1Pakuvamba kokubata ushe kwaJehoiakimu mwanakomwana waJosiya, mambo waJudha, shoko iri rakasvika kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti,
2Zvanzi naJehovha kwandiri, Zviitire zvisungo namatanda uzviise pamutsipa wako;
3uzvitumire kuna mambo waEdhomu, nokuna mambo waMoabhu, nokuna mambo wavana vaAmoni, nokuna mambo weTire, nokuna mambo weSidhoni, noruoko rwenhume dzinouya Jerusaremu kuna Zedhekia mambo waJudha,
4utume shoko navo kuna tenzi wavo, uti, Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, mundoti kuna tenzi wenyu,
5Ini ndakaita nyika, navanhu nezvipfuwo zviri pasi pose, nesimba rangu guru uye noruoko rwangu rwakatambanudzwa, zvino ndinozvipa wandinoti ndiye wakafanirwa nazvo.
6Zvino ini ndakaisa nyika idzi dzose muruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, muranda wangu; nemhuka dzose dzebundo ndakamupawo kuti dzimushumire.
7Marudzi ose achamushumira, iye nomwanakomana wake, kusvikira nguva yenyika yake yasvikawo; ipapo marudzi mazhinji namadzimambo makuru achamuita muranda wavo.
8Zvino rudzi rupi norupi noushe hwupi nohwupi vanoramba kushumira iye Nebukadhinezari mambo waBhabhironi, vanoramba kuisa mutsipa wavo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, rudzi urwo ndicharurova nomunondo uye nenzara, nehosha yakaipa, kusvikira ndavapedza noruoko rwake ndizvo zvinotaura Jehovha.
9Asi kana murimi, regai kuteerera vaporofita venyu, kana vauki venyu, kana kurota kwenyu, kana vafemberi venyu, kana varoyi venyu, vanotaura nemi, vachiti, Hamungashumiri mambo weBhabhironi;
10nekuti vanokuporofitirai nhema, kuti muiswe kure nenyika yenyu, kuti ini ndikudzingirei kunze, muparare.
11Asi rudzi, ruchaisa mutsipa warwo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, nokumushumira, rudzi urwo ndicharutendera kugara munyika yarwo, vachairima, nokugaramo ndizvo zvinotaura Jehovha.
12Zvino ndikataura naZedhekia mambo waJudha mashoko awa ose, ndichiti, Isai mitsipa yenyu pasi pejoko ramambo weBhabhironi, mumushumire iye navanhu vake, murarame.
13Muchafireiko, imwi navanhu venyu, nomunondo, uye nenzara, nehosha yakaipa, sezvakataura Jehovha pamusoro porudzi runoramba kushumira mambo weBhabhironi?
14Regai kuteerera mashoko avaporofita vanotaura kwamuri vachiti, Hamungashumiri mambo weBhabhironi; nekuti vanokuporofitirai nhema.
15nekuti ini handina kuvatuma ndizvo zvinotaura Jehovha asi vanoporofita nhema nezita rangu; kuti ndikudzingirei kunze, mupere, imwi navaporofita vanokuporofitirai.
16Ndakataurawo navapristi, uye navanhu ava vose, ndikati, Zvanzi naJehovha, Regai kuteerera mashoko avaporofita venyu vanokuporofitirai, vachiti, Tarirai, midziyo yeimba yaJehovha yodokudzoswa ichibva Bhabhironi; nekuti vanokuporofitirai nhema.
17Regai kuvateerera; shumirai mambo weBhabhironi, murarame; guta rino richaitwa dongo neiko?
18Asi kana vari vaporofita, kana shoko raJehovha rinavo, ngavanyengetere Jehovha wehondo zvino, kuti midziyo yakasara mumba maJehovha nomumba mamambo waJudha, napaJerusaremu, irege kuenda Bhabhironi.
19nekuti zvanzi naJehovha wehondo pamusoro pembiru, napamusoro pegungwa, napamusoro pezvigadziko, napamusoro pemidziyo yakasara muguta rino;
20zvisina kutorwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, panguva yaakatapa Jekonia, mwanakomana waJehoiakimu, mambo wavaJudha, paJerusaremu, akamuisa Bhabhironi, pamwechete navakuru vose vavaJudha naveJerusaremu;
21nekuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, pamusoro pemidziyo yakasara mumba maJehovha, nomumba mamambo waJudha, napaJerusaremu,
22Ichandoiswa Bhabhironi, ikagarako, kusvikira zuva randichavashanyira ndizvo zvinotaura Jehovha; ipapo ndichavauyisazve, ndikavadzosera kunzvimbo ino.