Shona

Coptic: New Testament

Jeremiah

6

1Tizai, imwi vana vaBhenjamini, ibvai pakati peJerusaremu, muridze hwamanda paTekoa, mumutse chiratidzo paBheterehemu; nekuti zvakaipa zvinovavarira zviri kurutivi rwokumusoro, nokuparadza kukuru.
2Ndichabvisa mukunda weZiyoni, iye wakanaka, unovunengwe.
3Vafudzi vachaenda kwariri vana mapoka avo; vacharidzikira matende avo kumativi ose, mumwe nomumwe uchafura panzvimbo yake.
4Zvigadzirei kundorwa naro; simukai, tiende masikati. Tine nhamo, nekuti zuva rovira, nekuti mimvuri yamadekwana yareba.
5Simukai, tiende vusiku, tindoparadza dzimba dzamadzimambo aro.
6nekuti zvakanzi naJehovha wehondo, Temai miti, mututire Jerusaremu murwi wokurwa nawo; ndiro guta rinofanira kurohwa, mukati maro munongova nokumanikidza chete.
7Tsime sezvarinobudisa mvura yaro, saizvozvo rinobudisa zvakaipa zvaro; kuita nesimba nokuparadza ndizvo zvinonzwikwa mukati maro, pamberi pangu panongova nokurwara namavanga nguva dzose.
8Tenda kurangwa, iwe Jerusaremu, kuti mweya wangu urege kuparadzana newe, ndirege kukuita dongo, nyika isingagari vanhu.
9Zvanzi naJehovha wehondo, Vachatanha chose zvakasara zvaIsiraeri, somuzambiringa; dzoseraizve ruoko rwenyu mumatengu, sezvinoita mutanhi wemizambiringa.
10Ndichataura nani nokuvapupurira vanzwe? Tarirai, nzeve dzavo hadzina kudzingiswa, havagoni kunzwa; tarirai, shoko raJehovha rava kwavari chinhu chinodadirwa, havarifariri.
11Naizvozvo ndizere nokutsamwa kwaJehovha, ndaneta kuzvidzora; Chikudururai pamusoro pavana vari munzira dzomuguta, napamusoro peungano yamajaya; nekuti murume nomukadzi vachabatwa pamwechete nowava namazuva mazhinji.
12Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe, minda yavo pamwechete navakadzi vavo; nekuti ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pavagere panyika, ndizvo zvinotaura Jehovha.
13nekuti kubva kuvaduku pakati pavo kusvikira kuvakuru pakati pavo mumwe nomumwe unokarira fuma; uye kubva kuvaporofita kusvikira kuvapristi mumwe nomumwe unoita nokunyengera.
14Vakangopodza vanga ravanhu vangu zvishoma vachiti, Rugare, rugare! Izvo hakuna rugare.
15Ko vakanyadziswa nguva yavakaita zvinonyangadza here? Kwete havana kutongonyara, vakakoniwa kucheneruka; naizvozvo vachawa pakati pavanowa, panguva yandinovarova vachagumburwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
16Zvanzi naJehovha, Mirai panzira, muwone; bvunzai nzira dzakare, kuti nzira yakanaka ndeipi; mufambe mairi, mugowanira mweya yenyu zoro; asi vakati, Hatidi kufamba mairi.
17Ndakagadza nharirire kukurindirai, ndikati, teererai inzwi rehwamanda; asi ivo vakati, Hatidi kuteerera.
18Naizvozvo inzwai, imwi marudzi, newe ungano, muzive zviri pakati pavo.
19Inzwa, Iwe nyika, tarira, ndini ndinouyisira vanhu ava zvakaipa, izvo zvibereko zvemifungo yavo, nekuti havana kuteerera mashoko angu; kana uri murayiro wangu, vakauramba.
20Ko zvinonhuhwira zvinouyirei kwandiri zvichibva Shebha, nekaramusi inobva kunyika iri kure? Zvipiriso zvenyu zvinopiswa handizvidi, nezvibayiro zvenyu hazvindifadzi.
21Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarirai, ndichaisira vanhu ava zvigumbuso, madzibaba navanakomana vavo vachagumbuswa nazvo pamwechete; munhu neshamwari yake vachaparara pamwechete.
22Zvanzi naJehovha, Tarirai, vanhu vachabva kunyika yokumusoro, rudzi rukuru ruchamutswa, ruchibva kumigumo yenyika.
23Vakabata uta nepfumo, vane hasha havane nyasha; inzwi ravo rinotinhira segungwa; vanotasva mabhiza, mumwe nomumwe wakazvigadzira, somunhu unoenda kuhondo, kuzorwa newe, iwe mukunda weZiyoni.
24Takanzwa guhu razvo, maoko edu oshaiwa simba, tabatwa nokutambudzika, nokurwadziwa sokomukadzi unosurumuka,
25Regai kubudira kubundo, kana kufamba nenzira; nekuti munondo womuvengi nezvinotyisa zviri kumativi ose.
26Haiwa, mukunda wavanhu vangu, Zvisunge chiuno namakudza, uumburuke mumadota; chema, somunhu unochema mwanakomana wake mumwechete, nokuchema kukuru kwazvo; nekuti muparadzi uchatiwira pakarepo.
27Ndakakuita mushori nenhare pakati pavanhu vangu, kuti uzive nokuidza nzira yavo.
28Vose vavo vamukiri vakaisvoipa, vanongofamba-famba vachiita makuhwa; indarira nedare, vanoita zvakashata vose.
29Mvuto inovhutira kwazvo, mutobvu wapera nomoto, vanoramba vachinatsa pasina, nekuti vakaipa havabviswi.
30Vachanzi sirivha yakarashwa, nekuti Jehovha wakavaramba.