1Zvino negore rechina raJehoiakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, shoko iri rakasvika kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti,
2Tora rugwaro rwakapetwa unyoremo mashoko ose andakakuudza pamusoro paIsiraeri, napamusoro paJudha, napamusoro pamarudzi ose, kubva pazuva randakataura newe, kubva pamazuva aJosiya kusvikira zuva ranhasi.
3Zvimwe imba yaJudha vachanzwa zvakaipa zvose zvandinofunga kuvaitira, kuti vadzoke mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, ndivakangamwire kuipa kwavo nezvivi zvavo.
4Ipapo Jeremiya wakadana Bharuki mwanakomana waNeria, Bharuki akanyora parugwaro rwakapetwa mashoko ose aJehovha akabva mumuromo waJeremiya, aakataura kwaari.
5Jeremiya akaraira Bharuki, achiti, Ini ndakadziviswa, handigoni kupinda mumba maJehovha.
6Naizvozvo chienda iwe, undorava murugwaro rwakapetwa, mawanyora zvakabva pamuromo wangu, mashoko aJehovha zvinzwikwe nenzeve dzavanhu mumba maJehovha pazuva rokutsanya; uye uaravewo anzwikwe nenzeve dzavaJudha vose vanobuda mumaguta avo.
7Zvimwe kunyengetera kwavo kuchasvika pamberi paJehovha, vakadzoka mumwe nomumwe panzira yake yakaipa; nekuti kutsamwa nehasha zvakarehwa naJehovha pamusoro pavanhu ava zvakakura kwazvo.
8Bharuki mwanakomana waNeria akaita zvose sezvaakarairwa nomuporofita Jeremiya akarava mubhuku mashoko aJehovha mumba maJehovha.
9Zvino negore rechishanu raJehoiakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, nomwedzi wepfumbamwe, vanhu vose veJerusaremu, navanhu vose vakanga vabva kumaguta aJudha vachiuya Jerusaremu, vakatara zuva rokutsanya pamberi paJehovha.
10Ipapo Bharuki akarava mubhuku mashoko aJeremiya mumba maJehovha, mukamuri yaGemaria mwanakomana womunyori Shafani, muruvazhe rwokumusoro, pavaipinda pasuwo idzva reimba yaJehovha, vanhu vose vachizvinzwa nenzeve dzavo.
11Zvino Mikaia mwanakomana waGemaria, mwanakomana waShafani, wakati anzwa mashoko ose aJehovha mubhuku,
12akaburukira kumba kwamambo, mukamuri yomunyori, wanei, machinda ose agerepo, vaiti, Erishama munyori, naDheraia mwanakomana waShemaia, naErinatani mwanakomana waAkibhori, naGemaria mwanakomana waShafani, naZedhekiya mwanakomana waHanania, namachinda ose.
13Ipapo Mikaia akavaparidzira mashoko ose aakanzwa, Bharuki achirava mubhuku vanhu vachizvinzwa nenzeve dzavo.
14Naizvozvo machinda ose akatuma Jehudhi mwanakomana waNetania, mwanakomana waSheremiya, mwanakomana waKushi, kuna Bharuki, achiti, Bata muruoko rwako rugwaro rwakapetwa mawakarava zvichanzwika nenzeve dzavanhu, uuye. Ipapo Bharuki mwanakomana waNeria wakabata rugwaro rwakapetwa muruoko rwake, akaenda kwavari.
15Vakati kwaari, Zvino chigara pasi, uirave tinzwe nenzeve dzedu. Ipapo Bharuki wakavaravira vakanzwa nenzeve dzavo.
16Zvino vakati vanzwa mashoko ose, vakatarirana vachitya, vakati kuna Bharuki, Zvirokwazvo tichaudza mambo mashoko awa ose.
17Vakabvunza Bharuki, vachiti, Zvino chitiudza kuti wakanyora mashoko awa ose sei, achibva mumuromo make.
18Ipapo Bharuki akavapindura, akati, Wakandiparidzira mashoko awa ose nomuromo wake, ndikaanyora neingi mubhuku.
19Ipapo machinda akati kuna Bharuki, Endai mundovanda, iwe naJeremiya, kurege kuva nomunhu unoziva kwamuri.
20Ivo ndokupinda kuna mambo muruvazhe, asi vakanga vaviga rugwaro rwakapetwa mukamuri yomunyori Erishama; vakaudza mambo mashoko ose achizvinzwa nenzeve dzake.
21Ipapo mambo akatuma Jehudhi kundotora rugwaro rwakapetwa, iye akandorutora mukamuri yomunyori Erishama. Jehudhi akaravira mambo achizvinzwa nenzeve dzake, namachinda ose akanga amire namambo ivo vachinzwa nenzeve dzavo.
22Zvino mambo wakange agere muimba yakavakirwa nguva yechando nomwedzi wepfumbamwe, moto uchipfuta pamberi pake pachaenga.
23Zvino Jehudhi wakati apedza kurava zvikamu zvitatu kana zvina, mambo ndokuzvicheka nebanga ndokuzvikandira mumoto wakange uri muchaenga, kusvikira rugwaro rwakapetwa rwose rwapedzwa nomoto wakange uri muchaenga.
24Asi havana kutya, kana kubvarura nguvo dzavo, kunyange mambo kunyange nomumwe wavaranda vake vakanzwa mashoko awa ose.
25Erinatani naDheraia naGemaria vakanga vanyengetera havo mambo kuti arege kupisa rugwaro rwakapetwa, asi haana kuvateerera.
26Mambo akaraira Jerameeri mwanakomana waAzirieri, naSheremiya mwanakomana waAbhidheeri, kuti vabate munyori Bharuki nomuporofita Jeremiya; asi Jehovha wakavavanza.
27Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, mambo apisa rugwaro rwakapetwa, namashoko akanga anyorwa naBharuki achibva mumuromo waJeremiya, richiti,
28Chitorazve rumwe rugwaro rwakapetwa unyoremozve mashoko ose okutanga, akanga ari murugwaro rwakapetwa rwokutanga, rwakapiswa naJehoiakimu mambo waJudha.
29Uye pamusoro paJehoiakimu mambo wavaJudha, uti, Zvanzi naJehovha, wapisa rugwaro urwu rwakapetwa, uchiti, Wanyorereimo uchiti, Zvirokwazvo mambo weBhabhironi uchauya kuparadza nyika ino, nokubvisapo vanhu nezvipfuwo?
30Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro paJehoiakimu mambo waJudha, Haangavi nomumwe uchagara pachigaro choushe chaDhavhidhi; chitunha chake chichakandirwa kunze masikati kana kuchipisa, novusiku kana kune chando.
31Ndichamurova iye navana vake navaranda vake nokuda kwezvakaipa zvavo; ndichauyisa pamusoro pavo, napamusoro pavagere Jerusaremu, napamusoro pavarume vaJudha, zvakaipa zvose zvandakareva pamusoro pavo, asi havana kuteerera.
32Ipapo Jeremiya wakatora rumwe rugwaro rwakapetwa, akarupa munyori Bharuki, mwanakomana waNeria, iye akanyoramo mashoko ose akabva mumuromo waJeremiya, aiva mubhuku yakapiswa nomoto naJehoiakimu mambo waJudha, mamwe mashoko mazhinji akafanana nawo akawedzerwawo.