1Shoko rakasvika kuna Jeremiya pamusoro pavaJudha vose vakanga vagere panyika vakanga vagere Migidhori neTapanesi neNofi nomunyika yePatirosi, richiti,
2Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari walsiraeri, Makaona zvakaipa zvose zvandakauyisa pamusoro peJerusaremu napamusoro pamaguta ose aJudha; zvino tarirai, nhasi ava matongo, hapachina munhu unogaramo,
3nemhaka yezvakashata zvavo zvavakaita, zvakanditsamwisa, vachindopisa zvinonhuhwira, nokushumira vamwe vamwari, vavakanga vasingazivi, ivo kana imwi kana madzibaba enyu.
4Asi ndakakutumirai varanda vangu vose vaporofita, ndichimuka mangwanani ndichivatuma, ndichiti, Haiwa, regai kuita chinhu ichi chinonyangadza, chandinovenga.
5Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo kuti vadzoke pazvakashata zvavo, vakarega kupisira vamwe vamwari zvinonhuhwira.
6Naizvozvo hasha dzangu nokutsamwa kwangu zvakadururwa, zvikatungidzwa mumaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu; zvino aparadzwa ava matongo, sezvazvakaita nhasi.
7Naizvozvo zvino zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, Munotadzirireiko mweya yenyu nechinhu chakaipa chikuru ichi, kuti muparadzirwe varume navakadzi navacheche navanomwa pakati paJudha, kuti murege kusarirwa nomumwe;
8zvamunonditsamwisa namabasa amaoko enyu, muchipisira vamwe vamwari zvinonhuhwira munyika yeEgipita kwamakaenda kundogara muri vatorwa; mugoparadzwa, muve chinotukwa nechinoshoorwa pakati pamarudzi ose enyika?
9Makangamwa here zvakashata zvamadzibaba enyu nezvakashata zvamadzimambo aJudha, nezvakashata zvavakadzi vavo, nezvakashata zvenyu, nezvakashata zvavakadzi venyu, zvavakaita munyika yaJudha nomunzira dzomuJerusaremu?
10Kusvikira zuva ranhasi havana kuzvininipisa, kana kutya, kana kufamba nomurayiro wangu kana nezviga zvangu, zvandakaisa pamberi penyu napamberi pamadzibaba enyu.
11Naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, Mwari walsiraeri, Tarirai, ndichakurinzirai chiso changu kuti ndikuitirei zvakaipa, kuti ndiparadze Judha rose.
12Ndichabvisa vakasara vose vaJudha, vakarinzira zviso zvavo kuti vaende kunyika yeEgipita kundogarako vari vatorwa, vachaparadzwa vose; vachaparadzwa nomunondo nenzara, vachafa nomunondo nenzara kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru; vachava chinhu chinotukwa, nechishamiso, nechinomhurwa, nechinoshoorwa.
13nekuti ndicharova vagere munyika yeEgipita, sezvandakarova Jerusaremu nomunondo nenzara uye nehosha yakaipa;
14kuti kurege kuva nomumwe wakasara waJudha, vakaenda kunyika yeEgipita kundogarako vari vatorwa, ungapukunyuka kana ungasara, kuti adzokere kunyika yaJudha, kwavanoshuva kudzokera kuti vagarekozve; nekuti hakuna ungadzokera, asi vakapukunyuka.
15Ipapo varume vose, vaiziva kuti vakadzi vavo vanopisira vamwe vamwari zvinonhuhwira, navakadzi vose, vakanga vamirepo, ungano huru, ivo vanhu vose vakanga vagere munyika yeEgipita, naPatirosi, vakapindura Jeremiya, vachiti,
16Kana riri shoko rawakatiudza nezita raJehovha, hatingakuteereri.
17Asi zvirokwazvo tichaita shoko rimwe nerimwe rakabuda mumiromo yedu, tichapisira vahosi vokudenga zvinonhuhwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, sezvatakaita isu namadzibaba edu namadzimambo edu namachinda edu, pamaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu; nekuti nenguva iyo taiva nezvokudya zvizhinji, taifara pamuviri, tikasaona njodzi.
18Asi kubvira panguva yatakarega kupisira vahosi vokudenga zvinonhuhwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, takashaiwa zvose, tikapedzwa nomunondo nenzara.
19Zvino panguva yatakapisira vahosi vokudenga zvinonhuhwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, ko taivaitira zvingwa zvokuvanamata nazvo, tikavadururira zvipiriso zvinodururwa, tisina varume vedu here?
20Ipapo Jeremiya akati kuvanhu vose, kuvarume nokuvakadzi, kuna ivo vanhu vose vakanga vamupindura saizvozvo, akati,
21Zvinonhuhwira zvamaipisa mumaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu, imwi namadzibaba enyu namadzimambo enyu namachinda enyu navanhu vose venyika, ko Jehovha haana kuzvirangarira here? Hazvina kufungwa mumoyo make here?
22Kusvikira Jehovha akakoniwa kuzova nomoyo murefu, nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu, uye nokuda kwezvinonyangadza zvamaiita; naizvozvo nyika yenyu rava dongo, nechinoshamisa nechinotukwa, isina unogaramo, sezvazvakaita zuva ranhasi.
23Zvamakapisa zvinonhuhwira, zvamakatadzira Jehovha, mukasateerera inzwi raJehovha, mukasafamba nomurayiro wake, kana nezviga zvake, kana nezvaakapupura, naizvozvo zvakaipa izvi zvakakuwirai, sezvazvakaita zuva ranhasi.
24Zvino Jeremiya akatiwo kuvanhu vose nokuvakadzi vose, Inzwai shoko raJehovha, imwi vaJudha vose vari munyika yeEgipita,
25Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Imi navakadzi venyu makataura nemiromo yenyu, mukazviita namaoko enyu, muchiti, Zvirokwazvo, mhiko dzedu dzatakapika tichadziita, kuti tichapisira vahosi vokudenga zvinonhuhwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa; zvino chisimbisai henyu mhiko dzenyu, itai henyu mhiko dzenyu.
26Zvino chinzwai shoko raJehovha, imwi vaJudha vose vagere munyika yeEgipita Tarirai, ndakapika nezita rangu guru ndizvo zvinotaura Jehovha kuti zita rangu harichazorehwi nomuromo womunhu upi noupi waJudha munyika yose yeEgipita, zvichinzi, NaIshe Jehovha mupenyu!
27Tarirai, ndinovarindira ndivaitire zvakaipa, ndirege kuvaitira zvakanaka; vanhu vose vaJudha vari munyika yeEgipita vachaparadzwa nomunondo nenzara, kusvikira vapera vose.
28Vanopukunyuka pamunondo vachabva munyika yeEgipita vachidzokera kunyika yaJudha, vava vashoma vakasara vose vaJudha vakanga vaenda kunyika yeEgipita kundogarako vari vatorwa, vachaziva kuti shoko richava nesimba nderani, rangu kana ravo.
29Zvino ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri ndizvo zvinotaura Jehovha kuti ndichakurovai panzvimbo ino, kuti muzive kuti mashoko angu achava nesimba kukuitirai zvakaipa.
30Zvanzi naJehovha, Tarirai, ndichaisa Farao Hofira mambo weEgipita, mumaoko avavengi vake, nomumaoko avanotsvaka kumuuraya, sezvandakaisa Zedhekia mambo waJudha mumaoko aNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, waiva muvengi wake, waitsvaka kumuuraya.