1Zvino Jeremiya wakati apedza kuudza vanhu mashoko ose aJehovha Mwari wavo, aakanga atumwa nawo kwavari naJehovha Mwari wavo, iwo mashoko awa ose,
2ipapo Azaria mwanakomana waHoshaia, naJohwanani mwanakomana waKarea, navarume vose, vaizvikudza, vakataura vachiti, kuna Jeremiya, Unoreva nhema, Jehovha Mwari wedu haana kukutuma kuzoti, Musaenda Egipita kundogarapo muri vatorwa;
3asi Bharuki mwanakomana waNeria ndiye unokumutsa pamusoro pedu, kuti tiiswe mumaoko avaKaradhea, kuti vatiuraye nokutitapira Bhabhironi.
4Naizvozvo Johwanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo, navanhu vose, havana kuteerera inzwi raJehovha, kuti vagare munyika yaJudha.
5Asi Johwanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo, vakatora vose vakasara vaJudha, vakanga vadzoka kumarudzi ose kwavakadzingirwa, vachida kugara vari vatorwa munyika yaJudha,
6vaiti, varume navakadzi navana navakunda vamambo nomunhu upi noupi akanga asiiwa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, pamwechete naJeremiya muporofita, naBharuki mwanakomana waNeria,
7vakandosvika kunyika yeEgipita; nekuti havana kuteerera inzwi raJehovha; vakandosvika Tapanesi.
8Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya paTapanesi, richiti,
9Tora mabwe makuru muruoko rwako, uavige muvhu pakati pezvitina, pavanopinda napo paimba yaFarao paTapanesi, vanhu vose vaJudha vachizviona;
10ugoti kwavari, Zvanzi naJehovha wehondo, mwari walsiraeri, Tarirai, ndichatuma shoko kundotora Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, muranda wangu, ndiise chigaro chake choushe pamusoro pamabwe awa andakaviga; uchawarira pamusoro pawo jira rake rinobwinya.
11Uchauya achirova nyika yeEgipita; vakafanira rufu vachaiswa kurufu, vakafanira kutapwa vachaiswa kukutapwa, vakafanira munondo vachaiswa kumunondo.
12Ndichabatidza moto mudzimba dzavamwari veEgipita; uchadzipisa nokuvatapa; uchafuka nyika yeEgipita somufudzi unofuka nguvo yake, uchabvapo norugare.
13Uchaputsawo shongwe dzeBhetishemeshi, riri munyika yeEgipita; dzimba dzavamwari veEgipita uchadzipisa nomoto.