1Zvino zvakaitika paIkoniyamu, vakapinda pamwe musinagoge revaJudha, vakataura zvokuti chaunga chikuru chevaJudha nechevaGiriki chakatenda.
1U Ikoniju isto tako uđoše u židovsku sinagogu i govorahu tako da povjerova veliko mnoštvo Židova i Grka.
2Asi vaJudha vasingatendi vakamutsa nekuipisa moyo yevahedheni kuvapesanisa nehama.
2Ali nepokorni Židovi razdražiše i podjariše pogane protiv braće.
3Naizvozvo vakagara nguva refu vachitaura vakashinga muna Ishe unopupurira shoko renyasha dzake, uye unovapa kuita zviratidzo nezvishamiso nemaoko avo.
3Oni se ipak zadržaše duže vremena, smjeli u Gospodinu koji je svjedočio za Riječ milosti svoje, davao da se po njihovim rukama događaju znamenja i čudesa.
4Asi chaunga cheguta chakakamurwa; vamwe ndokuva nevaJudha, vamwe nevaapositori.
4Mnoštvo se gradsko podvoji: jedni bijahu za Židove, drugi za apostole.
5Zvino kwakati kwava nekushusha kwevahedheni nekwevaJudhawo nevatungamiriri vavo, kuvabata zvakaipa nekuvataka nemabwe,
5Pogani i Židovi sa svojim glavarima navališe da zlostave i kamenuju apostole.
6vakati vazviziva, vakatizira kumaguta eRikaonia, Ristra neDhebhe, nekudunhu rakapoteredza;
6Kada to opaziše, prebjegoše oni u likaonske gradove Listru i Derbu i okolicu.
7neipapo vakaparidza evhangeri.
7Ondje su navješćivali evanđelje.
8Zvino paRistra paigara umwe murume wakange asina simba patsoka dzake, ari chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba.
8U Listri je sjedio neki čovjek uzetih nogu, hrom od majčine utrobe; nikada nije hodao.
9Uyo wakanzwa Pauro achitaura; iye akamutarisisa, akaona kuti une rutendo kuti aporeswe,
9Čuo je Pavla gdje govori.
10akati nenzwi guru: Simuka, uti tasa netsoka dzako. Zvino akakwakuka akafamba.
10Pavao ga pronikne pogledom, vidje da ima vjeru u spasenje pa mu iza glasa reče: "Uspravi se na noge!" On skoči i prohoda.
11Zvino zvaunga, zvakati zvaona Pauro zvaakange aita, zvakasimudza manzwi azvo zvichiti nerurimi rwechiRikaonia: Vamwari vaburukira kwatiri vakafanana nevanhu.
11Kad mnoštvo ugleda što učini Pavao, povika likaonski: "Bogovi u ljudskom obličju siđoše k nama!"
12Bhanabhasi vakamutumidzawo Zeusi, naPauro Hemesi, nekuti ndiye waiva mutungamiriri wekutaura.
12I nazvaše Barnabu Zeusom, a Pavla Hermesom jer je Pavao vodio riječ.
13Zvino mupristi waZeusi waiva pamberi peguta ravo, wakauisa nzombe nezvishongo pamisuwo, achida kubayira pamwe nechaunga.
13A svećenik Zeusa Predgradskoga dovede pred vrata bikove i vijence te u zajednici s narodom htjede žrtvovati.
14Asi vaapositori Bhanabhasi naPauro vakati vanzwa, vakabvarura nguvo dzavo, vakamhanyira pakati pechaunga, vachidanidzira,
14Kada su to dočuli apostoli Barnaba i Pavao, razdriješe haljine i uletješe u narod vičući:
15ndokuti: Varume, munoitirei zvinhu izvi? Isuwo tiri vanhu vane manzwiro mamwe nemwi, tinokuparidzirai mashoko akanaka kuti pane izvozvi zvisina maturo mutendeukire kuna Mwari mupenyu, wakaita denga nepasi negungwa nezvinhu zvose zviri mazviri.
