Shona

Croatian

Acts

13

1Zvino paivapo paAndiyokiya mukereke vamwe vaporofita nevadzidzisi, Bhanabhasi naSimioniwo wainzi Nigeri, naRukio muKurini, naManaeni wakange arerwa pamwe naHerodhe umwe wevatungamiriri vana, naSauro.
1U antiohijskoj je Crkvi bilo proroka i učitelja: Barnaba, Šimun zvani Niger, Lucije Cirenac, Manahen, suothranjenik Heroda četverovlasnika, i Savao.
2Vakati vachishumira kuna Ishe nekutsanya, Mweya Mutsvene ukati: Nditsaurirei Banabhasi pamwe naSauro pabasa randakavadanira.
2Dok su jednom obavljali službu Božju i postili, reče Duh Sveti: "De mi odlučite Barnabu i Savla za djelo na koje sam ih pozvao."
3Ipapo vatsanya nekunyengetera nekuisa maoko pamusoro pavo, vakavaendesa.
3Onda su postili, molili, položili na njih ruke i otpustili ih.
4Naizvozvo zvirokwazvo ivo vakati vatumwa neMweya Mutsvene, vakaburukira Serukia, vakabvapowo vakaenda kuSaipuresi nechikepe.
4Poslani od Svetoga Duha siđu u Seleuciju, a odande odjedre na Cipar.
5Zvino vasvika paSarami, vakaparidza shoko raMwari mumasinagoge evaJudha; uye vakange vanaJohwaniwo mubatsiri.
5Kad se nađoše u Salamini, navješćivahu riječ Božju u židovskim sinagogama. Imali su i Ivana za poslužitelja.
6Zvino vakati vagura nemuchiwi kusvikira paPafosi, vakawana imwe n'anga, muporofita wenhema, muJudha, zita rake rainzi Bhari-Jesu.
6Pošto pak prođoše sav otok do Pafa, nađoše nekog vračara, nazoviproroka, Židova, imenom Barjesu.
7Wainge ane mutungamiriri Sejiyo Pauro, murume wakachenjera. Iye wakadanira kwaari Bhanabhasi naSauro akatsvaka kunzwa shoko raMwari.
7On bijaše uz namjesnika Sergija Pavla, čovjeka razborita. Sergije dozva Barnabu i Savla te zaiska čuti riječ Božju,
8Asi Erimasi n'anga, nekuti ndiro zita rake kana zvichishandurwa, akavapikisa, achitsvaka kutsausa mutungamiriri parutendo.
8ali im se usprotivi Elim, Vračar - tako mu se ime prevodi - nastojeći odvratiti namjesnika od vjere.
9Asi Sauro, ndiye Paurowo, azadzwa neMweya Mutsvene, uye amutarisisa,
9Savao pak, zvan i Pavao, pun Duha Svetoga, ošinu ga pogledom
10wakati: Iwe uzere nekubiridzira kose nekunyengera kose, mwanakomana wadhiabhorosi, muvengi wekururama kose, haugumi here kutsausa nzira dzakarurama dzaIshe?
10i reče: "Pun svake lukavosti i prevrtljivosti, sine đavolski, neprijatelju svake pravednosti, zar nikako da prestaneš iskrivljavati ravne putove Gospodnje?
11Uye ikozvino tarira, ruoko rwaIshe rwuri pamusoro pako, uye uchava bofu, usingaoni zuva kwenguva. Pakarepo mhute nerima zvakamuwira, akatenderera achitsvaka vangamutungamirira neruoko.
11Evo stoga sada ruke Gospodnje na tebi: oslijepljet ćeš i neko vrijeme nećeš gledati sunca!" Odmah pade na nj mrak i tama te on glavinjajući stade tražiti ruke vodilje.
12Panguva iyo mutungamiriri wakati aona zvakaitika akatenda, achishamiswa nedzidziso yaIshe.
