Shona

Croatian

Genesis

24

1Zvino Abhurahamu wakange akwegura, ava nemazuva mazhinji kwazvo; naJehovha wakange aropafadza Abhurahamu pazvinhu zvose.
1Abraham bijaše već ostario, zašao u godine, Jahve je Abrahama blagoslovio u svemu.
2Abhurahamu ndokuti kumuranda wake, mukurusa weimba yake, waitonga zvose zvaaka­nge anazvo: Chimboisa chanza chako pasi pechidya changu,
2Abraham prozbori svome najstarijem sluzi u kući, pod čijom je upravom bilo sve njegovo: "Stavi svoju ruku pod moje stegno
3ndigokupi­kisa naJehovha, Mwari wekumatenga, naMwari wepasi, kuti haungatoreri mwanakomana wangu mukadzi kuvanasikana veKanani, vandinogara pakati pavo;
3da te zakunem Jahvom, Bogom neba i Bogom zemlje, da mome sinu nećeš nabaviti za ženu ni jednu od kćeri Kanaanaca, među kojima boravim,
4asi uchaende kunyika yekwangu nekuhama dzekwangu, unotorera mukadzi mwanakomana wangu Isaka.
4nego ćeš otići u moj rodni kraj i dobaviti ženu mom sinu Izaku."
5Zvino muranda wakati kwaari: Zvimwe mukadzi ungasada kunditevera ku­nyika ino, zvino ndingadzosera zvirokwazvo mwanakomana wenyu kunyika kwama­kabva here?
5A sluga mu reče: "A što ako žena ne htjedne za mnom ići u ovu zemlju? Hoću li ja onda odvesti tvoga sina u zemlju iz koje si ti došao?"
6Abhurahamu ndokuti kwaari: Che­njera kuti urege kudzosera mwanako­mana wangu ikoko.
6Abraham mu odgovori: "Dobro pripazi da onamo ne vodiš moga sina!
7Jehovha, Mwari wekumatenga, iye wakanditora paimba yababa vangu nemunyika yechizvarigo cha­ngu, iye wakataura neni, newakandipikira, achiti: Kumbeu yako, ndichapa nyika ino, ndiye achatuma mutumwa wake pamberi pako, kuti umutorere ikoko mukadzi mwanakomana wangu.
7Jahve, Bog nebesa, koji me odveo iz kuće moga oca i rodnog kraja i koji mi je pod zakletvom obećao: 'Tvome ću potomstvu dati ovu zemlju', pred tobom će poslati svog anđela, i odande ćeš ti dovesti ženu mome sinu.
8Asi kana mukadzi asingatendi kukutevera, ipapo iwe uchasunungurwa pamhiko yangu iyi; chete usadzosera mwanakomana wangu ikoko.
8A ako žena ne bude htjela za tobom poći, ti ćeš biti oslobođen od ove moje zakletve; ali moga sina onamo ne vodi!"
9Muranda ndokuisa ruoko rwake pasi pechi­dya chaAbhurahama tenzi wake, ndokupika kwaari pamusoro penyaya iyi.
9Tako sluga stavi svoju ruku pod stegno Abrahamu, svom gospodaru, te mu se zakune.
10Muranda ndokutora makamera gumi pamakamera atenzi wake, akaenda, nenhumbi dzose dzakanaka dzatenzi wake muruoko rwake, ndokusimuka ndokuenda Mesopotamia kuguta raNahori.
10Sluga opremi deset gospodarevih deva, ponese sa sobom svakog blaga svoga gospodara pa se zaputi u Aram Naharajim, u Nahorov grad.
11Zvino wakafugamisa maka­mera kunze kweguta patsime remvura panguva yemadekwana, iri nguva vakadzi yavanobuda kunochera mvura.
11Pusti deve da poliježu izvan grada, pokraj studenca. Bijaše večer, kad žene izlaze da crpu vodu.
12Zvino wakati: Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhu­rahamu, ndibudiririsei henyu nhasi, muitire tsitsi tenzi wangu Abhurahamu.
12Onda reče: "Oh, Jahve, Bože moga gospodara Abrahama, molim te, iziđi mi danas u susret i mome gospodaru Abrahamu milost iskaži!
13Tarirai, ndimire patsime re­mvura, uye vakunda vevanhu veguta vobuda kuzochera mvura.
