Shona

Croatian

Genesis

41

1Makore maviri akati apera, Farao akarota hope; akazviona amire parwizi.
1Poslije dvije godine usnu faraon da stoji pokraj Nila.
2Akaona mhou nomwe dzichikwira dzichibuda murwizi, dzakanga dzakanaka, dzakakora; dzichifura pakati penhokwe.
2Iz Nila iziđe sedam krava, lijepih i debelih; pasle su po šašu.
3Zvino akaona dzimwe mhou nomwe dzichikwira mashure madzo, dzichibva murwizi, dzakanga dzakaipa, dzakaonda; dzikamira nedzimwe mhou pamahombekombe erwizi.
3Ali odmah poslije njih iz Nila iziđe sedam drugih krava, ružnih i mršavih, te stanu uz one krave na obali Nila.
4Zvino mhou dzakaipa, dzakaonda, dzikadya mhou dziya nomwe dzakanaka, dzakakora. Farao akapepuka.
4Ružne i mršave krave požderu ono sedam lijepih i pretilih, i uto se faraon probudi.
5Akavatazve, akarota rwechipiri; akaona hura nomwe dzezviyo dzakanga dzatumbuka padzinde rimwe, dzakanga dzakakora, dzakanaka,
5Opet zaspi te usnu drugi san: sedam punih i jedrih klasova izraste na jednoj stabljici.
6akaona hura nomwe, dzakanga dzakatetepa, dzakanga dzapiswa nemhepo yokumabvazuva, dzichibuda shure kwadzo.
6Ali, eto, poslije njih uzraste sedam klasova šturih, istočnjakom opaljenih.
7Zvino hura dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakakora, dzakanga dzizere. Farao akapepuka, akaona kuti arota.
7Šturi klasovi proždru sedam jedrih i punih klasova. I faraon se probudi, i gle: bio je to san.
8Zvino fume mangwana mweya wake ukatambudzika, akatuma vanhu kundodana n'anga dzose dzeEgipita navakachenjera vose voko; Fa­rao akavaudza kurota kwake; asi kwaka­nga kusina munhu waigona kuzvidudzira kuna Farao.
8Ujutro faraon bijaše uznemiren u duši, pa pozva sve čarobnjake i sve mudrace egipatske: ispriča im faraon svoje sne, ali mu ih nitko nije mogao protumačiti.
9Ipapo mukuru wavadiri akaudza Farao, akati, Nhasi ndinorangarira kuta­dza kwangu;
9Onda progovori faraonov glavni peharnik: "Moram danas spomenuti jedan svoj propust.
10Farao akanga akatsa­mwira varanda vake, mukandisunga, ndi­kachengetwa mumba momukuru wavarindi, ini nomukuru wavabiki;
10Jednom, kad se faraon razljutio na svoje službenike, mene i glavnog pekara stavio je u zatvor u zgradi glavnog upravitelja.
11ti­karota hope nousiku humwe, ini naiye; tikarota mumwe nomumwe hope dzine dudziro yadzo.
11Usnusmo san iste noći, i ja i on, ali je svaki od nas usnuo san drugog značenja.
12Zvino ipapo pakanga panesu jaya romuHebheru, muranda wo­mukuru wavarindi; tikamuudza, iye aka­tidudzira kurota kwedu; akadudzira mumwe nomumwe sezvaakarota.
12Onda je s nama bio neki mladi Hebrej, sluga zapovjednika straže. Ispričasmo njemu svoje sne, a on nam ih protumači: kaza svakom značenje njegova sna.
13Zvikazoitika sezvaakatidudzira; ini ndakadzoserwa kubasa rangu, asi iye akasungirirwa.
13Kako nam ih je protumačio, tako nam se i dogodilo: mene vratiše na moje mjesto, a onoga objesiše."
14Ipapo Farao akatuma munhu ku­ndodana Josefa, akakurumidza kumubu­disa mugomba; vakaveura ndebvu dzake nokumufukidza dzimwe nguvo; akapinda kuna Farao.
14Faraon odmah pošalje po Josipa; izvuku ga brže-bolje iz tamnice; ošišaju mu kosu, obuku novo odijelo i on stupi pred faraona.
15Farao akati kuna Josefa, Ndarota hope, asi hakuna munhu ano­gona kundidudzira idzo; zvino ndanzwa kuti iwe, kana wanzwa kurota, unogona kuzvidudzira.