12Videći što se dogodilo, povjerova tada namjesnik, zanesen naukom Gospodnjim.
13Zvino Pauro nevaiva naye vakabva Pafosi nechikepe vakasvika paPega muPamufiriya. Asi Johwani wakabva kwavari akadzokera kuJerusarema.
13Pošto se Pavao i oni oko njega otisnuše od Pafa, stigoše u Pergu pamfilijsku. Ivan ih napusti te se vrati u Jeruzalem.
14Asi ivo vakati vagura vachibva paPega, vakasvika kuAndiyokiya muPisidhiya; vakapinda musinagoge nezuva resabata, vakagara pasi.
14Oni pak krenuše iz Perge i stigoše u Antiohiju pizidijsku. U dan subotni ušli su u sinagogu i sjeli.
15Zvino shure kwekuverengwa kwemurairo nevaporofita, vakuru vesinagoge vakatumira kwavari, vachiti: Varume hama, kana kune shoko mukati menyu rekuridziro kuvanhu, taurai.
15Nakon čitanja Zakona i Proroka pošalju nadstojnici sinagoge k njima: "Braćo, rekoše, ima li u vas koja riječ utjehe za narod, govorite!"
16Zvino Pauro wakasimuka, ndokuninira neruoko, akati: Varume vaIsraeri, nemwi munotya Mwari, teererai.
16Nato usta Pavao, dadne rukom znak i reče: "Izraelci i vi koji se Boga bojite, čujte!
17Mwari wevanhu urwu rwaIsraeri wakasarudza madzibaba edu, akakudza vanhu vachiri vatorwa munyika yeEgipita, uye neruoko rwakakwirira akavabudisa mairi.
17Bog naroda ovoga, Izraela, izabra oce naše i uzdiže narod za boravka u zemlji egipatskoj te ga ispruženom rukom izvede iz nje.
18Uye akava nemoyo murefu nemaitiro avo nguva inene makore makumi mana murenje.
18Oko četrdeset ga je godina na rukama nosio u pustinji
19Zvino wakati aparadza marudzi manomwe munyika yeKanani, akavagovera nyika yavo nemujenya.
19pa pošto zatre sedam naroda u zemlji kanaanskoj, ubaštini ga u zemlji njihovoj
20Zvino shure kweizvozvo, makore anenge mazana mana nemakumi mashanu, wakavapa vatongi kusvikira kuna Samueri muporofita.
20za kakve četiri stotine i pedeset godina. Nakon toga dade im suce - do Samuela proroka.
21Uye kubvira ipapo vakakumbira mambo; Mwari ndokuvapa Sauro mwanakaomana waKishi, murume werudzi rwaBenjamini, kwemakore makumi mana.
21Onda zaiskaše kralja pa im Bog za četrdeset godina dade Šaula, sina Kiševa, iz plemena Benjaminova.
22Zvino wakati amubvisa, wakavamutsira Dhavhidhi kuva mambo, waakapupurirawo akati: Ndawana Dhavhidhi waJese, murume unoenderana nemoyo wangu, uchaita chido changu chose.
22Pošto svrgnu njega, podiže im za kralja Davida za kojega posvjedoči: Nađoh Davida, sina Jišajeva, čovjeka po svom srcu, koji će ispuniti sve moje želje.
23Pambeu yeuyu sechivimbiso, Mwari wakamutsira Israeri Muponesi Jesu;
23Iz njegova potomstva izvede Bog po svom obećanju Izraelu Spasitelja, Isusa.
24iye asati asvika Johwani wakaparidza pakutanga rubhabhatidzo rwekutendeuka kuvanhu vose vaIsraeri.
24Pred njegovim je dolaskom Ivan propovijedao krštenje obraćenja svemu narodu izraelskomu.
25Zvino Johwani wakati azadzisa rwendo rwake, akati: Munofunga kuti ndini ani? Ini handisi iye, asi tarirai, shure kwangu unouya, wandisakafanira kusunungura shangu dzetsoka dzake.
