Shona

Coptic: New Testament

Jeremiah

37

1Zvino Zedhekia mwanakomana waJosiya wakabata ushe ari mambo panzvimbo yaKonia mwanakomana waJehoiakimu, wakange apiwa ushe munyika yaJudha naNebhukadhirezari mambo waBhabhironi.
2Asi iye, kunyange varanda vake, kana vanhu venyika, havana kuteerera mashoko aJehovha, aakataura nomuporofita Jeremiya.
3Zvino mambo Zedhekia wakatuma Jehukari mwanakomana waSheremiya, naZefaniya mwanakomana womupristi Maaseia, kumuporofita Jeremiya, achiti, Tinyengeterere hako zvino kuna Jehovha Mwari wedu.
4Zvino Jeremiya wakange achingopinda nokubuda hake pakati pavanhu, nekuti vakanga vachigere kumusunga mutirongo.
5Hondo yaFarao yakanga yabvawo Egipita; zvino vaKaradhea, vakanga vakakomba Jerusaremu, vakati vachinzwa zvavo, vakarega kukomba Jerusaremu.
6Ipapo shoko raJehovha rakasvika kumuporofita Jeremiya, richiti,
7Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, itiyi kuna mambo waJudha wakakutumai kuzondibvunza, Tarirai, hondo yaFarao, yakauya kuzokubatsirai, ichadzokera Egipita kunyika yavo.
8VaKaradhea vachauyazve vachirwa neguta rino; vacharikunda, nokuripisa nomoto.
9Zvanzi naJehovha, Musazvinyengera henyu, muchiti, Zvirokwazvo, vaKaradhea vachabva kwatiri, nekuti havangabvi.
10nekuti kunyange maikunda henyu hondo yose yavaKaradhea, vanorwa nemi, kukangosara kwavari vanhu vakakuvadzwa chete, kunyange zvakadaro vaisimuka, mumwe nomumwe mutende rake vakapisa guta rino nomoto.
11Zvino hondo yavaKaradhea yakati yarega kukomba Jerusaremu nemhaka yokutya hondo yaFarao,
12Jeremiya akabuda Jerusaremu achida kuenda kunyika yavaBhenjamini, kuzopiwa mugove wakepo pakati pavanhu vake.
13Zvino wakati ari pasuwo raBhenjamini, mumwe mukuru wavarindi akasvikapo, wainzi Irija mwanakomana waSheremiya, mwanakomana waHanania, iye akabata muporofita Jeremiya, achiti, Iwe wotishandukira uchienda kuvaKaradhea.
14Jeremiya akati, Inhema, handikushandukiriyi ndichienda kuvaKaradhea. Asi haana kumuteerera; ipapo Irija akabata Jeremiya, akandomuisa kumachinda.
15Machinda akaitira Jeremiya hasha, akamurova, ndokumuisa mutirongo mumba momunyori Jonatani; nekuti vakanga vaiita tirongo.
16Zvino Jeremiya wakati apinda mutirongo yegomba, nomumakamuri ayo, Jeremiya akagaramo mazuva mazhinji,
17mambo Zedhekia akatuma nhume kuzomutora, mambo akamubvunza chinyararire mumba make, achiti, Kune shoko rinobva kuna Jehovha here? Jeremiya akati, Ririko. Akatiwo, Imi muchaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi.
18Jeremiya akatiwo kuna mambo Zedhekia, Ndakakutadzirai neiko, imi, kana varanda venyu, kana vanhu ava, zvamakandisunga mutirongo?
19Ko zvino vaporofita venyu varipi, ivo vaikuporofitirai, vachiti, Mambo weBhabhironi haangauyi kuzorwa nemi, kana kurwa nenyika ino?
20Zvino chidonzwai henyu, ishe wangu mambo; kunyengetera kwangu ngakusvike pamberi penyu, kuti murege kundidzosazve kumba komunyori Jonatani, ndirege kufirapo.
21Ipapo mambo Zedhekia wakatema chirevo, vakaisa Jeremiya kuruvazhe rwavarindi, vakamupa zuva rimwe nerimwe bundu rechingwa, raibva munzira yomuguta yainzi yavabiki vechingwa, kusvikira chingwa chose chapera muguta. Saizvozvo Jeremiya akagara muruvazhe rwavarindi.