miti, nekuti Jehovha wakarasha nokusiya rudzi rwaakatsamwira.
30nekuti vana vaJudha vakaita zvakaipa pamberi pangu, vakaisa zvinonyangadza zvavo muimba pakadamwa zita rangu, kuti vaisvibise ndizvo zvinotaura Jehovha.
31Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti, dziri mumupata womwanakomana waHinomi, kuti vapise vanakomana navanasikana vavo mumoto, zviri zvinhu zvandisina kuvaraira, kana kufunga mumoyo mangu.
32Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarirai, mazuva anouya, avasingazopaidzi Tofeti, kana mupata womwanakomana waHinomi, asi Mupata wokuuraya; nekuti vachaviga vakafa paTofeti, nekuti kuchashaikwa imwe nzvimbo.
33Mitumbu yavanhu ava zvichava zvokudya zveshiri dzokudenga nezvezvikara zvenyika; hakuna uchazvidzinga.
34Ipapo ndichagumisa pamaguta aJudha napanzira dzomuJerusaremu inzwi rokuseka, nenzwi romufaro, nenzwi rechikomba nenzwi romufaro, nenzwi rechikomba nenzwi romwenga; nekuti nyika ichava dongo.