Shona

Coptic: New Testament

Jeremiah

19

1Zvanzi naJehovha, Enda undotenga chirongo chakaumbwa nomuumbi wehari, unavamwe vakuru vavanhu navamwe vakuru vavapristi;
2ipapo uende kumupata womwanakomana waHinomi, uripo pavanopinda pasuwo rezvaenga zvehari uparidzirepo mashoko andichakuudza;
3uti, Inzwai shoko raJehovha, imwi madzimambo aJudha navagere Jerusaremu, zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Tarirai, ndichauyisa zvakaipa pamusoro penzvimbo ino, nzeve dzomumwe nomumwe unozvinzwa dzichawunga.
4nekuti vakandisiya, vakashandura nzvimbo ino, vakapisirapo zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari vavakanga vasingazivi, ivo namadzibaba avo namadzimambo aJudha, vakazadza nzvimbo ino neropa ravasina mhosva,
5vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzaBhaari, kuti vapisire Bhaari vanakomana vavo pamoto zvive zvipiriso zvinomupisirwa; izvo, zvandisina kuvaraira, kana kuzvitaura, zvandisina kufunga mumoyo mangu.
6Naizvozvo tarirai, mazuva anouya ndizvo zvinotaura Jehovha nzvimbo ino haichazonzi Tofeti, kana Mupata womwanakomana waHinomi, asi Mupata woKuurawa.
7Ndichakonesa mano aJudha naveJerusaremu panzvimbo ino; ndichavawisa nomunondo pamberi pavavengi vavo, uye namaoko avanotsvaka kuvauraya; zvitunha zvavo ndichazvipa shiri dzokudenga nezvikara zvenyika, zvive zvokudya zvazvo.
8Guta rino ndichariita chishamiso nechinhu chinoridzirwa muridzo; mumwe nomumwe unopfuura napo uchashamiswa achiridza muridzo nokuda kwamatambudziko aro ose.
9Ndichavadyisa nyama yavanakomana vavo nenyama yavanasikana vavo; mumwe nomumwe uchadya nyama yeshamwari yake pakukombwa kwaro napakumanikidzwa kwavachamanikidzwa nako navavengi vavo navanotsvaka kuvauraya.
10Zvino unofanira kuputsa chirongo pamberi pavarume vakaenda newe,
11ugoti kwavari, Zvanzi naJehovha wehondo, Saizvozvo ndichaputsa vanhu ava neguta rino, sezvinoputswa mudziyo womuumbi wehari, usingabviri kuzogadzirwazve; zvino vachaviga vakafa paTofeti nokuti kuchashaikwa imwe nzvimbo.
12Ndizvo zvandichaitira nzvimbo ino navagerepo, ndiite guta rino seTofeti ndizvo zvinotaura Jehovha.
13Dzimba dzeJerusaremu, nedzimba dzamadzimambo aJudha, dzakasvibiswa, dzichaita senzvimbo yeTofeti, idzo dzimba dzose dzavakapisira pamatenga adzo zvinonhuhwira kuhondo dzokudenga,nokudururira vamwe vamwari zvipiriso zvinodururwa.
14Ipapo Jeremiya wakabva Tofeti, kwaakanga atumwa naJehovha kundoporofita, akandomira muruvazhe rweimba yaJehovha, akati kuvanhu vose,
15Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Tarirai, ndichauyisa pamusoro peguta rino napamusoro pemisha yaro yose, zvakaipa zvose zvandakataura pamusoro paro; nekuti vakaomesa mitsipa yavo, kuti varege kunzwa mashoko angu.