Shona

Croatian

Genesis

42

1Zvino Jakove akaona kuti zviyo zvaiveko kuEgipita, Jakove akati kuvanakomana vake, Munotari­rana neiko?
1Kad je Jakov čuo da u Egiptu ima žita, reče svojim sinovima: "Što tu zurite jedan u drugoga?
2Akati, Ndanzwa kuti zviyo zviriko kuEgipita; burukiraiko, mu­ndotitengerako, tipone, tirege kufa.
2Čujem da ima žita u Egiptu. Otiđite dolje te nam ga odande nabavite da ostanemo na životu i ne pomremo."
3Ipapo vakoma vaJosefa vane gumi va­kaburuka kundotenga zviyo Egipita.
3Tako desetero Josipove braće siđe da nabavi žita iz Egipta.
4Asi Bhenjamini, munin'ina waJosefa, Jakove haana kumutuma navakoma vake; nekuti akati, Zvimwe angawirwa nenjodzi.
4Benjamina, Josipova pravog brata, Jakov ne posla s ostalima. "Da ga ne bi zadesila kakva nesreća", govorio je.
5Zvino vanakomana vaIsiraeri vakauya kuzotenga pakati pavamwe vaiuya, no­kuti nzara yakanga iripo panyika yeKe­nani.
5Među onima koji su išli nabavljati žito, jer u zemlji kanaanskoj vladaše glad, bijahu i sinovi Izraelovi.
6Zvino Josefa aiva mubati wenyika; ndiye aitengesera vanhu vose venyika; vakoma vaJosefa vakauya, va­kamupfugamira, zviso zvavo zvakatarira pasi.
6Josip je bio namjesnik u zemlji; on je dijelio žito svemu svijetu. Dođu tako i Josipova braća i poklone mu se licem do zemlje.
7Josefa akaona vakoma vake, aka­vaziva, asi akaita saasingavazivi, aka­taura nehasha navo, akati kwavari, Ma­bvepiko? Ivo vakati, Tabva kunyika yeKanani kuzotenga zvokudya.
7Josip prepozna braću čim ih ugleda, ali se prema njima vladao kao stranac i oštro im govorio. Zapita ih: "Odakle dolazite?" Odgovore: "Iz zemlje kanaanske došli smo da kupimo hrane."
8Josefa akaziva vakoma vake, asi ivo havana kumuziva.
8Iako je Josip prepoznao svoju braću, oni njega nisu prepoznali.
9Ipapo Josefa akara­ngarira kurota kwake kwaakadeya kurota pamusoro pavo, akati kwavari, Muri vashori, mauya kuzoona kuti nyika yaka­shama papi.
9Josip se sjeti snova što ih je o njima sanjao. I reče im: "Vi ste uhode! Došli ste da izvidite slaba mjesta ove zemlje."
10Ivo vakati kwaari, Kwete, ishe wedu, asi varanda venyu vauya kuzote­nga zvokudya.
10Oni mu odgovore: "Ne, gospodaru! Tvoje su sluge došle da nabave hrane.
11Tiri vanakomana vomu­nhu mumwe chete tose; tiri vanhu vaka­tendeka, varanda venyu havazi vashori;
11Svi smo sinovi jednog oca; pošteni smo ljudi; sluge tvoje nikad nisu bile uhode."
12iye akati kwavari, Kwete, mauya ku­zoona nyika kuti yakashama papi.
12On će im opet: "Ne, nego ste došli da izvidite slaba mjesta ove zemlje."
13Ivo vakati, Isu varanda venyu, tiri vanakomana vane gumi navaviri vomu­nhu mumwe chete panyika yeKanani; zvino worugotwe ari kuna baba vedu nhasi; mumwe haachisipo.
13Nato oni uzvrate: "Nas, tvojih slugu, bijaše dvanaestero braće - sinovi jednog oca, u zemlji kanaanskoj; najmlađi je sad s ocem, a jednoga više nema."
14Josefa akati kwavari, Ndizvo zva­ndanga ndichitaura kwamuri, ndichiti muri vashori;
14No Josip im dobaci: "Onako kako sam vam već rekao: vi ste uhode!
