Shona

Coptic: New Testament

Jeremiah

26

1Zvino pakuvamba kokubata ushe hwaJehoiakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, shoko iri rakabva kuna Jehovha, richiti,
2Zvanzi naJehovha, Mira paruvazhe rweimba yaJehovha, uudze maguta ose aJudha, anouya kuzonamata mumba maJehovha, mashoko ose andinokuraira kuti uvaudze; usatapudza kunyange neshoko rimwe.
3Zvimwe vangateerera, vakadzoka mumwe nomumwe panzira yake yakaipa; kuti ndizvidembe pamusoro pezvakaipa zvandinofunga kuvaitira nokuda kwezvakaipa zvavo zvavanoita.
4Uti kwavari, Zvanzi naJehovha, Kana musingadi kundinzwa, kuti mufambe nomurayiro wangu, wandakaisa pamberi penyu,
5kuti munzwe mashoko avaranda vangu vaporofita, vandinotuma kwamuri, ndichimuka mangwanani ndichivatuma, asi hamuna kunzwa;
6zvino ndichaita imba ino ive seShiro, neguta rino ndichariita chinhu chinotukwa namarudzi ose enyika.
7Vapristi navaporofita navanhu vose vakanzwa Jeremiya achitaura mashoko awa mumba maJehovha.
8Zvino Jeremiya wakati apedza kutaura zvose zvaakanga arairwa naJehovha kuti audze vanhu vose, vapristi navaporofita navanhu vose vakamubata, vachiti, Zvirokwazvo, uchafa iwe.
9Wakaporofitirei nezita raJehovha, uchiti, Imba ino ichava seShiro, guta rino richava dongo, risina unogaramo? Vanhu vose vakaunganira Jeremiya mumba maJehovha.
10Zvino machinda aJudha akati anzwa zvinhu izvi, vakauya vachibva kuimba yamambo vakaenda kuimba yaJehovha, vakagara pasi panopindwa pasuwo idzva reimba yaJehovha.
11Ipapo vapristi navaporofita vakataura namachinda uye navanhu vose, vachiti, Munhu uyu wakafanira rufu, nekuti wakaporofitira guta rino zvakaipa, sezvamakanzwa nenzeve dzenyu.
12Ipapo Jeremiya wakataura namachinda ose uye navanhu vose, achiti, Jehovha ndiye wakandituma kuti ndiporofitire imba ino neguta rino mashoko ose amakanzwa.
13Naizvozvo zvino natsai nzira dzenyu nezvamunoita, muteerere inzwi raJehovha Mwari wenyu; ipapo Jehovha uchazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakareva pamusoro penyu.
14Asi kana ndirini, tarirai, ndiri mumaoko enyu; ndiitirei zvakanaka nezvakarurama pakuona kwenyu.
15Asi muzive zvirokwazvo, kuti kana mukandiuraya ini, muchauyisa mhosva yeropa risina mhaka pamusoro penyu, napamusoro peguta rino, napamusoro pavageremo; nekuti zvirokwazvo Jehovha wakandituma kwamuri kuti nditaure mashoko awa ose munzeve dzenyu.
16Ipapo machinda navanhu vose vakati kuvapristi navaporofita, Munhu uyu haafaniri rufu, nekuti wakataura nesu nezita raJehovha Mwari wedu.
17Zvino vamwe vavakuru venyika vakasimuka, vakataura neungano yose yavanhu, vachiti,
18Mikaya muMorashitiri wakaporofita pamazuva aHezekia mambo waJudha; akataura navanhu vose vaJudha, achiti, Zvanzi naJehovha wehondo, Ziyoni richarimwa somunda, neJerusaremu richava mirwi yamabwe, negomo reimba richaita senzvimbo dzakakwirira dzedondo.
19Ko Hezekia mambo waJudha, navaJudha vose vakamuuraya here? Ko haana kutya Jehovha, akanyengetera Jehovha, Jehovha akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakanga areva pamusoro pavo here? Saizvozvo tingatadzira mweya yedu kwazvo.
20Uyezve, kwakanga kuno munhu waiporofita nezita raJehovha, wainzi Uriya, mwanakomana waShemaia weKiriati-jearimi; iye wakaporofita zvakaipa pamusoro peguta rino nenyika ino zvakafanana namashoko ose aJeremiya.
21Zvino mambo Jehoiakimu, navakuru vake vose, namachinda ose, vakati vanzwa mashoko ake, mambo akatsvaka kumuuraya; asi Uriya wakati achizvinzwa akatya, akatizira Egipita.
22Mambo Jehoiakini akatuma vanhu Egipita, vaiti Erinatani mwanakomana waAkibhori, navamwe vanhu naye, vaende Egipita,
23akandotora Uriya Egipita, vakauya naye kuna mambo Jehoiakimu, iye ndokumuuraya nomunondo, akakandira chitunha chake mumarinda avanhu vasingakudzwi.
24Asi ruoko rwaAhikami mwanakomana waShafani rwakabatsira Jeremiya, vakasamuisa mumaoko avanhu kuti vamuuraye.