1Zvino Shefatia mwanakomana waMatani, naGedharia mwanakomana waPashuri, naJukari mwanakomana waSheremiya, naPashuri mwanakomana waMarikija, vakanzwa mashoko akataurwa naJeremiya kuvanhu vose, achiti,
2Zvanzi naJehovha, Ani naani unorambira muguta rino uchaurawa nomunondo, nenzara, uye nehosha yakaipa, asi unobuda akaenda kuvaKaradhea uchararama, hupenyu hwake huchava kwaari chinhu chakapambwa, uchararama.
3Zvanzi naJehovha, Zvirokwazvo guta rino richaiswa mumaoko ehondo yamambo weBhabhironi, iye acharikunda.
4Ipapo machinda akati kuna mambo, Tinokumbira kuti munhu uyu aurawe, nekuti unoshaisa simba maoko avarwi vakasara muguta rino, namaoko avanhu vose nokutaura kwake mashoko akadai kwavari; nekuti munhu uyu haatsvaki mufaro wavanhu ava asi kuti vave nenjodzi.
5Mambo Zedhekia ndokuti, Tarirai, uri pamaoko enyu, nekuti mambo haangaiti chinhu chamusingadi.
6Ipapo vakatora Jeremiya, vakamukandira mugomba raMarikija mwanakomana wamambo, rakanga riri muruvazhe rwavarindi; vakaburusa Jeremiya namabote. Mugomba makanga musina mvura asi matope; Jeremiya akanyura mumatope.
7Zvino multiopia Ebhedhimereki, waiva muranda mumba mamambo, wakati anzwa kuti vakaisa Jeremiya mugomba (zvino mambo wakange agere musuwo raBhenjamini).
8Ebhedhimereki akabuda mumba mamambo, akataura namambo, achiti,
9Ishe wangu mambo, vanhu ava vakaita zvakaipa pazvose zvavakaitira muporofita Jeremiya, wavakakandira mugomba; zvino iye unenge uchafira panzvimbo iyo paari, nemhaka yenzara; nekuti hakuchina chingwa muguta.
10Ipapo mambo akaraira muItiopia Ebhedhimereki, akati, Tora pano vanhu vana makumi matatu, unobudisa muporofita Jeremiya mugomba asati afa.
11Ipapo Ebhedhimereki akatora vanhu ivavo, akaenda navo mumba mamambo pasi pechivigiro chefuma, akatorapo mamvemve nenguvo dzakasakara, akazviburusira namabote mugomba kuna Jeremiya.
12Multiopia Ebhedhimereki akati kuna Jeremiya, Zvino chiisai mamvemve awa nenguvo dzakasakara muhapwa dzenyu munyasi. mamabote. Jeremiya akaita saizvozvo.
13Naizvozvo vakakwidza Jeremiya namabote, vakamubudisa mugomba, Jeremiya akagara muruvazhe rwavarindi.
14Ipapo mambo Zedhekia akatuma nhume akauyisa muporofita Jeremiya kwaari pamukova wechitatu uri mumba maJehovha; mambo akati kuna Jeremiya, Ndichakubvunza shoko; usandivanzira chinhu.
15Ipapo Jeremiya akati kuna Zedhekia, Kana ndikakuzivisai izvozvo, hamungatongondiurayi here? Kana ndikakupai zano, hamunganditeereri.
16Naizvozvo mambo Zedhekia wakapikira Jeremiya chinyararire, akati, NaJehovha mupenyu, wakatipa hupenyu uhwu, handingakuurayi, kana kukuisa mumaoko avanhu ava vanotsvaka kukuuraya.
17Ipapo Jeremiya akati kuna Zedhekia, Zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, Kana mukatenda kuenda kumachinda amambo weBhabhironi, mweya wenyu uchararama, neguta rino haringapiswi nomoto; imwi muchararama, neimba yenyu.
18Asi kana mukaramba kuenda kumachinda amambo mumaoko avaKaradhea, ivo vacharipisa nomoto, nemwi hamungapukunyuki pamaoko avo.
19Ipapo mambo Zedhekia akati kuna Jeremiya, Ndinotya vaJudha, vakatishandukira vakaenda kuvaKaradhea, zvimwe vangandiisa mumaoko avo, ivo vakandiseka.
20Asi Jeremiya wakati, Havangakusiiyi kwavari. Chiteererai henyu inzwi raJehovha, sezvandinokuudzai; ipapo muchava nomufaro, nomweya wenyu uchararama.
21Asi kana mukaramba kuenda, heri shoko randakaziviswa naJehovha,
22Tarirai, vakadzi vose vakasara mumba mamambo waJudha, vachabudisirwa kumachinda amambo weBhabhironi, zvino vakadzi avo vachati, Shamwari dzenyu dzinodikamwa nemwi ndidzo dzakakunyengerai, dzikakukundai, zvino tsoka dzenyu zvadzanyura mumatope, vokufuratirai.
23Vachabudisira vakadzi venyu vose navana venyu kuvaKaradhea; nemiwo hamungapukunyuki pamaoko avo asi muchabatwa noruoko rwamambo weBhabhironi; imwi muchapisisa guta rino nomoto.
24Ipapo Zedhekia akati kuna Jeremiya, Ngakurege kuva nomunhu unoziviswa mashoko awa, ipapo iwe haungaurawi.
25Asi kana machinda akanzwa kuti ndakataura newe, vakauya kwauri, vachiti, Chitizivisa zvino zvawaudza mambo, usativanzira izvozvo, isu tigosakuuraya; uyewo zvose zvawakaudzwa namambo.
26Ipapo uti kwavari, Ndakasvitsa munyengetero wangu kuna mambo, kuti arege kundidzosa kumba kwaJonatani, kuti ndifireko.
27Zvino machinda ose akauya kuna Jeremiya, akamubvunza, akavaudza mashoko awa ose sezvakanga zvarairwa namambo. Naizvozvo vakarega kuzotaura naye, nekuti shoko rakanga risina kuzikamwa.
28Naizvozvo Jeremiya wakaramba agere muruvazhe rwavarindi kusvikira zuva rakakundwa Jerusaremu.