Shona

Coptic: New Testament

Jeremiah

24

1Zvino Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakati atapa Jekonia mwanakomana waJehoiakimu, mambo waJudha, namachinda aJudha, pamwechete navavezi navapfuri, paJerusaremu, akavaisa Bhabhironi, Jehovha akandiratidza, ndikaona tswanda mbiri dzina maonde dzakanga dzakaiswa pamberi petemberi yaJehovha.
2Imwe tswanda yakanga ina maonde akanaka kwazvo, samaonde anotanga kuibva; asi imwe tswanda yakanga inamaonde akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo.
3Ipapo Jehovha akati kwandiri, Unowoneiko Jeremiya? Ini ndikati, Maonde; maonde akanaka, akanaka kwazvo, asi akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo.
4Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
5Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Sezvakaita maonde awa akanaka, ndizvo zvandicharangarira nomoyo wakanaka vatapwa vaJudha, vandakatuma vabve panyika ino vaende kunyika yavaKaradhea.
6nekuti ndichavatarira nameso angu nomoyo wakanaka, ndivadzoserezve kunyika ino; ndichavavaka, handingavakoromori; ndichavasima, handingavadzuri.
7Ndichavapa moyo wokundiziva, kuti ndini Jehovha; ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo; nekuti vachadzokera kwandiri nomoyo wavo wose.
8Uye, sezvakaita maonde akaipa, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo, zvirokwazvo ndizvo zvinotaura Jehovha ndizvo zvandichaita Zedhekia mambo waJudha, namachinda ake, navakasara veJerusaremu, vakasara panyika ino, navagere panyika yeEgipita.
9Ndichavaita chinhu chinotyisa pakati poushe hwose bwenyika, vaitirwe zvakaipa, vave chinhu chinoshoorwa, neshumo, nechinosekwa nechinotukwa panzvimbo dzose kwandichavadzingira.
10Ndichatuma pakati pavo munondo, nenzara, nehosha, kusvikira vapera munyika yandakavapa ivo namadzibaba avo.