15"Ljudi, što to radite? I mi smo smrtnici, baš kao i vi! Navješćujemo vam da se od tih ispraznosti obratite k Bogu živomu koji stvori nebo i zemlju, more i sve što je u njima.
16Iye pamazera akapfuura wakatendera vahedheni vose kufamba nenzira dzavo.
16On je u prošlim naraštajima pustio da svi pogani pođu svojim putovima.
17Zvakadaro haana kuzvisiya asina uchapupu, pakuti wakaita zvakanaka nekutipa mvura kubva kudenga nenguva dzezvibereko, achizadza moyo yedu nechikafu nemufaro.
17Ipak ne ostavi sebe neposvjedočena: dobročinstva iskazuje, s neba vam kišu daje i vremena plodonosna, napunja hranom i radošću srca vaša."
18Zvino vachitaura zvinhu izvi, zvairema kwazvo kugumisa zvaunga kubayira kwavari.
18I tako govoreći, jedva sklonuše mnoštvo da im ne žrtvuje.
19Asi kwakasvika vaJudha vakabva Andiyokiya neIkoniyamu, vanyengetedza zvaunga, zvino vakati vataka Pauro nemabwe, vakamukwevera kunze kweguta, vachiti wafa.
19Uto iz Antiohije i Ikonija nadođu neki Židovi, pridobiju svjetinu te kamenuju Pavla i odvuku ga izvan grada misleći da je mrtav.
20Asi vadzidzi vakati vamuunganira, akasimuka akapinda muguta; zvino chifume akasimuka naBhanabhasi akaenda kuDhebhe.
20Kad ga pak okružiše učenici, usta on i uđe u grad. Sutradan ode s Barnabom u Derbu.
21Vakati vaparidzawo evhangeri kuguta iro, uye vaita vazhinji vadzidzi, vakadzokera kuRistra neIkoniyamu neAndiyokiya,
21Pošto navijestiše evanđelje tomu gradu i mnoge učiniše učenicima, vratiše se u Listru, u Ikonij i u Antiohiju.
22vachisimbisa mweya yevadzidzi, vachivakurudzira kurambira parutendo, uye kuti tinofanira kupinda muushe hwaMwari nemumatambudziko mazhinji.
22Učvršćivali su duše učenika bodreći ih da ustraju u vjeri jer da nam je kroz mnoge nevolje ući u kraljevstvo Božje.
23Zvino vakati vavagadzira vakuru pakereke imwe neimwe, vanyengetera nekutsanya, vakavakumikidza kuna Ishe, wavaitenda kwaari.
23Postavljali su im po crkvama starješine te ih, nakon molitve i posta, povjeravahu Gospodinu u kojega su povjerovali.
24Zvino vakati vagura nePisidhiya vakasvika Pamufiriya.
24Pošto su prešli Pizidiju, stigoše u Pamfiliju.
25Uye vakati vaparidza shoko paPega, vakaburukira Ataria;
25U Pergi navijestiše Riječ pa siđu u Ataliju.
26vakabvapo nechikepe vakaenda kuAndiyokiya, apo pavakange vakumikidzwa munyasha dzaMwari kubata basa ravakange vapedzisa.
26Odande pak odjedriše u Antiohiju, odakle ono bijahu povjereni milosti Božjoj za djelo koje izvršiše.
27Vakatiwo vasvika vakaunganidza kereke, vakarondedzera zvose Mwari zvakange aita kubudikidza navo, uye kuti wakange azarurira sei mukova werutendo vahedheni.
27Kada stigoše, sabraše Crkvu i pripovjediše što sve učini Bog po njima: da i poganima otvori vrata vjere.
28Ipapo vakagara nguva isati iri pfupi nevadzidzi.
28I proveli su nemalo vremena s učenicima.