Shona

Coptic: New Testament

Jeremiah

20

1.Zvino Pashuri, mwanakomana womupristi Imeri, mutariri mukuru mumba maJehovha, wakanzwa Jeremiya achiporofita zvinhu izvi.
2Ipapo Pashuri wakarova muporofita Jeremiya, akamusunga mumatanda aiva pasuwo rokumusoro raBhenjamini, raiva mumba maJehovha.
3Zvino fume mangwanani Pashuri akasunungura Jeremiya pamatanda. Ipapo Jeremiya akati kwaari, Jehovha haana kukutumidza zita rinonzi Pashuri, asi rinonzi Magorimisabhibhi.
4nekuti zvanzi naJehovha, Tarira, ndinokuita chinhu chinotyisa, chichakutyisa iwe umene neshamwari dzako dzose; vachaparadzwa nomunondo wavavengi vavo, meso ako achazviona; ndichaisa Judha rose mumaoko amambo weBhabhironi, iye uchavatapira Bhabhironi, nokuvauraya nomunondo.
5Uyezve, ndichaisa fuma yose yeguta rino, nezvose zvavakawana, nezvose zvavo zvinokosha, zvirokwazvo, nefuma yose yamadzimambo aJudha, ndichazviisa mumaoko avavengi vavo; ivo vachavapamba, nokuvatapa, nokuenda navo Bhabhironi.
6Newe Pashuri, navose vagere mumba mako, muchatapwa, iwe uchandosvika Bhabhironi, uchandofirapo, nokuvigwapo, iwe neshamwari dzako dzose, dzawaiporofitira nhema.
7imwi Jehovha makandigombedzera, ndikagombedzerwa; imwi mune simba kupfuureni, mukakunda; ndakaitwa chinhu chinosekwa zuva rose, mumwe nomumwe unondiseka.
8nekuti ndinoti kana ndotaura, ndodanidzira; ndinodanidzira, ndichiti, Zvinoitwa nesimba nokuparadza nekuti shoko raJehovha rakaitwa kwandiri chinhu chinoshoorwa, nechinhu chinosekwa zuva rose.
9Kana ndichiti, Handichamurangariri, kana kutaura nezita rake, ipapo mumoyo mangu mava somoto unopfuta, wakapfigirwa mumafupa angu; ndaneta nokutsungirira, handichagoni.
10nekuti ndakanzwa makuhwa avazhinji, zvinotyisa pamativi ose. Pomerai, isu tigomupomera, ndizvo zvinotaura shamwari dzangu dzose dzinodikamwa neni, vanotarira kuparadzwa kwangu; zvimwe uchanyengerwa, tikamukunda, tikazvitsivira kwaari.
11Asi Jehovha uneni semhare inotyisa; saka vamanikidzi vangu vachagumburwa, havangakundi; vachanyadziswa kwazvo, nekuti havana kuita nohuchenjeri, nokunyadzwa nokusingaperi, kusingazokanganikwi.
12Asi imwi Jehovha wehondo, imi, munoidza vakarurama, munoona itsvo nomoyo, ngandione kutsiva kwenyu kwavari; nekuti ndakakuzarurirai imwi mhaka yangu.
13Imbirai Jehovha, rumbidzai Jehovha; nekuti wakarwira mweya wounoshaiwa pamaoko avaiti vezakaipa.
14Zuva randaberekwa naro ngaritukwe, zuva randakaberekwa namai vangu ngarirege kuropafadzwa.
15Munhu ngaatukwe wakazivisa baba vangu shoko rokuti, Maberekerwa mwanakomana, akavafadza kwazvo.
16Munhu uyo ngaave samaguta akaparadzwa naJehovha, akasazvidemba; ngaanzwe kuchema mangwanani nemhere panguva yamasikati;
17zvaakarega kundiuraya ndichiri muchizvaro; saizvozvo mai vangu vangadai vaiva hwiro hwangu, vairamba vane mimba.
18Ndakabudireiko pachizvaro, kuti ndione kutambudzika nokuchema, kuti mazuva angu apere nokunyadziswa?