1Zvino pagore irero, pakuvamba kokubata ushe kwaZedhekia mambo waJudha, pagore rechina, nomwedzi wechishanu, Hanania mwanakomana waAzuri muporofita, waiva weGibhiyoni, akataura neni mumba maJehovha, vapristi navanhu vose varipo, akati,
2Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Ndavhuna joko ramambo weBhabhironi.
3Makore maviri asati apera kwazvo, ndichadzoserazve kunzvimbo ino midziyo yose yeimba yaJehovha, yakatorwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi panzvimbo ino, akaiisa Bhabhironi;
4ndichadzoserazve kunzvimbo ino Jekonia mwanakomana waJehoiakimu mambo waJudha, pamwechete navatapwa vose vaJudha, vakaenda Bhabhironi ndizvo zvinotaura Jehovha; nekuti ndichavhuna joko ramambo weBhabhironi.
5Ipapo muporofita Jeremiya akati kumuporofita Hanania, vapristi navanhu vose varipo vamire mumba maJehovha,
6iye muporofita Jeremiya akati, Ameni, Jehovha ngaaite zvakadaro; Jehovha ngaasimbise mashoko ako awakaporofita, adzoserezve midziyo yeimba yaJehovha, navose vakatapwa, vabve Bhabhironi vauye kunzvimbo ino.
7Asi zvino chinzwa shoko iri randinotaura munzeve dzako, nomunzeve dzavanhu vose.
8Vaporofita, vakanditangira ini newe, vakaporofitira nyika zhinji, noushe hukuru, vachireva zvokurwa, nenzara, nehosha yakaipa.
9Muporofita, unoporofita zvorugare, kana shoko romuporofita uyo rikaitika, muporofita uyo uchazikamwa kuti wakatumwa naJehovha zvirokwazvo.
10Ipapo muporofita Hanania wakabvisa joko pamutsipa womuporofita Jeremiya, akarivhuna.
11Zvino Hanania akataura pamberi pavanhu vose, achiti, Zvanzi naJehovha, Saizvozvo ndichavhuna joko raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi pamitsipa yamarudzi ose makore maviri asati apera kwazvo. Muporofita Jeremiya ndokuenda zvake.
12Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya, muporofita Hanania apedza kuvhuna joko pamutsipa womuporofita Jeremiya, zvichinzi,
13Enda undoudza Hanania, uti, Zvanzi naJehovha, wavhuna majoko amatanda, asi waita panzvimbo yazvo majoko esimbi.
14nekuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Ndakaisa joko resimbi pamitsipa yamarudzi awa ose, kuti ashumire Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi; achamushumira, uye ndakamupawo mhuka dzebundo.
15Ipapo muporofita Jeremiya wakati kumuporofita Hanania, Chinzwa zvino, Hanania, Jehovha haana kukutuma, asi iwe unotendisa vanhu ava nhema.
16Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarira, ndichakudzinga pasi pose; uchafa nhaka, nekuti wakataura zvinomukira Jehovha.
17Naizvozvo muporofita Hanania wakafa negore iro nomwedzi wechinomwe.