Shona

Coptic: New Testament

Jeremiah

46

1Shoko raJehovha, rakasvika kumuporofita Jeremiya pamusoro pamarudzi.
2Pamusoro peEgipita; pamusoro pehondo yaFaraoneko mambo weEgipita, yakanga iri parwizi Yufuratesi paKarikemishi, yakakundwa naNebhukadhirezari mambo weBhabhironi negore rechina raJehoiakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha.
3Gadzirai nhovo duku nenhovo huru, muswedere kunorwiwa.
4Sungai mabhiza, kwirai imwi vatasvi mumire makadzika ngowani dzenyu; rodzai mapfumo, pfekai nguvo dzamatare.
5Ndakazviwonereiko? Vakanganiswa, vadzokera shure; mhare dzavo dzakundwa, dzatiza, hadzicheukiri shure, kutya kuri pamativi ose, ndizvo zvinotaura Jehovha.
6Vanomhanyisa ngavarege kutiza, mhare ngadzirege kupukunyuka; kurutivi rwokumusoro, parwizi rwaYufuratesi, vakagumburwa vakawira pasi.
7Ndianiko uyo unokwira sorwizi rwaNairi, mvura yarwo inotamba senzizi?
8Egipita rinokwira saNairi, mvura yarwo inotamba senzizi; rinoti, Ndichakwira, ndichafukidza nyika, ndichaparadza maguta navageremo.
9Kwirai, imwi mabhiza, fambisai imwi ngoro, mhare ngadzibude, vanoti, Kushi naPuti vanoshonga nhovo, navaRudhi vanobata nokuwembura huta.
10nekuti zuva iro izuva raShe, Jehovha wehondo, zuva rokutsiva kuti azvitsivire vadzivisi vake; munondo uchadya nokuguta, uchamwa ropa ravo ukaguta, nekuti Ishe, Jehovha wehondo, unechibayiro chake kunyika yokumusoro parwizi rwaYufuratesi.
11Kwira uende Giriyadhi, undotorako muti webharisami, iwe mhandara, mukunda weEgipita; wawanza mishonga mizhinji isina maturo, hauporeswi.
12Marudzi akanzwa zvokunyadziswa kwako, nyika izere nokuchema kwako; nekuti mhare dzakabonderana nemhare, vose vaviri vakawira pasi.
13Shoko, rakaudzwa muporofita Jeremiya naJehovha, richireva muuyire waNebhukadhirezari mambo weBhabhironi nomukundire wake nyika yeEgipita.
14Paridzirai paEgipita, zivisai paMigidhori, zivisai paNofi napaTapanesi, muti, Simukai muzvigadzire, nekuti munondo wakadya zviri kumativi ako ose.
15Mhare dzako dzakabviswa neiko? Havana kumira, nekuti Jehovha wakavadzinga.
16Wakagumbusa vazhinji, zvirokwazvo mumwe wakawira pamusoro pomumwe; vakati, Simukai, tiendezve kuvanhu vedu, nokunyika kwatakaberekerwa, titize munondo unomanikidza.
17Vakadanidzirako, vachiti, Farao mambo weEgipita iguhu zvaro, wakarega nguva yakatarwa ichipfuura.
18Nohupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura mambo une zita rinonzi Jehovha wehondo, Zvirokwazvo uchauya akaita seTabhori pakati pamakomo, uye seKarimeri pagungwa.
19Iwe mukunda unogara Egipita, zvigadzirire kutapwa, nekuti Nofi richaitwa dongo, richapiswa, risina unogaramo.
20Egipita imhorombe yakaisvonaka, asi vuvu rinobva kurutivi rwokumusoro rasvika, rasvika.
21Navanhu varo vanoripirwa, vari mukati maro, vakafanana nemhuru dzomudanga, nekuti naivo vakadzoka, vakatiza pamwechete, havana kumira; nekuti zuva renjodzi yavo rakauya pamusoro pavo, iyo nguva yokurohwa kwavo.
22Mubvumo waro uchava sowenyoka, nekuti vachafamba nehondo, vachandorwa navo namatemo, savatemi vemiti.
23Vachatema dondo raro, ndizvo zvinotaura Jehovha, nekuti havanganzverwi, nekuti vakawanda kupfuura mhashu, havangaverengwi.
24Mukunda weEgipita uchanyadziswa, uchaiswa mumaoko avanhu vanobva kurutivi rwokumusoro.
25Jehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, unoti, Tarirai, ndicharova Amoni weNo, naFarao, neEgipita navamwari varo, namadzimambo aro, iye Farao navose vanovimba naye.
26Ndichavaisa mumaoko avanotsvaka kuvauraya, nomumaoko aNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, nomumaoko avaranda vake; zvino pashure richagarwa, sapamazuva akare ndizvo zvinotaura Jehovha.
27Asi usatya hako, iwe Jakove, muranda wangu, usavhunduswa, iwe Isiraeri; nekuti tarira, ndichakuponesa uri kure, navana vako vari panyika kwavakatapirwa; Jakove uchadzoka, uchanyarara nokuzorora, hakuna ungamutyisa.
28Usatya hako, iwe Jakove, muranda wangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, nekuti ndinewe; nekuti ndichapedza kwazvo marudzi ose kwandakakudzingira; asi iwe handingakupedzi, asi ndichakuranga ndichiita nokururama, handingakuregi usina kurohwa.