Shona

Coptic: New Testament

Jeremiah

42

1Zvino vakuru vose vehondo, naJohwanani mwanakomana waKarea naJezania mwanakomana waHoshaia, navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru, vakaswedera,
2vakati kumuporofita Jeremiya, Tinokumbira kuti munyengetero wedu usvitswe pamberi penyu, mutinyengeterere kuna Jehovha Mwari wenyu, munyengeterere ava vose vakasara (nokuti takasara tiri vashoma kuna vaiva vazhinji, sezvamunotiona nameso enyu),
3kuti Jehovha Mwari wenyu atiratidze nzira yatinofanira kufamba nayo nechinhu chatinofanira kuita.
4Ipapo muporofita Jeremiya akati kwavari, Ndakunzwai; tarirai, ndichanyengetera kuna Jehovha Mwari wenyu sezvamakareva namashoko enyu; zvino chinhu chipi nechipi chamunopindurwa naJehovha, ndichakuzivisai icho, handingatongokuvanziriyi chinhu.
5Ipapo vakati kuna Jeremiya, Jehovha ngaave chapupu chazvokwadi chakatendeka pakati pedu, kana tikarega kuita mashoko ose amunozotumwa nawo kwatiri naJehovha Mwari wenyu.
6Kana richinge rakanaka, kana richinge rakaipa, tichateerera inzwi raJehovha Mwari wedu, watinokutumirai kwaari; kuti tive nomufaro, kana tichiteerera inzwi raJehovha Mwari wedu.
7Zvino mazuva ane gumi akati apera, shoko raJehovha rikasvika kuna Jeremiya.
8Ipapo akadana Johwanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaiva naye navanhu vose, kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru,
9akati kwavari, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, wamakanditumira kwaari kuti ndisvitse munyengetero wenyu pamberi pake.
10Kana muchinge muchada kugara munyika ino, ini ndichakuvakai, handingakukoromoriyi, ndichakusimai, handingakudzuriyi; nekuti ndinozvidemba pamusoro pezvakaipa zvandakakuitirai.
11Musatya henyu mambo weBhabhironi, iye wamunotya; musatya henyu, ndizvo zvinotaura Jehovha; nekuti ndinemwi, kuti ndikuponesei nokukurwirai paruoko rwake.
12Ndichakunzwirai nyasha, kuti iye ave nenyasha nemi, akudzosei kunyika yenyu.
13Asi kana mukati, Hatidi kugara munyika ino, saizvozvo musingateereri inzwi raJehovha Mwari wenyu,
14muchiti, Kwete, tichaenda kunyika yeEgipita, kwatisingazooni kurwa, kana kunzwa inzwi rehwamanda, kana kunzwa nzara yezvokudya, tichandogarako;
15naizvozvo zvino chinzwai shoko raJehovha, imwi vakasara vaJudha, Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, kana muchiramba makarinzira zviso zvenyu kuti muende Egipita, kundogarako muri vatorwa;
16ipapo munondo wamunotya uchakubataipo panyika yeEgipita; nenzara yamunotya ichakutevererai kwazvo paEgipita, ndipapo pamuchandofira.
17Ndizvo zvichaitirwa varume vose vanorinzira zviso zvavo kuti vaende Egipita, kundogarako vari vatorwa; vachafa nomunondo, nenzara, uye nehosha; hakuna mumwe wavo uchasara kana kupukunyuka pazvakaipa zvandichauyisa pamusoro pavo.
18nekuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Kutsamwa kwangu nehasha dzangu sezvazvakadururwa pamusoro pavagere Jerusaremu, saizvozvo hasha dzangu dzichadururwa pamusoro penyu, kana muchipinda Egipita; muchava chinhu chinotukwa, nechishamiso, nechinomhurwa, nechinoshoorwa; nenzvimbo ino hamungazoionizve.
19Jehovha wakataura pamusoro penyu, imwi vakasara vaJudha, achiti, Regai kuenda Egipita; zivai kwazvo kuti ndakakupupurirai nhasi.
20nekuti makanyengera mweya yenyu; nekuti makanditumira kuna Jehovha Mwari wenyu, muchiti, Tinyengetererei kuna Jehovha Mwari wedu, zvose zvicharehwa naJehovha Mwari wedu, mutizivise izvozvo, tichazviita.
21Zvino nhasi ndakuzivisai izvozvo, asi hamuna kuteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu pachinhu chimwe chaakanditumira nacho kwamuri.
22Naizvozvo zvino zivai kwazvo kuti muchafa nomunondo, nenzara, uye nehosha yakaipa panzvimbo iyo yamunoda kuenda kwairi kundogarako muri vatorwa.