25A kad je Ivan dovršavao svoju trku, govorio je: 'Nisam ja onaj za koga me vi držite. Nego za mnom evo dolazi onaj komu ja nisam dostojan odriješiti obuće na nogama.'"
26Varume hama, vana verudzi rwaAbhurahamu, neavo pakati penyu vanotya Mwari, shoko reruponeso urwu ratumirwa kwamuri.
26"Braćo, sinovi roda Abrahamova, vi i oni koji se među vama Boga boje, nama je upravljena ova Riječ spasenja.
27Nekuti avo vanogara muJerusarema nevatungamiriri vavo havana kumuziva uyu, kana manzwi evaporofita anoverengwa zuva resabata rimwe nerimwe vakaazadzisa pakumurasha;
27Doista, žitelji Jeruzalema i glavari njihovi ne upoznaše njega ni riječi proročkih što se čitaju svake subote pa ih, osudivši ga, ispuniše.
28uye kunyange vasina kuwana mhosva yerufu, vakakumbira kuna Pirato kuti aurawe.
28Premda ne nađoše nikakva razloga smrti, zatražiše od Pilata da ga smakne.
29Zvino vakati vapedza zvose zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuradzika muguva.
29Pošto pak izvršiše sve što je o njemu napisano, skinuše ga s drveta i položiše u grob.
30Asi Mwari wakamumutsa kuvakafa;
30Ali Bog ga uskrisi od mrtvih.
31iye wakaonekwa mazuva mazhinji neavo vakange vakwira naye kuJerusarema vachibva Garirea, vari zvapupu zvake kuvanhu.
31On se mnogo dana ukazivao onima koji s njim bijahu uzašli iz Galileje u Jeruzalem. Oni su sada njegovi svjedoci pred narodom."
32Nesu tinoparidza kwamuri mashoko emufaro echivimbiso chakaitwa kumadzibaba,
32"I mi vam navješćujemo evanđelje: obećanje dano ocima
33kuti Mwari wakazadzisa ichocho kwatiri, isu vana vavo, pakuti wakamutsazve Jesu sezvazvakanyorwawo mupisarema rechipiri kuti: Iwe uri mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka.
33Bog je ispunio djeci, nama, uskrisivši Isusa, kao što je i pisano u Psalmu drugom: Ti si Sin moj, danas te rodih.
34Zvino zvekuti wakamumutsa kuvakafa, asadzokerazve kukuora, wakareva sezvizvi: Ndichakupai maropafadzo matsvene anovimbika aDhavhidhi.
34Da ga pak uskrisi od mrtvih te se on više nikad neće vratiti u trulež, rekao je ovime: Dat ću vama svetinje Davidove, pouzdane.
35Naizvozvo unoti pane imwe nzvimbo: Hamungapi Mutsvene wenyu kuti aone kuora;
35Zato i na drugome mjestu kaže: Nećeš dati da Svetac tvoj ugleda truleži.
36nekuti Dhavhidhi, ashumira zano raMwari pazera rake wakarara, uye wakaradzikwa kumadzibaba ake, ndokuona kuora;
36David doista, pošto u svom naraštaju posluži volji Božjoj, preminu, pridruži se ocima svojim i vidje trulež,
37asi Mwari waakamutsa, haana kuona kuora.
37a Onaj koga Bog uskrisi ne vidje truleži.
38Naizvozvo ngazvizikamwe kwamuri, varume hama, kuti neuyu kangamwiro yezvivi inoparidzirwa imwi;
38/
39uye neuyu vose vanotenda vanonzi havana mhosva pazvinhu zvose zvamakange musingagoni kushaiswa mhosva pazviri nemurairo waMozisi.
39Neka vam dakle braćo, znano bude: po Ovome vam se navješćuje oproštenje grijeha! Po Ovome se tko god vjeruje, opravdava od svega od čega se po Mojsijevu zakonu niste mogli opravdati!
