Shona

Coptic: New Testament

Jeremiah

41

1Zvino nomwedzi wechinomwe Ishimaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama worudzi rwamambo, mumwe wavanyai vakuru vamambo, wakauya ana varume vane gumi naye kuna Gedharia mwanakomana waAhikami paMizipa, vakadyapo zvokudya pamwechete paMizipa.
2Ipapo Ishimaeri mwanakomana waNetania navarume vane gumi vaiva naye vakasimuka, vakabaya Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, nomunondo, vakamuuraya, iye wakange agadzwa namambo weBhabhironi ave mubati wenyika iyo.
3Ishimaeri akaurayawo vaJudha vose vaiva naye, naiye Gedharia paMizipa, navaKaradhea vakawanikwapo, vaiva varwi.
4Zvino nezuva rechipiri rokuuraya kwake Gedharia, kusisina munhu wakazviziva,
5vamwe varume vakasvikapo vachibva Shekemu neShiro neSamaria, varume vana makumi masere, ndebvu dzavo dzakaveurwa nenguvo dzavo dzakabvarurwa, vakanga vazvicheka-chekawo, vakabata mumaoko avo zvipiriso zvohupfu nezvinonhuhwira, kuti vazviise mumba maJehovha.
6Ipapo Ishimaeri mwanakomana waNetania wakabuda paMizipa kundovachingamidza, akafamba achingochema; zvino wakati achisangana navo, akati kavari, Uyai kuna Gedharia mwanakomana waAhikami.
7Zvino vakati vachisvika pakati peguta, Ishimaeri mwanakomana waNetania akavauraya, ndokuvakanda mukati megomba, iye navarume vaakanga anavo.
8Asi pakati pavo pakanga pana varume vane gumi vakati kuna Ishimaeri, Musatiuraya, nekuti tine zvimwe zvatakaviga kusango, zvinoti, gorosi nebhari nemafuta nehuchi. Naizvozvo akarega, akasavauraya pakati pehama dzavo.
9Zvino gomba iro makakandira Ishimaeri zvitunha zvavanhu vaakanga auraya, pamwechete naGedharia (ndiro rakanga raitwa namambo Asa nemhaka yokutya Bhaasha mambo waIsiraeri), Ishimaeri mwanakomana waNetania wakarizadza navakaurawa.
10Ipapo Ishimaeri akatapa vanhu vose vakanga vasara paMizipa, vakaiswa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, ivo vakunda vamambo, navanhu vose vakanga vasara paMizipa; Ishimaeri mwanakomana waNetania wakavatapa, akabvapo achida kuenda kuvana vaAmoni.
11Asi Johwanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo vaiva naye, vakati vachinzwa zvakaipa zvose zvakaitwa naIshimaeri mwanakomana waNetania,
12vakatora varume vose, vakandorwa naIshimaeri mwanakomana waNetania, vakamuwana ari pamvura zhinji iri paGibhiyoni.
13Zvino vanhu vose vaiva naIshimaeri vakati vachiona Johwanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo vaiva naye, vakafara.
14Naizvozvo vanhu vose vakanga vatapwa naIshimaeri paMizipa vakatendeuka vakadzoka, vakaenda kuna Johwanani mwanakomana waKarea.
15Asi Ishimaeri mwanakomana waNetania wakatiza Johwanani ana varume vasere, akaenda kuvana vaAmoni
16Ipapo Johwanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaiva naye vakatora vanhu vose vakanga vasara, vaakanga arwira kuna Ishimaeri mwanakomana waNetania paMizipa, ambouraya Gedharia mwanakomana waAhikami, vaiti, varume varwi navakadzi navana navaranda, vaakanga adzosa paGibhiyoni.
17Vakabva, vakandogara paGerutikimhami, riri paBheterehemu, vachiti vagozoenda Egipita,
18nokuda kwavaKaradhea, nekuti vakanga vachivatya, Ishimaeri mwanakomana waNetania zvaakauraya Gedharia mwanakomana waAhikami, wakange aitwa mubati wenyika iyo namambo weBhabhironi.