15hechi chinhu chamuchae­dzwa nacho. Noupenyu hwaFarao, hamu­ngabudi pano kana munin'ina wenyu wo­rugotwe asina kuuya pano.
15Ovako ću vas iskušati: odavde, tako mi faraona, nećete izići ako vaš najmlađi brat ne dođe ovamo!
16Tumai mumwe wenyu kuti andotora munin'ina wenyu, asi imwi muchafanira kugara ma­kasungwa, kuti mashoko enyu aedzwe, kana makatendeka; kana zvisina kudaro, zvirokwazvo, noupenyu hwaFarao muri vashori.
16Pošaljite jednoga između sebe da vam dovede brata, a vi ostali u zatvor! Tako ću iskušati vaše riječi i vidjeti je li u vas istina ili nije. Inače, tako mi faraona, vi ste uhode!"
17Ipapo akavaisa pamwechete vose mutirongo, kuti vachengetwe ma­zuva matatu.
17Potom ih baci u zatvor na tri dana.
18Josefa akati kwavari nezuva retatu, Itai chinhu ichi, mupone; ini ndinotya Mwari;
18Treći im dan reče Josip: "Izvršite to, i ostat ćete na životu, jer sam ja čovjek bogobojazan.
19kana muri vanhu vakatendeka, mumwe wavanin'ina venyu ngaagare akasungwa mutirongo yenyu; asi imwi endai makatakura zviyo kundopa mhuri dzenyu dzine nzara.
19Ako ste pošteni, neka jedan od vas ostane u zatvoru, a vi ostali idite i nosite žito svojim izgladnjelim domovima.
20Mugouya nomunu­nuna wenyu worugotwe kwandiri; nai­zvozvo mashoko enyu achasimbiswa, murege kufa. Vakaita saizvozvo.
20Poslije toga dovedite mi svoga najmlađeg brata, tako da se obistine vaše riječi te da ne izginete." Oni pristanu.
21Va­kataurirana vachiti, Zvirokwazvo tine mhosva nokuda komunin'ina wedu, no­kuti takaona kutambudzika komweya wake musi uya waakatinyengetera, tika­ramba kumuteerera; naizvozvo tawirwa nokutainbudzika.
21Zatim je jedan drugom govorio : "Jao nama! Stiže nas kazna zbog našega brata; gledali smo njegovu muku dok nas je molio za milost, ali ga nismo uslišali. Stoga nas je ova nevolja snašla."
22Ipapo Rubheni akapindura, akati, Handina kukuudzai here, ndichiti, Re­gai kutadzira mwana, mukaramba kundi­teerera? Naizvozvo tarirai, ropa rake rotsvakwa.
22Ruben im odvrati: "Zar vam nisam govorio: Ne ogrešujte se o mladića! Ali vi niste slušali. Sad se traži račun za njegovu krv."
23Zvino vakanga vasingazivi kuti Josefa anonzwisisa, nekuti kwanga kuine mupinduri pakati pavo.
23Nisu znali da ih Josip razumije, jer su se s njim razgovarali preko tumača.
24Ipapo Josefa akabva kwavari, akachema; aka­dzokerazve kwavari, akataura navo, aka­tora Simioni pakati pavo, akamusunga vachizviona.
24On se od njih udalji te zaplaka. Opet se vrati i razgovaraše s njima. Onda izdvoji Šimuna između njih i naredi da bude svezan na njihove oči.
25Josefa akaraira kuti mi­dziyo yavo izadzwe nezviyo, uye kuti mumwe nomumwe adzoserwe mari yake muhomwe yake, uye kuti vapiwewo mbuva yokufamba nayo; vakaitirwa sai­zvozvo.
25Potom Josip zapovjedi da im vreće napune žitom; da svakome njegov novac metnu u vreću i da im daju poputninu. Tako im učine.
26Ipapo vakatakudza madhongi avo zviyo zvavo, vakaenda.
26Tada oni natovare žito na svoje magarce i krenu odande.
27Zvino mumwe wavo akati achisunungura ho­mwe yake, kuti ape dhongi rake zvokudya pavakavata usiku, akawana mari yake; heyo yakanga iri mumuromo wehomwe yake.
27Kad na prenoćištu jedan od njih otvori svoju vreću da nahrani magarca, opazi svoj novac ozgo u vreći.