15Onda faraon reče Josipu: "Usnuo sam san, a nitko ga ne može protumačiti. Čuo sam o tebi da možeš protumačiti san čim ga čuješ."
16Josefa akapindura Farao, akati, Kwete, handizini; Mwari ndiye angapa Farao dudziro yorugare.
16"Ništa ja ne mogu", odgovori Josip faraonu, "nego će Bog dati pravi odgovor faraonu."
17Farao akarondedzera kuna Josefa akati, Pakurota kwangu ndakazviona ndimire pamahombekombe erwizi;
17Onda je faraon pripovjedao Josipu: "U svom snu stojim na obali Nila.
18ndikaona murwizi muchibuda mhou nomwe, dzakanga dzakakora, dzaka­naka; dzikafura pakati penhokwe;
18I gle! Iz Nila iziđe sedam debelih i lijepih krava. Pasle su po šašu.
19ndi­kaonazve dzimwe mhou nomwe dzichi­kwira shure kwadzo dzine nzara, dzakaipa kwazvo, dzakaonda, handina kumboona dzakaipa dzakadai panyika yose yeEgipita.
19Poslije njih izađe drugih sedam krava. Bile su mršave, vrlo ružne i koštunjave. Još nikad ne vidjeh onako ružnih krava u svoj zemlji egipatskoj!
20Zvino mhou idzodzo dzakaonda, dzakaipa, dzikadya, mhou dziya dzakakora dzokutanga;
20I sedam mršavih i ružnih krava proždru prvih sedam debelih krava.
21dzakati dzadzidya, hadzina kutongozikamwa kuti dzadzidya; asi dzakanga dzakangoipa sapakutanga. Zvino ndikapepuka.
21Pa iako su ih progutale, nije se vidjelo da im je što u trbuhu: bile su ružne kao i prije. Uto se probudim.
22Ndi­kaonazve pakurota kwangu hura nomwe dzakanga dzatumbuka padzinde rimwe, dzizere, dzakanaka;
22Zatim sam u snu vidio kako na jednoj stabljici uzraste sedam punih i lijepih klasova.
23ndikaonazve dzi­mwe hura nomwe, dzakaoma, dzakate­tepa, dzakapiswa nemhepo yokumabva­zuva, dzichibuda shure kwadzo.
23Ali poslije njih uzraste sedam klasova zgrčenih, šturih, istočnjakom opaljenih.
24Hura idzodzo dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakanaka; ndikaudza n'anga, asi kwakanga kusina munhu akagona kundidudzira izvozvo.
24I šturi klasovi proždru sedam jedrih klasova. Kazao sam ovo i vračarima, ali nema nikoga da mi razjasni."
25Ipapo Josefa akati kuna Farao, Kurota kwaFarao ndokumwe; izvo Mwari zvaanoda kuita, ndizvo zvaakazi­visa Farao.
25Onda Josip reče faraonu: "Faraonov je san samo jedan: Bog javlja faraonu što kani učiniti.
26Mhou nomwe dzakanaka makore manomwe, nehura nomwe dza­kanaka makore manomwewo; kurota ndokumwe.
26Sedam lijepih krava, to je sedam godina; sedam lijepih klasova opet je sedam godina. Tako je samo jedan san.
27Mhou nomwe dzakaonda, dzakaipa, dzakakwira shure kwaidzodzo, makore manomwe, nehura nomwe dza­kaputa, dzakapiswa nemhepo yokuma­bvazuva, achava makore manomwe enzara.
27Sedam mršavih i ružnih krava poslije njih, a tako i sedam praznih, istočnjakom opaljenih klasova, označuje sedam gladnih godina.
28Ndiro shoko randataura kuna Farao; izvo Mwari zvaanoda kuita, ndi­zvo zvaakaratidza Farao.
28To je ono što sam već faraonu rekao: Bog objavljuje faraonu što kani učiniti.
29Tarirai, ku­nouya makore manomwe amaguta kwa­zvo panyika yose yeEgipita;
29Dolazi, evo, sedam godina velikog obilja svoj zemlji egipatskoj.
30shure kwaiwayo kuchatevera makore mano­mwe enzara; ipapo maguta ose achaka­nganikwa panyika yeEgipita; nzara ichape­dza nyika;
30A poslije njih nastat će sedam gladnih godina, kada će se zaboraviti sve obilje u zemlji egipatskoj.
