1Shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya pamusoro pokusanaya kwemvura.
2VaJudha vanochema, namasuwo avo anoshaiwa simba, vagere pasi vakafuka nguvo nhema; kuchema kweJerusaremu kwakwira kumusoro.
3Vakuru vavo vanotuma varanda vavo kumvura; vanosvika kumadziva, ndokushaiwa mvura, vanodzoka nezvirongo zvisina; vakanyadziswa nokukanganiswa, vanofukidza misoro yavo.
4Varimi vanonyadziswa, vanofukidza misoro yavo, nokuda kwenyika yakaparuka, nekuti mvura haina kunaya payika,
5Zvirokwazvo hadzi yenondo inoberekawo musango, ndokurasha mhuru yayo, nekuti hakuna bumudza.
6Mbizi dzinomira pazvikomo zvisina miti, dzichifema mhepo samakava; meso adzo aneta, nekuti hakuna huswa.
7Kunyange zvakaipa zvedu zvichitipupurira, imwi Jehovha, batai nokuda kwezita renyu; nekuti kudzokera kwedu kuzhinji; takakutadzirai.
8imwi chitariro chaIsiraeri, Muponesi wavo nenguva yokutambudzika, munoitireiko somutorwa panyika, uye somufambi unotsauka kuzovata vusiku chete?
9Munoitireiko somunhu unotya, somunhu une simba usingagoni kuponesa? Kunyange zvakadaro imwi Jehovha muri pakati pedu, takatumidzwa nezita renyu; regai kutisiya.
10Zvanzi naJehovha kuvanhu ava, Saizvozvo vakafarira kudzungaira, havana kudzora tsoka dzavo; naizvozvo Jehovha haana kuvafarira; zvino ucharangarira zvakaipa zvavo, nokuvarova pamusoro pezvivi zvavo.
11Jehovha akati kwandiri, Usanyengeterera vanhu ava uchivakumbirira zvakanaka.
12Kana vachitsanya, handinganzwi kuchema kwavo; kana vachiuya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvoupfu, handingazvigamuchiri; asi ndichavapedza nomunondo, nenzara, uye nehosha.
13Ipapo ndakati, Haiwa, Jehovha Mwari, tarirai, vaporofita vanoti kwavari, Hamungaoni munondo, kana kunzwa nzara; asi ndichakupai rugare rwazvokwadi panzvimbo ino.
14Ipapo Jehovha akati kwandiri, Vaporofita vanoporofita nhema muzita rangu; ini handina kuvatuma, ini handina kuvaraira, kana kutaura navo; vanokuporofitirai zvinonzi zvakaonekwa asi dziri nhema, nezvakaukwa, nezvisina maturo, nokunyengera kwemoyo yavo.
15Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavaporofita vanoporofita muzita rangu, ndisina kuvatuma hangu, vachiti, Munondo nenzara hazvingavi munyika ino; zvanzi, Vaporofita avo vachapedzwa nomunondo nenzara.
16Navanhu vavanoporofitira vacharashwa munzira dzomuJerusaremu nemhaka yenzara nomunondo; vachashaiwa unovaviga ivo, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navanasikana vavo; nekuti ndichadurura zvakaipa zvavo pamusoro pavo.
17Zvino iwe chivaudza shoko iri uti, Meso angu ngaayerere misodzi vusiku namasikati, asarega; nekuti mhandara mukunda wavanhu vangu wakuvadzwa nokukuvadzwa kukuru, nevanga rakaipa kwazvo.
18Kana ndichifamba musango, tarirai, vakaurawa nomunondo! Kana ndichipinda muguta, tarirai, vanorwara nenzara! nekuti vaporofita navapristi vose vanopota nenyika, vasingazivi chinhu.
19Maramba Judha chose here? Mweya wenyu wasema Ziyoni here? Matirovereiko, tikashaiwa kuporeswa? Takatarira rugare, asi hakuna chakanaka chakauya, nenguva yokuporeswa, asi tarirai, kuvhunduswa chete!
20Haiwa Jehovha, tinoziva zvakaipa zvedu, nokutadza kwamadzibaba edu; nekuti takakutadzirai.
21Regai kutisema nokuda kwezita renyu; regai kushoora chigaro chokukudzwa kwenyu; rangarirai henyu, musaputsa sungano yenyu nesu.
22Varipo here pakati pavamwari vasina maturo vavahedheni vanganisa mvura? Denga ringanisa mvura here? Hamuzimi here, imwi Jehovha Mwari wedu? Naizvozvo tichakumirirai, nekuti ndimi makaita zvinhu izvi zvose.