28Akati kuhama dzake, Mari yangu yadzoswa; heyi iri muho­mwe yangu; ipapo vakaora moyo, va­katarirana, vachibvunda, vakati, Chi­nyiko ichi chataitirwa naMwari?
28"Moj je novac vraćen!" - povika braći. - "Evo ga u mojoj vreći!" Zadrhta srce u njima. Zgledaše se, uplašeni, i rekoše: "Što nam ovo Bog uradi!"
29Vakasvika kuna baba vavo pa­nyika yeKanani, vakavaudza zvose zva­kanga zvavawira;
29Došavši k svome ocu Jakovu u zemlju kanaansku, kazaše mu sve što ih je snašlo.
30vakati, Murume uya, ishe wenyika iyoyo, akataura nesu nehasha, akati, tiri vashori venyika.
30"Čovjek koji je gospodar one zemlje", rekoše, "oštro nam je govorio i optužio nas kao uhode.
31Tikati kwaari, Tiri vanhu vakate­ndeka, hatizi vashori;
31Pošteni smo ljudi, kazasmo mu, i nikad nismo bili uhode.
32tiri vanakomana vane gumi navaviri vomunhu mumwe chete, vanakomana vababa vedu; mu­mwe haachipo, worugotwe ari kuna baba vedu nhasi panyika yeKanani.
32Bilo nas je dvanaestero braće, sinovi istog oca, ali jednoga više nema, dok se najmlađi sad nalazi s našim ocem u zemlji kanaanskoj.
33Zvino murume uya, ishe wenyika, akati kwatiri, Hechi chinhu chandicha­ziva nacho kuti muri vakatendeka, Si­yai mumwe wenyu kwandiri, mutore zviyo, mundopa mhuri dzenyu dzine nzara, muende.
33Ali čovjek koji je gospodar one zemlje reče nam: 'Ovim ću doznati da ste pošteni ljudi: ostavite jednoga brata kod mene, a vi ostali uzmite što vam treba za izgladnjele domove, pa idite.
34Mugouyazve kwa­ndiri nomunin'ina wenyu worugotwe; ipapo ndichaziva kuti hamuzi vashori, asi kuti muri vanhu vakatendeka; ipapo ndichakupai munin'ina wenyu, mugote­nga panyika ino.
34Onda mi dovedite svoga najmlađeg brata, tako da znam da niste uhode, nego pošteni ljudi. Poslije toga vratit ću vam vašeg brata, i vi ćete se moći slobodno kretati u ovoj zemlji.'"
35Zvino vakati vachidurura homwe dzavo, tarira chiputu chemari yomumwe nomumwe chakanga chiri muhomwe yake; vakati vachiona zviputu zvemari yavo, vakatya ivo nababa vavo.
35Kako su praznili svoje vreće, svaki nađe u vreći svoju kesu. Opazivši to, zapadoše u strah - i oni i njihov otac.
36Zvino Jakove akati kwavari, Manditorera vana; Josefa haachipo, naSimioni haa­chipo, zvino moda kutora naBhenjami­niwo; zvinhu zvose izvi zvandiwira.
36"Mene vi ostavljate bez djece!" - reče im njihov otac. - "Josipa je nestalo, Šimuna nema, a sad biste odveli i Benjamina. Sve se to na me svaljuje!"
37Ipapo Rubheni akataura nababa vake, akati, Mungauraya henyu vanako­mana vangu vaviri, kana ndisingadzoki naye kwamuri; chimuisai henyu mu­maoko angu, ini ndichauya nayezve kwa­muri.
37Onda Ruben reče svome ocu: "Ubij moja dva sina ako ti ga ja natrag ne dovedem! Predaj ga u moje ruke, i ja ću ti ga vratiti!"
38Vakati, Mwanakomana wangu haangaburuki nemi, nekuti mukoma wake wakafa, iye asiiwa ari oga; kana akawirwa nenjodzi parwendo rwamuno­famba, muchaburutsira vhudzi rangu jena kuguva nokuchema.
38"Moj sin neće s vama!" - uzvrati on. - "Njegov je pravi brat već mrtav, a on je ostao sam. Ako bi ga na putu na koji ćete poći snašla nesreća, u tuzi biste otpravili moju sijedu glavu dolje u Šeol."