Shona

Croatian

Genesis

22

1Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi kuti Mwari wakaedza Abhurahamu akati kwaari: Abhurahamu! Iye ndokuti: Tarirai, ndiri pano.
1Poslije tih događaja Bog stavi Abrahama na kušnju. Zovnu ga: "Abrahame!" On odgovori: "Evo me!"
2Ndokuti: Zvino tora mwanakomana wako, wako umwe chete, waunoda, Isaka, uende kunyika yeMoria; umupe ave chibayiro chinopiswa pamusoro perimwe gomo randichakuudza.
2Bog nastavi: "Uzmi svoga sina, jedinca svoga Izaka koga ljubiš, i pođi u krajinu Moriju pa ga ondje prinesi kao žrtvu paljenicu na brdu koje ću ti pokazati."
3Abhurahamu ndokumuka mangwa­nani-ngwanani, akasungira chigara padhongi rake, akatora vaviri vemajaya ake naye, naIsaka mwanakomana wake. Zvino wakatsemura huni dzechiba­yiro chinopiswa, ndokusimuka, ndokuenda kunzvimbo Mwari yaakamuudza.
3Ujutro Abraham podrani, osamari magarca, sa sobom povede dvojicu svojih slugu i svog sina Izaka, pošto je prije nacijepao drva za žrtvu paljenicu, i uputi se na mjesto koje mu je Bog označio.
4Zvino nemusi wetatu Abhurahamu waka­simudza meso ake, akaona nzvimbo iri kure.
4Treći dan Abraham podigne oči i opazi mjesto izdaleka.
5Abhurahamu ndokuti kumajaya ake: Imwi chigarai henyu pano nembo­ngoro, ini nemukomana tichienda uko nekunoshumira, tigodzoka kwamuri.
5Abraham onda reče slugama: "Vi ostanite ovdje uz magarca, a ja i dječak odosmo gore da se poklonimo, pa ćemo se vratiti k vama".
6Abhurahamu ndokutora huni dzechi­bayiro chinopiswa, akadzitakudza Isaka mwanakomana wake; ndokutora moto neba­nga muruoko rwake, ndokuenda vari va­viri.
6Abraham uzme drva za žrtvu paljenicu, stavi ih na sina Izaka, a u svoju ruku uzme kremen i nož. Tako pođu obojica zajedno.
7Isaka ndokutaura naAbhurahamu baba vake akati: Baba vangu! Iye ndokuti: Ndiri pano, mwana wangu. ndokuti: Tarirai, moto nehuni, asi gwayana rechibayiro chinopiswa riripi?
7Onda Izak reče svome ocu Abrahamu: "Oče!" "Evo me, sine!" - javi se on. "Evo kremena i drva," opet će sin, "ali gdje je janje za žrtvu paljenicu?"
8Abhurahamu ndokuti: Mwari ucha­zvipa gwayana rechibayiro chinopiswa, mwanakomana wangu; saizvozvo vakafamba vari vaviri pamwe.
8"Bog će već providjeti janje za žrtvu paljenicu, sine moj!" - odgovori Abraham. I nastave put.
9Zvino vakasvika panzvimbo Mwari yaakange avaudza; Abhurahamu ndokuvakapo aritari; ndokugadzira huni; ndokusunga Isaka mwanakomana wake, ndokumuisa paaritari pamu­soro pehuni.
9Stignu na mjesto o kojemu je Bog govorio. Ondje Abraham podigne žrtvenik, naslaže drva, sveže svog sina Izaka i položi ga po drvima na žrtvenik.
10Zvino Abhurahamu wakata­mbanudza ruoko rwake, ndokutora banga kuti abaye mwanakomana wake.
10Pruži sad Abraham ruku i uzme nož da zakolje svog sina.
11Zvino mutumwa waJehovha wakadanidzira kwaari ari kumatenga akati: Abhurahamu! Abhurahamu! Iye ndokuti: Ndiri pano.
11Uto ga zovne s neba anđeo Jahvin i poviče: "Abrahame! Abrahame!" "Evo me!" - odgovori on.