13Evo me kraj studenca, a kćeri onih iz grada dolaze crpsti vodu;
14Zvino ngazviitike kuti musikana muduku wandichati kwaari: Ndirerekerewo chirongo chako ndimwe, ndokuti: Imwai, nemakamera enyu ndichaamwisa; ndiye wamakatsaurira muranda wenyu Isaka; uye neizvozvo ndichaziva kuti makaitira tenzi wangu tsitsi.
14pa neka djevojka kojoj ja rečem: 'Molim te, spusti svoj vrč da se napijem', a ona odgovori: 'Pij! I deve ću ti napojiti', bude ona koju si odredio za svoga slugu Izaka. Tako ću saznati da si iskazao milost mome gospodaru."
15Zvino zvakaitika asati apedza ku­taura, kuti tarira, Rabheka wakabuda, wakaberekerwa Bhetueri, mwanakomana waMirika, mukadzi waNahori munin'ina waAbhurahamu, uye ane chirongo pafudzi rake.
15Tek što on izreče svoje, gle, dođe Rebeka, kći Betuelova; taj Betuel bijaše sin Milke, žene Abrahamova brata Nahora. Dođe ona s krčagom na ramenu.
16Zvino musikana uyu wakange akanaka kwazvo pakuonekera, mhandara isina murume wakambomuziva; ndokuburukira kutsime, ndokuzadza chirongo chake, ndokukwira.
16Djevojka je bila krasna, djevica koju muškarac nije dirnuo. Siđe ona k vrelu, napuni krčag i eto je opet gore.
17Zvino muranda wakamhanyira kunomuchingamidza, ndokuti: Dondipawo svimvura pachirongo chako ndimwe.
17Sluga joj potrča u susret i reče: "Daj mi malo vode iz svog vrča!"
18Iye ndokuti: Imwai, ishe wangu; ndokukurumidza kutura chirongo chake paruoko rwake, ndokumumwisa.
18"Pij, gospodine!" - odgovori ona. Brzo spusti krčag na ruku i dade mu piti.
19Zvino apedza kumumwisa wakati: Ndichachererawo makamera enyu ku­svikira apedza kunwa.
19Kad je njega napojila, reče: "Nalit ću i tvojim devama da se napoje."
20Zvino akakurumidza ndokudururira chirongo chake muchimwiro, ndokumhanyirazve kutsime kunochera, akacherera makamera ake ose.
20Izlivši brzo krčag u korito, otrča natrag zdencu da ponovo zahvaća, i tako nali svim njegovim devama.
21Zvino murume wakamutarisisa anyerere, kuti azive kana Jehovha amubudiririsa parwendo rwake kana kwete.
21Čovjek ju je šutke motrio ne bi li saznao je li Jahve njegov put uspješno priveo kraju ili nije.
22Zvikaitika makamera apedza kumwa, kuti murume wakatora chindori chendarama chine uremu hwehafu yeshekeri, nezvishongo zviviri zvemaoko ake, uremu hwazvo hwaiva mashekeri gumi endarama;
22Kad su deve prestale piti, čovjek izvadi viticu od zlata, tešku pol šekela, i stavi je na njezine nosnice, a na ruke joj stavi dvije zlatne narukvice, teške deset šekela.
23ndokuti: Uri mukunda waani? Ndiudze. Kumba kwababa vako kune nzvimbo yekuti tirare here?
23Zatim reče: "Kaži mi čija si kći. Ima li u kući tvoga oca mjesta za nas da prenoćimo?"
24Iye ndokuti: Ndiri mukunda waBhe­tueri mwanakomana waMirika waaka­berekera Nahori.
24Ona mu odgovori: "Ja sam kći Betuela, koga je Milka rodila Nahoru."
25Akatiwo kwaari: Zvose tinazvo uswa hwakaoma nechikafu chezvipfuwo chizhinji, nenzvimbo yekurara.
25Još mu doda: "Ima slame i p§iće kod nas u obilju, a i mjesta za prenoćište."
26Murume ndokukotamisa musoro wake, ndokushumira Jehovha.
26Čovjek se onda duboko nakloni te iskaže poštovanje Jahvi
27Zvino wakati: Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari watenzi wangu Abhurahamu, usina kurega nyasha dzake nekutendeka kwake kuna tenzi wangu; ndiri ini, ndiri munzira, Jehovha wakanditungamirira kumba kwehama dzatenzi wangu.
