1Ipapo Jehovha akati kwandiri, Kunyange Mozisi naSamueri vamire pamberi pangu, moyo wangu haungavi nehanya navanhu ava; uvadzinge pamberi pangu, vaende.
2Zvino kana vakati kwauri, Tichaendepiko? Uti kwavari, Zvanzi naJehovha vakafanirwa norufu ngavaende kurufu, vakafanirwa nenzara, kunzara, navakafanirwa nokutapwa, kukutapwa.
3Ndichavatumira njodzi dzamarudzi mana ndizvo zvinotaura Jehovha munondo kuvauraya, nembwa kuvakwekweredza, neshiri dzokudenga nezvikara zvenyika kuvadya nokuvaparadza.
4Ndichavadzungaidza pakati poushe bwenyika, nemhaka yaManase, mwanakomana waHezekia, mambo waJudha, pamusoro pezvaakaita paJerusaremu.
5nekuti ndiani uchakunzwira tsitsi, iwe Jerusaremu? Ndiani uchakuchema? Ndianiko uchatsauka kuzobvunza mufaro wako?
6Zvanzi naJehovha, Wakandiramba, wakadzokera shure; saka ndakatambanudzira ruoko rwangu kurwa newe, ndikakuparadza; ndaneta nokuzvidemba:
7Ndakavandudza nechokurudza pamasuwo enyika; ndakavatorera vana vavo, ndakaparadza vanhu vangu; asi havana kudzoka panzira dzavo.
8Chirikadzi dzavo dzandiwandira kupfuura jecha regungwa; ndakauyisira mai namajaya muparadzi panguva yamasikati; ndakawisira mai kamwe-kamwe kurwadziwa nezvinotyisa.
9Iye, wakabereka vanomwe, wapera simba, wabudisa mweya wake; zuva rake rakavira achiri masikati; wakanyadziswa nokukanganiswa; vakasara vavo ndichavaurayisa nomunondo pamberi pavavengi vavo ndizvo zvinotaura Jehovha.
10Ndine nhamo mai vangu, zvavakandibereka ndive munhu wenharo nomunhu wegakava panyika yose ! Handina kupa chikwereti, navanhu havana kutora chikwereti kwandiri; kunyange zvakadaro vanondituka vose.
11Jehovha akati, Zvirokwazvo, ndichakusimbisira zvakanaka; zvirokwazvo, ndichanyengeteresa muvengi wako kwauri nenguva yezvakaipa, uye nenguva yokutambudzika.
12Ko dare ringavhuniwa here, iro dare rinobva kurutivi rwokumusoro, kana ndarira here?
13Nhumbi dzako nefuma yako ndichazviisa kukutapwa, zvisingatengwi, nokuda kwezvivi zvako zvose pamiganho yako yose.
14Ndichakuendisa navavengi vako kunyika yausingazivi; nekuti moto wakabatidzwa nokutsamwa kwangu, uchapfuta pamusoro penyu.
15Haiwa Jehovha, imwi munoziva; ndirangarirei, mundishanyire, munditsivire vatambudzi vangu; musandibvisa pakuitira kwenyu vamwe moyo murefu; zivai kuti ndakatukwa nokuda kwenyu.
16Mashoko enyu akawanikwa, ndikaadya; mashoko enyu akava mufaro wangu nokufadzwa komoyo wangu; nekuti ndakatumidzwa nezita renyu, imwi Jehovha, Mwari wehondo.
17Handina kugara pakati peungano yavanoseka, kana kufara navo; ndakagara ndiri ndoga nokuda koruoko rwenyu, nekuti makandizadza nokutsamwa kwenyu.
18Kurwadziwa kwangu kunorambireiko kuripo nokusingaperi, vanga rangu rinorambirei kurapwa, risingadi kupora? Muchava kwandiri zvirokwazvo sorukova runonyengera, semvura inopwa here?
19Saka zvanzi naJehovha, Kana ukadzoka, ndichakudzosa, kuti umire pamberi pangu; kana ukatsaura zvakanaka uchizvibvisa pane zvakaipa, uchava somuromo wangu; ivo vachadzokera kwauri, asi iwe usadzokera kwavari.
20Ndichakuita kuna vanhu ava rusvingo rwendarira rwakasimbiswa; vacharwa newe asi havangakukundi, nekuti ini ndinewe ndikuponese nokukurwira.
21Ndichakurwira pamaoko avakaipa, nokukudzikunura pamaoko avanotyisa.