12Zvino wakati: Usaisa ruoko rwako pamukomana, kana kumuitira chinhu, nekuti ikozvino ndinoziva kuti unotya Mwari, sezvo usina kundinyima mwanakomana wako, wako umwe chete.
12"Ne spuštaj ruku na dječaka", reče, "niti mu što čini! Sad, evo, znam da se Boga bojiš, jer nisi uskratio ni svog sina, jedinca svoga."
13Abhurahamu ndokusimudza meso ake, ndokutarira, ndokuona shure gondohwe rakange rakabatwa mufomwe nenyanga dzaro. Abhurahamu ndokunotora gondohwe riya, akaripisa chikava chiba­yiro panzvimbo yemwanakomana wake.
13Podiže Abraham oči i pogleda, i gle - za njim ovan, rogovima se zapleo u grmu. Tako Abraham ode, uzme ovna i prinese ga za žrtvu paljenicu mjesto svoga sina.
14Abhurahamu ndokutumidza zita renzvimbo iyo kuti Jehovha-jire; sezvo kuchinzi nanhasi, Pagomo raJehovha zvicharangarirwa.
14Onome mjestu Abraham dade ime "Jahve proviđa". Zato se danas veli: "Na brdu Jahvina proviđanja."
15Zvino mutumwa waJehovha waka­danidzira kuna Abhurahamu rwechipiri, ari kumate­nga,
15Anđeo Jahvin zovne Abrahama s neba drugi put
16ndokuti: Ndakapika neni ndomene, ndizvo zvinoreva Jehovha, nekuti waita chinhi ichi, ukasanyima mwanakomana wako, wako umwe chete;
16i reče: "Kunem se samim sobom, izjavljuje Jahve: Kad si to učinio i nisi mi uskratio svog jedinca sina,
17ndichakuropafa­dza nekuropafadza, uye ndichawanza nekuwanza mbeu yako senyeredzi dzekumatenga, uye se­jecha riri pamahombekombe egungwa; uye mbeu yako ichava varidzi vemasuwo eva­vengi vayo;
17svoj ću blagoslov na te izliti i učiniti tvoje potomstvo brojnim poput zvijezda na nebu i pijeska na obali morskoj! A tvoji će potomci osvajati vrata svojih neprijatelja.
18nemumbeu yako ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa, nekuti wa­kateerera inzwi rangu.
18Budući da si poslušao moju zapovijed, svi će se narodi zemlje blagoslivljati tvojim potomstvom."
19Zvino Abhura­hamu wakadzokera kumajaya ake; ndoku­simuka ndokuenda vose Bheerishebha; Abhurahamu ndokugara paBheerishebha.
19Zatim se Abraham vrati k svojim slugama pa se zajedno upute u Beer Šebu. U Beer Šebi se Abraham nastani.
20Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi, kuti Abhurahamu wakaudzwa zvichinzi: Tarira, Mirika wakaberekerawo munin'ina wako Nahori vanakomana:
20Poslije tih događaja obavijeste Abrahama: "I tvome bratu Nahoru Milka je porodila djecu:
21Uzi dangwe rake, naBuzi munin'ina wake, naKemueri baba vaAramu,
21njegova prvorođenca Usa, brata mu Buza i Kemuela - oca Aramova,
22naKesedhi, naHazo, naPiradhashi, naJidhirafi, naBhetueri;
22Keseda, Haza, Pildaša, Jidlafa i Betuela."
23Bhetueri ndokubereka Rabheka; ava va­sere Mirika wakavakaberekera Nahori, munununa waAbhurahamu.
23Betuel je bio otac Rebekin. Njih je osam rodila Milka Nahoru, Abrahamovu bratu.
24Nemurongo wake, wezita rainzi Ruma, wakaberekawo Tebha, naGahami, naTa­hashi, naMaaka.
24A i njegova suložnica, kojoj bijaše ime Reuma, rodila je Tebaha, Gahama, Tahaša i Maaku.