Shona

Coptic: New Testament

Jeremiah

35

1Shoko, rakasvika kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha namazuva aJehoiakimu, mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, richiti,
2Enda kuimba yavaRekabhi, utaure navo, uuye navo mumba maJehovha, mune imwe kamuri, uvape waini vamwe.
3Ipapo ndakatora Jaazania mwanakomana waJeremiya, mwanakomana waHabhazania, nehama dzake, navanakomana vake vose, neimba yose yavaRekabhi.
4Ndikavaisa mumba maJehovha, mukamuri yavanakomana vaHanani mwanakomana waIghidhari, munhu waMwari, yaiva pedo nekamuri yamachinda, yakanga iri pamusoro pekamuri yamachinda, yakanga iri pamusoro pekamuri yaMaaseia mwanakomana waSharumi, mutariri wechikumbaridzo.
5Ndikagadza pamberi pavanakomana veimba yavaRekabhi mbiya dzizere newaini nemikombe, ndikati kwavari, Imwai waini.
6Asi ivo vakati Hatingamwi waini, nekuti Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi, baba vedu, vakatiraira vachiti, Regai kumwa waini, imi, navanakomana venyu nokusingaperi;
7uye musavaka dzimba, kana kudzvara mbeu, kana kurima minda yemizambiringa, kana kuva nazvo; asi munofanira kugara mumatende mazuva enyu ose, kuti mugare mazuva mazhinji munyika mamunogara muri vatorwa.
8Zvino takateerera inzwi raJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, baba vedu, pazvose zvavakaraira, vachiti tirege kumwa waini mazuva edu ose, isu, navakadzi vedu;
9kana kuzvivakira dzimba matingagara; uye hatina minda yemizambiringa, kana mimwe minda, kana mbeu;
10asi takagara mumatende, tikateerera, tikaita zvose sezvatakarairwa naJonadhabhi baba vedu.
11Asi Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakati achisvika munyika ino, tikati, Hendei, tiende Jerusaremu nekuti tinotya hondo yavaKaradhea, uye tinotya hondo yavaSiria; naizvozvo tigere Jerusaremu.
12Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,
13Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Enda undoudza varume vaJudha, navagere Jerusaremu, uti, Hamutendi kurangwa, kuti muteerere mashoko angu here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
14Mashoko aJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, aakaraira vanakomana vake, kuti varege kumwa waini, anoteererwa; kusvikira zuva ranhasi havamwi, nekuti vanoteerera murayiro wababa wavo. Asi ini ndakataura nemi, ndichimuka mangwanani ndichitaura; asi hamuna kunditeerera.
15Ndakatumawo kwamuri varanda vangu vose vavaporofita, ndichimuka mangwanani, ndichivatuma, ndichiti, Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, munatse zvamunoita, murege kutevera vamwe vamwari muchivashumira, ipapo muchagara panyika yandakakupai imwi namadzibaba enyu; asi hamuna kurerekera nzeve dzenyu, kana kunditeerera.
16Vanakomana vaJonadhabhi mwanakomana waRekabhi vakateerera murayiro wababa wavo, waakavaraira, asi vanhu ava havana kunditeerera;
17naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri; Tarirai, ndichauyisa pamusoro paJudha napamusoro pavose vagere Jerusaremu zvakaipa zvose zvandakareva pamusoro pavo; nekuti ndakataura navo, asi havana kunzwa, ndakavadana, asi havana kudavira.
18Zvino Jeremiya akati kuimba yavaRekabhi, Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, zvamakateerera murayiro waJonadhabhi baba venyu, mukachengeta zviga zvavo zvose, mukaita zvose sezvamakarairwa navo;
19naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, iye Mwari waIsiraeri, Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi haangashaiwi munhu ungamira pamberi pangu nokusingaperi.