27i progovori: "Neka je blagoslovljen Jahve, Bog moga gospodara Abrahama, što nije uskratio svoju ljubav i svoju vjernost mome gospodaru. Mene je Jahve vodio pravim putem, u kuću brata moga gospodara."
28Zvino musikana wakamhanya, ndokunoudza imba yamai vake zvemashoko akadai.
28Djevojka otrča i sve ovo ispripovjedi u kući svoje majke.
29Zvino Rabheka waiva nehanzvadzi wezita rainzi Rabhani; Rabhani ndokumhanyira panze kumurume kutsime.
29A Rebeka imala brata komu bijaše ime Laban. Laban se požuri van, k čovjeku kod studenca.
30Uye zvakaitika paakaona chindori nezvishongo pamaoko ehanzvadzi yake, anzwa mashoko aRabheka hanzvadzi yake, achiti: Ndizvo zva­taura murume kwandiri, kuti wakaenda kumurume, zvino tarira, umire pamakamera patsime.
30Čim je vidio nosnu viticu i narukvice na rukama svoje sestre te čuo kako je njegova sestra Rebeka rekla: "Ovako mi je čovjek govorio", on pođe onome koji je još stajao kod deva na studencu.
31Zvino akati: Pinda iwe wakaro­pafadzwa naJehovha; unomirirei ku­nze? nekuti ndagadzirira imba nenzvimbo yemakamera.
31Reče on: "Hajde unutra, blagoslovljeni od Jahve! Što stojiš vani kad sam ja spremio kuću i mjesto za deve."
32Murume ndokuuya mumba, ndokusunungura makamera ndokupa makamera uswa hwakaoma nezveku­dya zvezvipfuwo; nemvura yekushambidza tsoka dzake netsoka dzevarume vaiva naye.
32Tako čovjek uđe u kuću. Rastovare deve i dadu im slame i p§iće, a njemu i ljudima koji su ga pratili donesu vode da operu noge.
33Zvino kwakagadzikwa pa­mberi pake kuti adye; asi iye akati: Handizodyi kusvikira ndataura ­shoko rangu. Iye ndokuti: Taura.
33Ali kad su preda nj stavili hranu, reče: "Neću jesti dok ne kažem što imam kazati." A Laban mu reče: "Onda kazuj!"
34Ndokuti: Ndiri muranda waAbhurahamu.
34"Ja sam sluga Abrahamov", poče on.
35Zvino Jehovha wakaropafadza te­nzi wangu zvikuru; uye wava mukuru, waka­mupawo makwai, nemombe, nesirivha, nendarama, nevarandarume nevarandakadzi, nemakamera, nemadhongi.
35"Jahve je uvelike blagoslovio moga gospodara te je postao bogat. Nadavao mu je ovaca i goveda, srebra i zlata, sluga i sluškinja, deva i magaradi.
36NaSara mukadzi watenzi wangu wakaberekera tenzi wangu mwanakomana paakange akwegura; zvino wakapa kwaari zvose zvaanazvo.
36Sara, žena moga gospodara, rodi mu sina pošto je ostarjela, i on mu ustupi sve svoje.
37Zvino tenzi wangu wakandipikisa achiti: Usa­torera mwanakomana wangu mukadzi kuvakunda vevaKanani, vemunyika yavo mandigere;
37Potom mene moj gospodar zakune rekavši: 'Nemoj uzeti za ženu mome sinu djevojku Kanaanku, u zemlji u kojoj boravim kao stranac,
38asi uchaenda kuimba yababa vangu nekuhama dzangu unotorera mwanakomana wangu mukadzi.
38nego otiđi k obitelji moga oca, k mojoj rodbini, da nađeš ženu mome sinu.'
39Zvino ndakati kuna tenzi wangu: Zvimwe mukadzi haanganditeveri.
39A ja rekoh svome gospodaru: 'A što ako žena za mnom ne pođe?'
40Iye ndokuti: Jehovha, wandinogarofamba pamberi pake, uchatuma mutumwa wake newe, uchabudiririsa nzira yako; uye uchatorera mwanakomana wangu mukadzi kuhama dzangu nekuimba yababa vangu.
40On mi odgovori: 'Jahve, pred čijim sam licem hodio, poslat će s tobom svog anđela i tvoje će putovanje dovesti k cilju, a ti ćeš naći ženu mome sinu od moje rodbine, od obitelji moga oca.
