Shona

Coptic: New Testament

Jeremiah

45

1Shoko, rakataurwa nomuporofita Jeremiya kuna Bharuki mwanakomana waNeria, panguva yaakanyora mashoko awa mubhuku, zvichibva mumuromo waJeremiya, negore rechina raJehoiakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, richiti,
2Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, kwauri, iwe Bharuki,
3iwe wakati, Ndine nhamo zvino, nekuti Jehovha wakawedzera kuchema pakurwadziwa kwangu; ndaneta nokugomera kwangu, ndinoshaiwa zororo.
4Zvino chiti, kwaari, Zvanzi naJehovha, tarira, chandakavaka ndichachikoromorazve, chandakasima ndichachidzurazve; ndizvo zvandichaitira nyika yose.
5Iwe unozvitsvakira zvinhu zvikuru here? Usazvitsvaka; nekuti tarira, ndichauyisa zvakaipa pamusoro penyama yose ndizvo zvinotaura Jehovha; asi ndichakupa hupenyu hwako chive chinhu chakapambwa panzvimbo dzose kwaunoenda.