31maguta haangazozikamwi munyika nokuda kwenzara iyoyo inozo­tevera, nekuti ichanyanya kwazvo.
31Kako glad bude harala zemljom, neće se ni znati da je u zemlji bilo obilje - zbog gladi koja će doći - jer će biti vrlo velika.
32Ku­rota uku kwakapamhidzwa kuna Farao kaviri, nekuti izvozvo zvakatarwa naMwari, uye Mwari achakurumidza ku­zviita.
32A što se faraonov san ponovio, znači da se Bog na to zaista odlučio i da će to uskoro provesti.
33Naizvozvo Farao ngaatsvake munhu akangwara, akachenjera, amuite mubati wenyika yeEgipita.
33Zato neka faraon izabere sposobna i mudra čovjeka te ga postavi nad zemljom egipatskom.
34Farao ngaaite izvozvo, ngaaise vatariri panyika yose, atore cheshanu chezviyo zvenyika yeIji­piti pamakore manomwe emaguta.
34Nadalje, neka se faraon pobrine da postavi nadglednika u zemlji koji će kÓupiti petinu sve žetve u zemlji egipatskoj za sedam godina obilja.
35Ngaaunganidze zvokudya zvose zva­makore iwayo akanaka anouya, avige zviyo nomurayiro waFarao, zvive zvoku­dya mumaguta; vazvichengete.
35Neka skupljaju od svakog žita za sedam dobrih godina što dolaze; neka s ovlaštenjem faraonovim sabiru žito za hranu i pohranjuju ga po gradovima.
36Zvoku­dya izvozvo zvichachengeterwa nyika makore manomwe enzara, ichazovapo panyika yeEgipita, kuti nyika irege kupa­radzwa nenzara.
36Neka zalihe služe za hranu u zemlji za sedam godina gladi što će snaći zemlju egipatsku, tako da za gladi zemlja ne propadne."
37Chinhu ichi chaka­nga chakanaka kuna Farao navaranda vake vose.
37Svidje se odgovor faraonu i svim njegovim službenicima.
38Farao akati kuvaranda vake, Ko tingawana mumwe munhu akafanana nouyu, anomweya waMwari maari here?
38Zato faraon reče svojim službenicima: "Zar bismo mogli naći drugoga kao što je on, čovjeka koji bi bio tako obdaren duhom Božjim?"
39Farao akati kuna Josefa, Mwari zvaakakuratidza izvozvo zvose, hapana munhu akangwara, akachenjera sewe;
39A onda faraon reče Josipu: "Otkako je sve to Bog tebi otkrio, nikoga nema sposobna i mudra kao što si ti.
40ndiwe uchava mubati weimba yangu; vanhu vangu vose vacharairwa neshoko rako; asi pachigarao changu choushe ndipo pandichava mukuru kwauri.
40Ti ćeš biti upravitelj moga dvora: sav će se moj narod pokoravati tvojim naredbama. Jedino prijestoljem ja ću biti veći od tebe.
41Zvino Farao akati kuna Josefa, Tarira, ndakuita mubati panyika yeEgipita yose.
41Postavljam te, evo," reče faraon Josipu, "nad svom zemljom egipatskom."
42Farao akabvisa chimhete chake pa­ruoko rwake, akachiisa paruoko rwaJo­sefa, akamufukidza nguvo dzomucheka wakanakisa, akamushongedza chiketani chendarama pamutsipa wake;
42Poslije toga skine faraon sa svoje ruke pečatni prsten i stavi ga Josipu na ruku. Zatim zaodjene Josipa odjećom od najljepše tkanine, a o vrat mu objesi zlatan lanac.
43akamufa­mbisa nengoro yechipiri yaakanga anayo; vakadanidzira pamberi pake, vachiti, Pfugamai! Akamuita mubati wenyika yose yeEgipita.
43Vozio se on u kolima kao njegov zamjenik, a pred njim klicahu: "Abrek! Na koljena!" Tako ga postavi nad svu zemlju egipatsku.
44Farao akati kuna Josefa, Ndini Farao, asi kunze kwako hapana munhu achasimudza ruoko rwake kana rutsoka rwake panyika yose yeEgipita.