41Ipapo uchasunungurwa pamhiko yangu kana wasvika kuhama dzangu, uye kana vasingakupi iye, uchasunungurwa pamhiko yangu.
41Jedino ćeš ovako biti oslobođen moje zakletve: ako dođeš k mojoj rodbini, i oni te odbiju, od moje si zakletve oslobođen.'
42Zvino ndasvika nhasi ku­tsime, ndokuti: Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, kana muchibudiririsa nzira yangu, yandinofamba nayo;
42Danas dođoh na studenac i rekoh: 'Jahve, Bože moga gospodara Abrahama, ako si voljan da uspješno završim putovanje što sam ga poduzeo,
43tarirai, ndimire patsime remvura; zvino ngazviitike kuti mhandara inobuda kuzochera mvura, uye ndikati kwaari: Ndipewo svimvura pachiro­ngo chako, ndimwe;
43ja, evo, stojim kraj studenca, a djevojka koja dođe vodu crpsti i ja joj rečem: Daj mi da se napijem malo vode iz tvog vrča! -
44iye ndokuti kwandiri: Imwai nemwi, uye ndichacherera makamera enyuwo; ave ndiye mukadzi Jehovha waakatsaurira mwanakomana watenzi wangu.
44i koja mi kaže: Pij ti, a i tvojim ću devama zahvatiti! - ona neka bude žena koju je Jahve odredio sinu moga gospodara.'
45Zvino ndisati ndape­dza kutaura mumoyo mangu, tarira, Rabheka wabuda ane chirongo chake pafudzi rake; ndokuburukira kutsime, ndokuchera. Zvino ndati kwaari: Dondipawo ndi­mwe.
45Tek što sam ja završio govor u sebi, kad se, evo, pojavi Rebeka s vrčem na ramenu; siđe k izvoru i zahvati. Ja joj rekoh: 'Daj mi da se napijem!'
46Iye ndokukurumidza, akatura chirongo paari ndokuti: Imwai, uye ndichamwisa makamera enyu­wo; ini ndikamwa, akamwisa makame­rawo.
46Ona brzo spusti vrč i odvrati: 'Pij! A napojit ću i tvoje deve.' Tako sam se ja napio, a ona napoji i moje deve.
47Zvino ndamubvunza ndokuti: Uri mukunda waani? Iye ndokuti: Mukunda waBhetueri, mwanakomana waNahori, Mirika waakamuberekera; zvino ndaisa chindori mumhino dzake, nezvishongo pamaoko ake.
47Pitao sam je: 'Čija si kći?' Odgovorila je: 'Kći sam Betuela, koga je Nahoru rodila Milka.' Tada joj stavim viticu na nos a narukvice na ruke.
48Ndokukota­misa musoro wangu, ndokushumira Jeho­vha, ndikakudza Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, iye wakanditungamirira panzira yakarurama, kuti mukunda wemunin'ina watenzi wangu ndimutorere mwanakomana wake.
48Duboko se naklonim i štovanje Jahvi iskažem te blagoslovim Jahvu, Boga gospodara moga, koji me vodio pravim putem da uzmem kćer brata moga gospodara njegovu sinu.
49Ikozvino kana muchiitira tenzi wangu moyochena nekutendeka, ndiudzei; kana zvisakadaro, ndiudzei, kuti ndiende kuruoko rwerudyi kana kuruboshwe.
49A sad, ako kanite iskazati ljubav i vjernost mome gospodaru, recite mi; ako li ne, to mi kažite, tako da mogu krenuti bilo desno bilo lijevo."
50Ipapo Rabhani naBhetueri vakapi­ndura vakati: Chinhu ichi chinobva kuna Jehovha; hatigoni kutaura kwauri zvakaipa kana zvakanaka.
50Tada odgovore Laban i Betuel: "Od Jahve to dolazi; mi tu ne možemo reći ni da ni ne.
51Tarira, Rabheka uri pamberi pako, tora uende, uye ngaave mukadzi wake, Jehovha sezvakareva.
51Rebeka je, eto, pred tobom: uzmi je pa idi, neka bude ženom sinu tvoga gospodara, kako je Jahve rekao."
52Zvino zvakaitika, kuti muranda waAbhura­hamu paakanzwa mashoko avo, waka­kotamira pasi pamberi paJehovha.
52Kad Abrahamov sluga ču njihov pristanak, do zemlje se nakloni Jahvi.