40Naizvozvo onai kuti zvirege kuwira pamusoro penyu zvakarehwa muvaporofita, zvinoti:
40Pazite da se ne zbude što je rečeno u Prorocima:
41Tarirai, imwi vazvidzi, uye mushamiswe, nekuparara; nekuti ini ndinobata basa pamazuva enyu, basa ramusingatozombotendi, kunyange muchirirondedzerwa nemunhu.
41Obazrite se, preziratelji, snebijte se i nestanite! Jer djelo činim u dane vaše, djelo u koje ne biste vjerovali da vam ga tko ispriča."
42Zvino pakubuda kwevaJudha musinagoge, vahedheni vakakumbira kuti mashoko awa aparidzwe kwavari pasabata raitevera.
42Na izlasku su ih molili da im iduće subote o tome govore.
43Zvino vesinagoge vakati vapera, vazhinji vevaJudha nevakatendeukira kuvaJudha vainamata vakatevera Pauro naBhanabhasi; ivo vakataura kwavari, vachivakumbira kuti varambire munyasha dzaMwari.
43A pošto se skup raspustio, mnogi Židovi i bogobojazne pridošlice pođoše za Pavlom i Barnabom koji su ih nagovarali ustrajati u milosti Božjoj.
44Zvino nesabata rakatevera guta rinenge rose rakaungana kuzonzwa shoko raMwari.
44Iduće se subote gotovo sav grad zgrnu čuti riječ Gospodnju.
45Zvino vaJudha vakati vachiona zvaunga vakazadzwa negodo, vakapikisa zvinhu zvakarehwa naPauro, vachipikisa uye vachinyomba.
45Kad su Židovi ugledali mnoštvo, puni zavisti psujući suprotstavljali su se onomu što je Pavao govorio.
46Asi Pauro naBhanabhasi vachitaura vakashinga vakati: Zvakange zvakafanira kuti shoko raMwari ritaurirwe kwamuri pakutanga; asi zvamarininira kure, uye mazvitongera kusafanira upenyu hwusingaperi, tarirai, zvino tinotendeukira kuvahedheni.
46Na to im Pavao i Barnaba smjelo rekoše: "Trebalo je da se najprije vama navijesti riječ Božja. Ali kad je odbacujete i sami sebe ne smatrate dostojnima života vječnoga, obraćamo se evo poganima.
47Nekuti Ishe wakatiraira saizvozvo achiti: Ndakakugadza kuva chiedza chevahedheni, Kuti uve weruponeso kusvikira kumugumo wenyika.
47Jer ovako nam je zapovjedio Gospodin: Postavih te za svjetlost poganima, da budeš na spasenje do nakraj zemlje.
48Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvi vakafara, uye vakakudza shoko raIshe, neuwandu hwevose vakange vatarirwa upenyu husingaperi vakatenda;
48Pogani koji su slušali radovali su se i slavili riječ Gospodnju te povjerovaše oni koji bijahu određeni za život vječni.
49uye shoko raIshe rikaparadzirwa kudunhu rose.
49Riječ se pak Gospodnja pronese po svoj onoj pokrajini.
50Asi vaJudha vakamutsa vakadzi vaishumira vaikudzwa, nevarume vakuru veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi rushusho, vakavadzinga kubva kumiganhu yavo.
50Ali Židovi potakoše ugledne bogobojazne žene i prvake gradske te zametnuše progon protiv Pavla i Barnabe pa ih izbaciše iz svoga kraja.
51Asi ivo vakavazuzira guruva retsoka dzavo, vakasvika Ikoniyamu.
51Oni pak stresu prašinu s nogu protiv njih pa odu u Ikonij.
52Zvino vadzidzi vakazadzwa nemufaro neMweya Mutsvene.
52A učenici su se ispunjali radošću i Duhom Svetim.