1Shoko, rakauya kuna Jeremiya pamusoro pavanhu vose vaJudha, negore rechina raJehoiakimu, mwanakomana waJosiya, mambo waJudha; ndiro gore rokutanga raNebhukadhirezari mambo weBhabhironi,
2iro rakataurwa nomuporofita Jeremiya kuvanhu vose vaJudha, navose vagere Jerusaremu, achiti,
3Kubva pagore regumi namatatu raJosiya mwanakomana waAmoni, mambo wavaJudha, kusvikira pazuva rino, makore awa ana makumi maviri namatatu, shoko raJehovha raiuya kwandiri, ndikakutaurirai, ndichimuka mangwanani, ndichitaura; asi imwi hamuna kuteerera.
4Jehovha wakatuma kwamuri varanda vake vose vaporofita, achimuka mangwanani, achivatuma, asi imwi hamuna kuteerera, kana kurerekera nzeve dzenyu kuti munzwe,
5vachiti, Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, napazvakaipa zvamunoita, mugare munyika yamakapiwa naJehovha, imwi namadzibaba enyu, kubva kare nakare kusvikira pakusingaperi,
6regai kutevera vamwe vamwari kuti muvashumire, nokuvanamata, murege kunditsamwisa namabasa amaoko enyu; ini ndigorega kukuitirai zvakaipa.
7Asi hamuna kunditeerera, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti munditsamwise namabasa amaoko enyu, muitirwe zvakaipa.
8Naizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, zvamusina kunzwa mashoko angu,
9tarirai, ndichatuma shoko kumarudzi ose ari kurutivi rwokumusoro, ndivauyise, nokuna Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, muranda wangu, ndivauyise varwe nenyika ino, navageremo, namarudzi awa ose akaipoteredza;ndichavaparadza chose, nokuvaita chishamiso nechinoridzirwa muridzo, namatongo nokusingaperi.
10Ndichabvisawo kwavari inzwi rokuseka nenzwi rokufara, nenzwi rechikomba, nenzwi romwenga, nenzwi ramakuyo, nechiedza chomwenje.
11Nyika ino yose richava dongo, nechishamiso, marudzi awa achabatira mambo weBhabhironi makore ana makumi manomwe.
12Zvino kana makore ana makumi manomwe apera ndizvo zvinotaura Jehovha ndicharova mambo weBhabhironi, norudzi urwo pamusoro pezvakaipa zvavo, nenyika yavaKaradhea; ndichaiita matongo nokusingaperi.
13Ndichauyisa pamusoro penyika iyo mashoko angu ose andakataura pamusoro payo, zvose zvakanyorwa mubhuku iyi, zvakaporofitwa naJeremiya pamusoro pamarudzi ose.
14nekuti marudzi mazhinji namadzimambo makuru vachavasunga ivo vamene vave varanda vavo; ini ndichavaripira zvakaenzana nokubata kwavo, nezvakaenzana nebasa ramaoko avo.
15nekuti Jehovha Mwari waIsiraeri, wakati kwandiri, Tora mukombe uyu wewaini yokutsamwa kwangu paruoko rwangu, umwisepo marudzi ose andinokutumira kwaari.
16Vachamwa, nokudzedzereka, nokupenga, nokuda komunondo wandichatuma pakati pavo.
17Ipapo ndakatora mukombe paruoko rwaJehovha, ndikamwisa marudzi ose, andakatumirwa kwaari naJehovha;
18vaiti Jerusaremu, namaguta aJudha, namadzimambo awo, namachinda awo, kuti vaitwe dongo, nechishamiso, nechinoridzirwa muridzo, nechinotukwa, sezvazvakaita nhasi.
19NaFarao mambo navaranda vake, namachinda ake, navanhu vake vose;
20namarudzi ose akavhengana, namadzimambo ose enyika yeUzi, namadzimambo ose enyika yavaFirisitia, neAshikeroni, neGaza, neEkironi, navakasara veAshidhodhi;
21naEdhomu, naMoabhu, navana vaAmoni;
22namadzimambo ose eTire, namadzimambo ose eSidhoni, namadzimambo echiwi chiri mhiri kwegungwa;
23neDhedhani, neTema, neBhuzi, navose vakaveurwa vhudzi ravo kumativi;
24namadzimambo ose eArabhia, namadzimambo ose amarudzi akavhengana vanogara kurenje;
25namadzimambo ose eZimiri, namadzimambo ose eEramu, namadzimambo ose avaMedhia;
26namadzimambo ose okumusoro, kure napedo, mumwe nomumwe, noushe hwose bwenyika, huri pasi pose; mambo weSheshaki uchamwa shure kwazvo.
27Zvino iwe uti kwavari, Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Imwai, mubatwe, murutse, muwe, murege kuzosimukazve, nokuda komunondo wandichatuma pakati penyu.
28Zvino kana vachiramba kutora pamukombe paruoko rwako kuti vamwe, ipapo uti kwavari, Zvanzi naJehovha wehondo, munofanira kumwa, zvirokwazvo!
29nekuti tarirai ndinotanga kuitira zvakaipa guta rakatumidzwa nezita rangu; zvino imwi mungaregwa chose musingarohwi here? Hamungaregwi musingarohwi; nekuti ndichadana munondo pamusoro pavose vagere panyika, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
30Naizvozvo iwe uvaporofitire mashoko awa ose, uti kwavari, Jehovha uchaomba ari kumusoro, uchabudisa inzwi rake ari pahugaro hwake hutsvene; uchaombera mafuro ake; uchapururudzira vose vagere panyika, sezvinoita vanotsika mazambiringa.
31Mubvumo uchasvika pamugumo wenyika pamene; nekuti Jehovha une gakava namarudzi; uchatonga nyama yose; kana vari vakaipa, uchavaisa kumunondo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
32Zvanzi naJehovha wehondo, Tarirai, zvakaipa zvichabuda kuno rumwe rudzi zvichienda kuno rumwe rudzi, nedutu guru remhepo richamutswa kumigumo yenyika.
33Nezuva iro vakaurawa naJehovha vachavapo kubva kunomumwe mugumo wenyika kusvikira kunomumwe mugumo wenyika; havangachemwi, kana kuunganidzwa, kana kuvigwa; vachava mupfudze pasi pose.
34Wungudzai, imwi vafudzi, mucheme; wumburukai mumadota, imwi vakuru vamapoka; nekuti mazuva okuurawa kwenyu asvika kwazvo, nookuparadzirwa kwenyu, muchawira pasi somudziyo unodikamwa.
35Vafudzi vachashaiwa matizire, navakuru vamapoka mupukunyukire.
36Inzwai inzwi rokuchema kwavafudzi, nokuwungudza kwavakuru vamapoka! nekuti Jehovha unoparadza mafuro avo.
37Mafuro orugare anoparadzwa nokutsamwa kukuru kwaJehovha.
38Wakabva paanovanda seshumba; nekuti nyika yavo yava chishamiso, nokuda kokunyanya komunondo unomanikidza, uye nokuda kokutsamwa kwake kukuru.