53Muranda ndokubudisa zvishongo zvesiri­vha, nezvishongo zvendarama, nenguvo, akapa Rabheka, akapawo hanzvadzi yake namai vake nhumbi dzinokosha.
53Sluga zatim izvadi srebrnih i zlatnih predmeta te haljina i dade ih Rebeki, a dade darova i njezinu bratu i majci.
54Zvino vakadya vakamwa, iye nevarume vaiva naye, vakagara usiku hwose, vakamuka mangwanani, iye ndokuti: Regai ndiende kuna tenzi wangu.
54Tada jedoše i piše on i ljudi koji su bili s njim i provedoše noć. Kad su ujutro ustali, on reče: "Pustite me da se vratim svome gospodaru!"
55Asi hanzvadzi yake namai vake vakati: Musikana ngaagare nesu ma­zuva kana gumi, shure kweizvozvi ngaaende.
55A njezin brat i majka odgovore: "Neka djevojka ostane s nama još desetak dana, pa poslije toga pođi!"
56Zvino wakati kwavari: Musandinonosa, Jehovha zvaakabudiririsa nzira yangu; regai ndie­nde kuti ndiende kuna tenzi wangu.
56On im reče: "Ne zadržavajte me kad je Jahve moje putovanje uspješno kraju priveo. Pustite me da se vratim svome gospodaru!"
57Ivo ndokuti: Ngatidane musikana, tinzwe muromo wake.
57Oni odgovore: "Pozovimo djevojku i upitajmo što ona misli!"
58Zvino vakadana Rabheka, ndokuti kwaari: Uchaenda nemu­rume uyu here? Iye ndokuti: Ndichaenda.
58Dozovu Rebeku pa je upitaju: "Hoćeš li poći s ovim čovjekom?" Ona odgovori: "Hoću."
59Zvino vakarega Rabheka hanzvadzi yavo achienda, nemureri wake, nemu­randa waAbhurahamu nevarume vake.
59I tako otpreme svoju sestru Rebeku i njezinu dojilju s Abrahamovim slugom i njegovim ljudima.
60Zvino vakaropafadza Rabheka, vakati kwaari: Iwe, hanzvadzi yedu, uve zvuru zvemazana, mbeu yako ngaive varidzi vemasuwo evanoivenga.
60Blagoslove Rebeku i reknu joj: "Sejo naša, budi mati nebrojenim tisućama, a dušmana svojih vrata potomci ti zaposjeli!"
61Zvino Rabheka wakasimuka nevasikana vake, vakatasva makamera, vakatevera murume uyo; muranda akatora Rabheka, akaenda.
61Onda se diže Rebeka i njezine dvorkinje, zajahaše deve te pođoše za čovjekom. Tako sluga preuze Rebeku i ode.
62Zvino Isaka wakasvika achibva pamusuwo wetsime Rahayi-Royi; nekuti waigara kunyika yekuchamhembe.
62Izak se vratio iz blizine Beer Lahaj Roja; živio je, naime, u kraju Negeba.
63Zvino Isaka waka­buda kunorangarira kusango nenguva yemadekwani; ndokusimudza meso ake, akaona, tarira, makamera anouya.
63U predvečerje iziđe Izak da se poljem prošeta; diže oči i ugleda deve gdje dolaze.
64Zvino Rabheka wakasimudza meso ake; akati aona Isaka akazviwisa paka­mera.
64Kad Rebeka, podigavši svoje oči, opazi Izaka, sjaha s deve
65Zvino wakati kumuranda: Ndiani mu­rume uyu unofamba musango kuzotichingamidza? Muranda ndokuti: Nditenzi wangu. Iye ndokutora chifukidzo chechiso chake, akazvifukidza.
65pa zapita slugu: "Tko je onaj čovjek što poljem ide nama u susret?" A sluga odgovori: "Ono je moj gospodar." Nato ona uze koprenu te se pokri.
66Zvino muranda wakaudza Isaka zvinhu zvose zvaakange aita.
66Sluga ispriča Izaku sve što je učinio.
67Isaka aka­muisa mutende ramai vake Sara, akatora Rabheka, akava mukadzi wake; akamuda. Isaka akanyaradzwa shure kwekufa kwa­mai vake.
67Tada Izak uvede Rebeku u svoj šator i uze je sebi za ženu. U ljubavi prema njoj Izak je nalazio utjehu nakon smrti svoje majke.