44Još faraon reče Josipu: "Premda sam ja faraon, neće nitko dići svoje ruke ni noge bez tvog odobrenja u svoj zemlji egipatskoj."
45Farao akatumidza Josefa zita rinonzi Zafanatipanea; akamupa Asenati, muku­nda waPotifari, mupristi weOni, kuti ave mukadzi wake. Josefa akabuda, akafamba nenyika yose yeEgipita.
45Faraon nazva Josipa "Safenat Paneah", a za ženu mu dade Asenatu, kćer Poti-Fere, svećenika u Onu. I Josip postade poznat po zemlji egipatskoj.
46Zvino Josefa akanga ana makore makumi matatu, nguva yaakamira pamberi paFarao, ma­mbo weEgipita.
46Josipu je bilo trideset godina kad je stupio u službu faraona, kralja egipatskog. A otišavši Josip ispred faraona, putovao je po svoj zemlji egipatskoj.
47Nyika ikabereka zvizhinji-zhinji, nama­kore manomwe amaguta.
47Za sedam rodnih godina zemlja je rađala u obilju;
48Akaungani­dza zvokudya zvose zvamakore mano­mwe, aivapo panyika yeEgipita, akaviga zvokudya mumaguta; zvokudya zveminda yakanga yakapoteredza guta rimwe nerimwe, akazvivigamo.
48on je - u tih sedam godina što ih je egipatska zemlja uživala - kÓupio od različite ljetine i hranu pohranjivao u gradove, smještajući u svakom gradu urod iz okolnih polja.
49Josefa akaviga zviyo, zvikaita sejecha regu­ngwa, zvizhinji-zhinji, kusvikira akarega kuzviverenga; nekuti zvakanga zvisinga­goni kuverengwa.
49Tako Josip nagomila mnogo žita, kao pijeska u moru, pa ga prestade i mjeriti jer mu mjere ne bijaše.
50Zvino gore renzara risati rasvika, Josefa akaberekerwa vanakomana vaviri, vaakaberekerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupristi weOni.
50Dok još ne nasta gladna godina, Josip imade dva sina koje mu rodi Asenata, kći Poti-Fere, svećenika u Onu.
51Josefa akatu­midza wedangwe zita rinonzi Manase, achiti, nekuti Mwari akandikangamwisa kutambudzika kwangu kose neimba ya­baba vangu yose.
51Prvorođencu Josip nadjenu ime Manaše, "jer Bog je", reče, "dao te sam zaboravio svoje teškoće i svoj očinski dom."
52Zita rowechipiri akaritumidza Efuremu, achiti, nekuti Mwari akandiberekesa vana panyika yo­kutambudzika kwangu.
52Drugomu nadjenu ime Efrajim, "jer Bog me", reče, "učinio rodnim u zemlji moje nevolje."
53Zvino makore manomwe amaguta, akanga avapo panyika yeEgipita, akapera.
53Sedam godina obilja koje je uživala zemlja egipatska dođe kraju,
54Makore manomwe enzara akatanga ku­svika, sezvakataura Josefa; nzara ikavapo panyika dzose; asi panyika yose yeEgipita pakanga pane zvokudya.
54a primače se sedam gladnih godina, kako je Josip prorekao. U svim zemljama bijaše glad, a u svoj zemlji egipatskoj bijaše kruha.
55Zvino vanhu vose veEgipita vofa nenzara, vakachemera zvokudya kuna Farao; Farao akati kuna vose veEgipita, Endai kuna Josefa; itai zvaanotaura kwamuri.
55A kad je i sva zemlja egipatska osjetila glad, puk zavapi faraonu za kruh; a faraon reče Egipćanima: "Idite k Josipu i što god vam rekne, činite!"
56Nzara ikavapo panyika dzose; Josefa akazarura matura ose, akatengesera vaEgipita; nekuti nzara yakanga yakanyanya panyika yeEgipita.
56Kad se glad proširi po svoj zemlji, Josip rastvori skladišta te je Egipćane opskrbljivao žitom, jer je glad postala žestoka i u zemlji egipatskoj.
57Vanhu venyika dzose vakaenda Egipita kuna Josefa kuzotenga zviyo; nekuti nzara yakanga yakanyanya panyika dzose.
57Sav je svijet išao u Egipat k Josipu da kupuje žita, jer je strašna glad vladala po svem svijetu.